Ramba Uchiisa Umambo Pakutanga
1 Kuisa Umambo hwaMwari pakutanga muupenyu ndokuramba tichidaro hakusi nyore patinotarisana nezvinetso zvemari kana kuti mamwewo matambudziko. Tinoramba tichiisa Umambo pakutanga sei zvinetso pazvinomuka? Zvakadini kana tapiwa basa rinoda kuti tisapinda misangano kana kuti rinovhiringidza basa redu romumunda? Ipapo Umambo hunofanira kuva panzvimbo yechipiri here muupenyu?
2 Kutenda Kwakasimba Kunodiwa: Kana kutenda kwedu kukaedzwa mumamiriro ezvinhu akadaro, hatifaniri kukanganwa chipikirwa chaJehovha uye vimbiso yaJesu yokutsigira kunoita Mwari kana tikatanga kutsvaka Umambo. (Pis. 37:25; Mat. 6:31-34) Kupesvedzera nokudzvinyirira kwenyika kunogona kudzikatidza maonero edu uye kwotiita kuti tisaramba tichiona kukosha kwoUmambo. Vamwe vakarega mikana yokukwidziridzwa pabasa kana kuti kuwana mhindu yemari zvichiva chinhu chikuru muupenyu. Zvisinei, saPauro, tinofanira kuona chaizvoizvo kuti chii chinonyatsokosha muupenyu.—VaF. 3:7, 8.
3 Unofanira Kugadziridza Here? Mumwe muparidzi akati: “Mwoyo wangu waiva pabhizimisi rangu—ndiro randaida zvikuru. Ndaifunga kuti ndaigona kuramba ndiri Chapupu nepo ndichipa nguva yangu yakawanda kuzvinhu zvebhizimisi.” Asi aitambudzika nekapfungwa kaimuudza kuti aigona kuita zvakawanda kuti ashumire Jehovha. Nokufamba kwenguva, akarega zvebhizimisi izvo zvaipinganidza kufambira mberi kwake mumudzimu. Paakangozvipira zvakazara kubasa roUmambo, akakwanisa kuti: “Zvino ndinonzwa kuti upenyu hwangu huri kubudirira mumaziso aJehovha, zvinova ndizvo zvinokosha chaizvoizvo.”
4 Zvinofadza kuti vakawanda vakasiya mabasa okunyika uye tarisiro dzokuwana mari yakawanda, vakaita kuti upenyu hwavo huve nyore, ndokupinda mubasa renguva yakazara. Vashumiri vanoshumira nevakuru vasina kuroora uye vachiri vaduku, vari kupinda Chikoro Chokurovedza Vashumiri vakaita izvi uye vari kunakidzwa neropafadzo dzakaisvonaka dzebasa. Vachitevedzera muenzaniso wakaisvonaka waPauro, zvechokwadi vanogutsikana nezvinokosha zvokunyama.—1 VaK. 11:1; 1 Tim. 6:6-8; VaH. 13:5.
5 Kunyange zvazvo nyika ingaseka maonero atinoita upenyu, Jehovha anotikomborera. (1 VaK. 1:26-31) Hazvikurudziri here kuziva kuti achatishandisa zvakazara sezvinobvira uye achatibatsira kuita basa rake? Mukana watinawo iye zvino wokuzivisa Umambo hwaMwari hwakagadzwa hauchazodzokororwi. Saka ino ndiyo nguva yokuramba tichiisa Umambo pakutanga muupenyu hwedu.