RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/01 pp. 3-4
  • Tine Chishandiso Chitsva Chokutanga Nacho Zvidzidzo!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tine Chishandiso Chitsva Chokutanga Nacho Zvidzidzo!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Rishandise Nguva Dzose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Shandisa Maturakiti Kutanga Kukurukurirana
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Gara Wakagadzirira Kutanga Chidzidzo cheBhaibheri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Mashandisiro Atingaita Bhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 11/01 pp. 3-4

Tine Chishandiso Chitsva Chokutanga Nacho Zvidzidzo!

1 Mumwe mukadzi wokuAmerica akanga ari muRoma Katurike akazvipira. Aireverera dzidziso dzechechi nenzira yokutendeka. Akatoita rwendo rwokunzvimbo tsvene kuVatican. Asi pakasvika mumwe weZvapupu zvaJehovha pasuo rake, akabvuma chidzidzo cheBhaibheri chepamusha. Nei? Nokuti aida kudzidza zvinotaura Bhaibheri asi chechi yake yakanga isingaitisi chidzidzo cheBhaibheri chepamusha. Chakaitika ichi chinotidzidzisa chii? Kuti hatizivi kuti ndiani angangobvuma kudzidza Bhaibheri pachena.—Mup. 11:6.

2 Wakambozengurira kuudza vanhu kuti tinoda kudzidza Bhaibheri nomunhu upi noupi anofarira here? Vanhu vose vari munzanga yako vanoziva kuti tinoita basa iri repachena here? Tingava sei nechokwadi chokuti vanoziva? Nokushandisa turakiti idzva! Iturakiti rinokwezva, rine mapeji matanhatu rinonzi Unoda Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? Ngatizivei turakiti iri, misoro miduku mumwe nomumwe.

3 “Nei Uchifanira Kuverenga Bhaibheri?” Zvikonzero zvinopiwa neturakiti racho zvinofadza zvikuru. Rinotsanangura kuti Bhaibheri rine “murayiro waMwari worudo,” unoratidza matauriro atingaita naye mumunyengetero kuti atibatsire uye kugamuchira kwatingaita chipo choupenyu husingaperi. (1 VaT. 2:13) Turakiti racho rinotaura nezve“chokwadi [chakasiyana-siyana cheBhaibheri] chinopa kunzwisisa,” zvakadai sokuti chii chinoitika patinofa uye nei pasi pano paine nhamo yakakura kudai. Rinorondedzera “nheyo dzaMwari dziri muBhaibheri” zvokuti kana dzikashandiswa dzinobatsira mumuviri uye dzinounza mufaro, tariro, nohumwe unhu hunoyemurika. Turakiti racho rinotaura nezvechimwezve chikonzero chokuverenga Bhaibheri—uprofita hwenguva yemberi uhwo hunoratidza nezvezviri pamberi pedu chaipo.—Zvak. 21:3, 4.

4 “Chinobatsira Kunzwisisa Bhaibheri”: Turakiti racho rinoti: “Tose tinoda kubatsirwa kuti tinzwisise Shoko raMwari.” Ipapo rinotsanangura madzidziro atingaita Bhaibheri richiti: “Kazhinji zvakanaka kudzidza Bhaibheri uchiwedzera paduku napaduku, uchitanga nedzidziso dzokutanga.” Nepo richijekesa kuti “Bhaibheri ndiro rine shoko rinokosha,” turakiti racho rinodudza zvakananga bhurocha raAnodei sechimwe chinhu chichabatsira mudzidzi “kunzwisisa Magwaro eBhaibheri panyaya dzakasiyana-siyana.” Musoro muduku unotevera unomutsa mubvunzo unoita kuti munhu aite chimwe chinhu.

5 “Unoda Here Kushandisa Nguva Vhiki Imwe Neimwe Kuti Unzwisise Bhaibheri?” Turakiti racho rinotsanangura kuti chidzidzo cheBhaibheri chinogona kurongwa panguva nenzvimbo zvakanakira mudzidzi, pangava pamba pake kana kuti kunyange nepafoni. Ndivanaani vanogona kuvapo pachidzidzo chacho? Turakiti racho rinopindura richiti: “Mhuri yako yose. Chero shamwari dzaunenge wada kukoka dzinogonawo kuvapo. Kana kuti kana uchida hako, unogona kungodzidziswa uri woga.” Munhu anofanira kudzidza kwenguva yakareba sei? Rinotsanangura kuti: “Vazhinji vanotsaura awa imwe pavhiki imwe neimwe kuti vadzidze Bhaibheri. Kana uchigona kupedza nguva yakawanda kana kuti une nguva shoma vhiki imwe neimwe, Zvapupu zvichauya kuzokubatsira.” Iyoyo ndiyo pfungwa inokosha! Tinoda kuchinja zvichienderana nemamiriro ezvinhu omudzidzi mumwe nomumwe.

6 “Unokumbirwa Kuti Udzidze”: Kopani riripo rokuti anogamuchira turakiti racho agone kukumbira bhurocha raAnodei kana kuti awane anomushanyira anozotsanangura purogiramu yedu yokudzidza Bhaibheri pachena. Butiro rebhurocha raAnodei rakaratidzwa sezvariri. Hauoni here nei turakiti rino richakurudzira vanhu vakawanda vane mwoyo yakatendeseka kubvuma kuti tivabatsire? Zvino, tingashandisa sei chishandiso chitsva ichi zvakanakisisa?

7 Ungagovera Turakiti Racho Kunaani? Turakiti racho ringagoverwa vanhu varipo kana kuti kusiyirwa kune vasiri pamba. Ringaparadzirwa paimba neimba, mumugwagwa, uye mundima yebhizimisi. Rigovere kuvanhu kunyange vachibvuma mabhuku edu kana kuti vachiaramba. Riise mumagazini kana kuti mumamwe mabhuku anogoverwa. Rivharire mukati paunenge uri kunyora tsamba. Ritumire vaya vaunotaura navo pafoni. Nguva dzose iva nematurakiti okugovera pakutenga, pakufamba nezvifambiso zvavose, uye pakupupurira zvisina kurongwa. Ripe munhu wose anoshanya pasuo rako. Rigovere kune voukama, vavakidzani, vaunoshanda navo, vaunodzidza navo, uye vamwe vaunozivana navo. Edza kuita kuti munhu wose waunosangana naye ave neturakiti iri! Zvadaro, chii chauchaita?

8 Kana Akabvuma Pakarepo: Vamwe vanhu vachabvuma pakarepo nokutaura kuti vangada kudzidza Bhaibheri. Naizvozvo, chero nguva yauchaita basa romumunda, iva nechokwadi chokuti nguva dzose une mabhurocha aAnodei maviri—rimwe romudzidzi uye rimwe rako. Kana munhu wacho ari kuda, tanga kudzidza pakarepo. Vhura pabutiro nechomukati, uye verenga panoti “Nzira Yokushandisa Nayo Bhurocha Rino.” Zvadaro enda pachidzidzo 1, uye enzanisira chidzidzo chacho. Pane zviri nani kupinda izvi here?

9 Kana Muteereri Wako Achida Nguva Yokumbofunga Nezvazvo: Usati wapedza nguva yakareba, edza kuonana naye zvekare. Paunoita izvozvo, iva nechokwadi chokuti une bhurocha raAnodei. Muratidze zviri mukati papeji yechipiri. Ita kuti asarudze chidzidzo chinomunakidza zvikuru. Chivhure, uye tanga kukurukura chidzidzo chaasarudza.

10 Kutevera Magazini Akagoverwa: Kana ukasiya turakiti racho pamwe nemagazini, ungadzoka uchitaura kuti: “Nguva yakapfuura yandakashanya, ndakafara kukusiyirai magazini yeNharireyomurindi. Zvimwe makacherechedza kuti musoro wakazara wemagazini yacho unoti Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha. Nhasi ndinoda kutsanangura kuti Umambo ihwohwo chii uye kuti hucharevei kwamuri nemhuri yenyu.” Ipapo vhura bhurocha raAnodei pachidzidzo 6. Uchitanga nendima yokutanga, verenga wobva wakurukura zvinoenderana nenguva yasaimba. Zvadaro ronga kudzokerazve rimwe zuva kunopedzisa chidzidzo chacho.

11 Usapererwa Nematurakiti: Mutariri webasa nehama dzinotarisira mabhuku vachada kugara vaine turakiti rakakwana raZiva Bhaibheri panguva dzose muungano. Iva nemamwe muhomwe yako kana kuti mubhegi, mumotokari yako, kubasa kwako, kuchikoro, pedyo nomusuo wokupinda pamba pako—papi nepapi paunogona kuashandisa zviri nyore. Chokwadi, takura mamwe mubhegi rako rokuuchapupu kuitira nguva iya yaunosangana nomumwe munhu waungakurukura naye Bhaibheri.

12 Jehovha Ngaakomborere Kushingaira Kwedu: VaKristu vose vane chinangwa chakanaka chokudzidzisa mumwe munhu chokwadi. (Mat. 28:19, 20) Panguva ino uri kuitisa chidzidzo cheBhaibheri chepamusha here? Kana uri kudaro, ungawana nguva yokuitisa chimwe papurogiramu yako yevhiki nevhiki here? Kana usiri kuitisa chidzidzo panguva ino, zvechokwadi waizoda kuitisa. Nyengeterera kuti Jehovha akomborere kushingaira kwaunoita kuti uwane mumwe munhu waungadzidza naye. Zvadaro chishanda maererano neminyengetero iyoyo.—1 Joh. 5:14, 15.

13 Tine chishandiso chitsva chokutanga nacho zvidzidzo! Chizive. Chiparadzire pachena. Ita zvose zvaungagona ‘kuti ushandire zvakanaka, kuti upfume pamabasa akanaka kwazvo, kuti uve norupo, ude kugoverana,’ zvawakadzidza nezveShoko raMwari.—1 Tim. 6:18.

[Bhokisi riri papeji 4]

MIKANA YOKUPARADZIRA TURAKITI RACHO

◼ Pakukurukurirana kwezuva nezuva

◼ Kana mumwe munhu akagamuchira mabhuku edu

◼ Kana pamusha pasina munhu

◼ Patinodzokerazve

◼ Patinosangana nomumwe munhu pakupupurira mumugwagwa

◼ Patinopupurira mundima dzebhizimisi

◼ Pakupupurira zvisina kurongwa

◼ Pakunyora tsamba

◼ Pakufamba nezvifambiso zvavose

◼ Kana mumwe munhu akagogodza pasuo redu

◼ Pakutaura nevoukama, vavakidzani, vatinoshanda navo, vatinodzidza navo, uye vamwe vatinozivana navo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe