Kushandira Pamwe Kunoita Nhengo Dzemhuri Kuti Dzigoverane Zvakazara—Mukudzidza Bhaibheri
1 Chokwadi chinowedzera zvinoreva upenyu hwemhuri chaizvoizvo nechinangwa chahwo, asi kubudirira pakushumira Jehovha hakungoerekani kwauya. Zvinoda nguva nokutamburira kuti tivake mhuri yakasimba mumudzimu. Panodiwa kwazvo kuti nhengo dzemhuri dzishande pamwe chete mukuedza uku. Nyaya ino yokutanga munyaya nhatu dzakatevedzana ichasimbisa kuti mhuri dzinogona sei kushandira pamwe kuti dzive netsika dzokudzidza dzakanaka.
2 Nokuverenga Bhaibheri Zuva Nezuva: Zvirevo 24:5 inotaura kuti “munhu wezivo unowedzera simba.” Zivo inowanikwa nokudzidza Shoko raMwari nguva dzose inopa munhu simba romumwoyo rinodiwa kuti akurire kurwisa kwaSatani mune zvokunamata. (Pis. 1:1, 2) Munoverenga Bhaibheri pamwe chete semhuri zuva nezuva here? Purogiramu yeChikoro chaMwari Choushumiri inoronga “Purogiramu Yokuverenga Bhaibheri” yevhiki imwe neimwe yegore. Kuitevedzera kunoda nguva shomanana semaminitsi gumi enguva yemhuri zuva roga roga. Sarudzai nguva yakakodzera, yakadai sepakudya kwemangwanani, mapedza kudya kwemanheru, kana kuti musati manorara, kuti muverenge Bhaibheri nokuita rugwaro rwezuva racho kubva mubhuku raKunzvera Magwaro. Itai kuti izvi zvive muitiro wemazuva ose wemhuri yenyu.
3 Nokudzidza Pamwe Chete Vhiki Imwe Neimwe: Chidzidzo cheBhaibheri chemhuri chinofanira kuva chinhu chinokosha zvikuru mumhuri pavhiki. Nhengo yoga yoga inofanira kuchitsigira nokuitawo chimwe chinhu nomwoyo wose muchidzidzo chacho. Musoro wemhuri uchada kuona zvinodiwa nemhuri paunenge uchisarudza zvichadzidzwa uye zuva racho, nguva, uye urefu hwechidzidzo chacho. Itai kuti chidzidzo chemhuri chive chinhu chokutanga papurogiramu yevhiki. Musarega zvinhu zvisinganyanyokosha zvichivhiringidza.—VaF. 1:10, 11.
4 Vamwe baba vaiwanzoridzirwa runhare rwebhizimisi pamba pavo vaivhomora tambo dzorunhare panguva yechidzidzo chemhuri. Makasitoma paaiuya pamba, aikumbirwa kudzidzawo kana kuti kumira kusvikira chidzidzo chacho chapera. Baba vacho vakanga vakatsunga kuti pasava nechinhu chaigona kuvhiringidza chidzidzo chemhuri. Izvi zvakabatsira vana vavo zvikuru, uye kana riri bhizimisi ravo, rakabudirira.
5 Zvinofadza zvikuru kana nhengo dzemhuri dzichishandira pamwe muzvinhu zvomudzimu! Kuvimbika mukuedza kwedu kugoverana zvakazara mukudzidza Bhaibheri semhuri kuchaunza chikomborero chaJehovha.—Pis. 1:3.