Purogiramu yoMusangano Webasa
Vhiki Inotanga naDecember 10
13 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Kurudzira munhu wose kuona vhidhiyo inonzi To the Ends of the Earth. Uchishandisa mazano ari papeji 4, enzanisira kugoverwa kungaitwa (1) Nharireyomurindi yaDecember 15 uye (2) Mukai! yaJanuary 8.
15 min: Tsamba yakanyorerwa ungano dzose yomusi waSeptember 17, 2001. Kukurukurirana nevateereri kunoitwa nomukuru. Anofanira kubatsira vose kunzwisisa nheyo dzinobatanidzwa kuona upenyu sohutsvene.
17 min: “Zvikomborero Zvinobva Mukuonga Rudo rwaJehovha—Chikamu 2.”a Pakukurukura ndima 2-6, kumbira vanhu vari muungano kuti varondedzere zvakaitika zvavakasangana nazvo pakupupurira zvisina kurongwa, pakunyora tsamba, uye pakushandisa runhare. Ronga pachine nguva mberi kuenzanisira semaitikiro azvakaita chimwe kana zviviri zvazvo.
Rwiyo 222 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naDecember 17
10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Zivisa zvirongwa chaizvo zvebasa romumunda zvomusi waDecember 25 naJanuary 1.
22 min: “Bata Shoko raMwari Zvakarurama.”b Ivawo nomuenzaniso wemharidzo iri mundima 4. Enzanisirawo mharidzo inobudirira yave ichishandiswa mundima kuti ukurudzire kana kunyaradza vanhu vanorwadziwa nezviri kuitika munyika. Taurawo zvakaitika zvipfupi. Bvunza vateereri nei vachifunga kuti kushandisa Bhaibheri kuchaita kuti uchapupu hunopiwa hubudirire zvikuru.
13 min: ‘Bhaibheri Ibhuku ravaRungu.’ Kukurukurirana nevateereri kunobva mubhuku raKurangarira, pamapeji 47 ne48. Kana vanhu vasingadi kuteerera nokuti vanofunga kuti Bhaibheri ibhuku revaRungu, tingati chii? Fanoronga kuti vaparidzi vataure mhinduro dziripo mumashoko avo pachavo.
Rwiyo 225 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naDecember 24
10 min: Zviziviso zveungano. Taura mabhuku achagoverwa muna January uye mabhuku ane ungano. Uchishandisa mazano ari papeji 4, enzanisira mharidzo mbiri, imwe yacho uchishandisa Nharireyomurindi yaJanuary 1 uye imwe yacho uchishandisa Mukai! yaJanuary 8. Ita kuti imwe yadzo ipiwe nepwere.
10 min: “Chikoro chaMwari Choushumiri cha2002.” Hurukuro inopiwa nomutariri wechikoro. Kurudzira vose kuti vashingaire kuita migove yavo.
25 min: “Kupupurira—To the Ends of the Earth.” Kukurukurirana nevateereri. Taura zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJuly 2001, papeji 8. (Kana kuti mukuru anokurukura nyaya inoti “Unoshivirira Zvechokwadi Here?” iri muNharireyomurindi yaJuly 15, 2001, papeji 21.)
Rwiyo 24 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naDecember 31
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuisa mishumo yebasa romumunda yaDecember. Kana ungano yenyu ichichinja nguva yemisangano yegore idzva, kurudzira nomutsa munhu wose kuti apinde nguva dzose panguva yacho itsva. Iva nechokwadi chokuti vose vanofarira uye vapi nevapi vasingachaiti basa vanoziva nezvokuchinja kwacho.
15 min: Ipai Vakuru Rukudzo Rwakavafanira. Vashumiri vanoshumira vaviri kana vatatu vanokurukura Nharireyomurindi yaJune 1, 1999, mapeji 18-19. Vanotaura mabasa akawanda anofanira kuitwa nevakuru, kusanganisira basa rokunyika, mitoro yemhuri, mabasa echiKristu. Kurukurai nzira idzo tose tingavakurudzira nadzo, tingarerutsa mutoro wavo, uye tingatevera nhungamiro yavo. Vashumiri vacho vanobvumirana kuti vakuru vari kuita basa rinokosha uye vanofanira ‘kukudzwa zvikuru kwazvo.’—1 VaT. 5:12, 13.
20 min: Tsamba yakanyorerwa ungano dzose yomusi waApril 23, 2001. Mutariri anotungamirira anokurukurirana nomumwe mukuru. Simbisai zvikomborero zvokutsigira basa roUmambo nemari.
Rwiyo 219 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJanuary 7
10 min: Zviziviso zveungano.
20 min: Ita Zvakanakisisa Noupenyu Hwako. Nhengo dzemhuri dzinokurukura Nharireyomurindi yaAugust 15, 1998, mapeji 8-9. Baba vacho vanoda kuti mhuri irarame upenyu huchaiunzira mufaro panzvimbo pokuora mwoyo. Vanodzokorora zano reMagwaro riri munyaya yacho rinoratidza kuti vangaita sei kuti mufaro wavo uve wechokwadi, rinosimbisa kudiwa kwokunzwisisa, zvinhu zvinokosha, uye kuvimba naJehovha. Vanotaura kuchinja kunobatsira kwavangaita semhuri.
15 min: Kunyatsotarisira Imba Yedu yoUmambo. Hurukuro inopiwa nomukuru. Cherechedza zvakaita Imba yoUmambo yacho. Zvirongwa zvipi zviri kuitwa zvokuchenesa kukuru Chirangaridzo chisati chasvika? Zvii zvinoda kufanogadziriswa? Taura kuti ungano ingabatsira sei. Simbisa kukosha kwokuva nechokwadi chokuti nzvimbo yedu yokunamatira inoratidza kunaka uye chiremera zvatinobatanidza neimba yaJehovha.—Pis. 84:1.
Rwiyo 126 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.