Mhuri Dzakasimba Mumudzimu—Sei?
1 Mhuri dzechiKristu dzinorumbidzwa nemhaka yokuva ‘netsika yokuzvipira kuna Mwari mumba madzo.’ (1 Tim. 5:4) Zvisinei, nokuda kwezvinhu zvakaipa zvakatipoteredza zvingagona kunetesa kutenda kwedu, zvinokosha kuti mhuri dzishande zvakaoma kuti dzirambe dzakasimba mumudzimu. Izvi zvingaitwa sei?
2 Tungamirirai Sezvinoita Kristu: Misoro yemhuri inofanira kutevedzera Jesu Kristu munzira yainotakura nayo mutoro wayo wokusimbisa mhuri dzayo. Kupfuura kuratidza rudo rwake kamwe chete kuburikidza norufu rwechibayiro, Jesu anoramba ‘achipa zvokudya uye achitarisira’ ungano. (VaEf. 5:25-29) Vabereki vane rudo vanotevera muenzaniso uyu wokutarisira nounyoro nokupa zvinodiwa zvomudzimu zvemhuri dzavo zvezuva nezuva. Izvi zvinosanganisira kuitisa chidzidzo cheBhaibheri chemhuri vhiki imwe neimwe, kukurukura zvinhu zvomudzimu zvakadzama pose pazvinobvira, uye kukurukura zvinetso pazvinomuka.—Dheut. 6:6, 7.
3 Muushumiri Hwomumunda: Nhengo dzose dzemhuri dzinofanira kunzwisisa kuti kupupurira vamwe pamusoro paJehovha nezvinangwa zvake chinhu chinokosha mukunamata kwadzo. (Isa. 43:10-12) Kana imi vabereki muchida kuti vana venyu vave Zvapupu zvaJehovha zvakatendeka, munofanira kutanga kugadzirira mwoyo yavo nokuda kwoushumiri vachiri vaduku zvikuru. Kurukurai zvikonzero nei zvichikosha kuti vazvipire mubasa uye variite vhiki imwe neimwe. (Mat. 22:37-39) Zvadaro rongai kuti muite navo ushumiri hwomumunda nguva dzose.
4 Itai kuti vawedzere kunzwisisa kukosha kwebasa rokuparidza kuburikidza nokutsaura imwe yenguva yamunoita chidzidzo chemhuri chevhiki nevhiki kuti muishandise kugadzirira uye kudzidzira mharidzo inobudirira. Rovedzai mwana mumwe nomumwe muushumiri, muchibatsira vana venyu kufambira mberi maererano nezera uye mano avo. Mapedza nguva muri pamwe chete mubasa romumunda, kurukurai maonero avaita kunaka kwaJehovha ivo pachavo. Rondedzerai zvakaitika zvinosimbisa kutenda. Mhuri dzika“ravira kuti Ishe ane mutsa,” zvichaita kuti dzive pedyo naJehovha, achidzisimbisa kuti dzitambire kure no“uipi hwose.”—1 Pet. 2:1-3.
5 Pamisangano: Zvinofadza zvikuru kana nhengo dzemhuri dzichibatsirana kupinda misangano yose yeungano, zvikurukuru kana mumwe wadzo achinzwa akaneta, akaora mwoyo, kana kuti akurirwa! “Baba vangu pavanosvika kumba vachibva kubasa, vanenge vakaneta,” yakadaro imwe hanzvadzi yechiduku. “Asi ndinokurukura navo pfungwa yakanaka ichakurukurwa kumusangano manheru acho, uye inovakurudzira kuenda. Ini pandinonzwawo ndakaneta, vanondikurudzira kuenda.”—VaH. 10:24, 25.
6 Kuitira Zvinhu Pamwe Chete: Mhuri dzinofanira kuitira zvinhu pamwe chete, zvakadai sokuita mabasa omumba. Uyewo nguva yenhandaro yakanyatsosarudzwa inofanira kutsaurwa. Kuenda kupikiniki, kufamba-famba, kutamba mitambo, uye kushanyira hama kana shamwari kungaunza mufaro uye kunoita kuti tiyeuke nguva iyoyo inofadza.—Mup. 3:4.
7 Mhuri dzakasimba dzechiKristu dzinokurira zvipingamupinyi zvomudzimu zvezuva nezuva. Nokuswedera pedyo naJehovha zvikuru, dzinowana simba raanogovera.—VaEf. 6:10.