Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana usina iri, ungagovera Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, kana kuti Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. January: Bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakabudiswa 1987 asati asvika iro ungano ingava naro. Ungano dzine bhuku raKutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu dzingarigoverawo. February: Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, kana kuti bhuku ripi neripi rekare rine mapeji 192 iro ungano ingava naro. March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Tichaedza kupfuura zvatinosimboita kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha.
◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha mabhaundi vhoriyamu eNharireyomurindi neMukai! a2001 neodha dzadzo dzemabhuku dzaDecember. Mabhaundi vhoriyamu acho achawanikwa muchiRungu. Mavhoriyamu aya achaoneka papepa remabhuku eungano atumirwa pakanzi “Zvakamirirwa,” kusvikira ava kuwanikwa uye atumirwa. Mabhaundi vhoriyamu zvinhu zveodha chaiyo.
◼ Ungano dzinofanira kuodha nokukurumidza masiripi okukokera Chirangaridzo cha2002 mumutauro mukuru weungano imwe neimwe.
◼ Tapota cherechedzai kuti Chirangaridzo chegore ra2003 chichavako nomusi weChitatu, April 16, zuva ranyura. Ichi chiziviso chapiwa pachine nguva kuitira kuti hama dziite gadziriro dzinodiwa nokuda kwedzimba dziripo kana paine ungano dzinoverengeka dzinoshandisa Imba yoUmambo uye zvimwe zvivako zvichafanira kuwanikwa. Vakuru vanofanira kuva nechibvumirano nevatarisiri chinovimbisa kuti hapazovi nezvimwe zvinenge zvichiitwa muchivako chacho zvinodzongonyedza kuitira kuti kuchengetwa kweChirangaridzo kuitwe murunyararo. Sezvo nguva yacho ichikosha, pakuronga mukurukuri weChirangaridzo, dare revakuru rinofanira kusarudza mumwe wevakuru pane vanokwanisa zvikuru panzvimbo pokungoita madzoro kana kuti kushandisa hama imwe chete gore negore. Kana paine mukuru anokwanisa wevakazodzwa anogona kupa hurukuro yacho, anofanira kusarudzwa.
◼ Dzimba dzoUmambo itsva gumi neimwe dzakatsaurirwa muZimbabwe muna July 2001 uye nhanhatu muna August. Ndeidzi: Bera, Bvumbura, Elephant, Fizhyo, Kafusi, Karoi South, Kezi, Mahongola, Manhenga, Mucheke East, Ngwabalozwi, Nyamasaki, Rimuka, Rutendo, Stanmore, Zhombe, neZimre. Idzi dzinoita kuti dzose dzakatsaurirwa mugore rebasa ra2001 dzisvike ku61.
◼ Tinofara kuzivisa kubudiswa kwebhurocha idzva muchiRungu rinonzi, A Satisfying Life—How to Attain It. Rakagadzirirwa vanhu vasingafungi kuti Mwari munhu uye vasingaremekedzi bhuku rakafuridzirwa naMwari.
◼ Mabhuku Matsva Aripo:
Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi—Mabhii Makuru—chiRungu
◼ Makaseti Matsva Aripo:
Respect Jehovah’s Authority—On Audiocassette (Mutambo, kaseti imwe)—chiRungu
◼ MaCompact Disc Matsva Aripo:
Respect Jehovah’s Authority—On Compact Disc (Mutambo, disc rimwe)—chiRungu
◼ Makaseti Evhidhiyo Matsva Aripo:
Faithful Under Trials—Jehovah’s Witnesses in the Soviet Union—chiRungu
Noah—He Walked With God—chiPutukezi