RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/01 pp. 3-6
  • Purogiramu Yechikoro chaMwari Choushumiri ya2002

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yechikoro chaMwari Choushumiri ya2002
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Misoro Midiki
  • Mirayiridzo
  • PUROGIRAMU
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 10/01 pp. 3-6

Purogiramu Yechikoro chaMwari Choushumiri ya2002

Mirayiridzo

Muna 2002 zvinotevera ndizvo zvakarongwa pakuitisa Chikoro chaMwari Choushumiri.

MUNOBVA HURUKURO: Kutoti zvaratidzwa neimwe nzira, mashoko akatorwa muMagwaro echiHebheru anoratidza ndima dziri muBhaibheri muNdimi yeUnion Shona [bi53-CA], Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki [bi7-CA], Nharireyomurindi [w-CA], “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera” (ra1997) [si-CA], uye Kurangarira muMagwaro [rs-CA].

Chikoro chinofanira kutanga PANGUVA norwiyo, munyengetero, uye mashoko mashoma okugamuchira. Hapana chikonzero chokufanotaura zviri papurogiramu. Sezvo mutariri wechikoro anosuma hurukuro imwe neimwe, achataura musoro uchakurukurwa. Pfuurirai sezvinotevera:

HURUKURO NHAMBA 1: Maminitsi 15. Iyi inofanira kukurukurwa nomukuru kana kuti mushumiri anoshumira, uye ichabva muNharireyomurindi kana mubhuku ra“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera.” Painobva muNharireyomurindi, hurukuro iyi inofanira kukurukurwa sehurukuro yokurayira yemaminitsi 15 isingadzokororwi; painobva mubhuku ra“Rugwaro Rwose,” inofanira kukurukurwa sehurukuro yokurayira yemaminitsi 10 kusvikira ku12, ichiteverwa nokudzokorora kwemaminitsi 3 kusvikira ku5, uchishandisa mibvunzo yakadhindwa iri mubhuku racho. Chinangwa chacho hachifaniri kuva chokungopedza mashoko acho asi kusimbisa kushanda kunoita mashoko ari kukurukurwa, uchisimbisa zvichabatsira ungano zvikuru. Musoro wakaratidzwa unofanira kushandiswa.

Hama dzinopiwa hurukuro iyi dzinofanira kungwarira kuchengeta nguva. Zano repachivande ringapiwa kana zvakafanira kana kuti kana rakumbirwa nomukurukuri.

PFUNGWA HURU DZINOBVA MUKUVERENGA BHAIBHERI: Maminitsi 6. Idzi dzinofanira kukurukurwa nomukuru kana kuti mushumiri anoshumira uyo achashandisa mashoko acho zvinobudirira kuzvinodiwa muungano. Hapana musoro unodiwa. Iyi haifaniri kuva pfupiso chete yemashoko anofanira kuverengwa. Kudzokorora kwemasekonzi 30 kusvikira ku60 kwezvitsauko zvinofanira kuverengwa kungaitwa. Zvisinei, chinangwa chikuru ndechokubatsira vateereri kunzwisisa kuti nei uye sei mashoko acho achikosha kwatiri. Ipapo vadzidzi vachaendeswa kumakirasi avo akasiyana-siyana nomutariri wechikoro.

HURUKURO NHAMBA 2: Maminitsi 5. Uku kuverengwa kweBhaibheri kwemashoko akagoverwa kunofanira kuitwa nehama, mudzidzi wacho angava mukirasi huru kana mune imwe kirasi. Hurukuro dzokuverenga dzinowanzova pfupi zvakakwana zvokubvumira vadzidzi kupa mashoko mashomanana okutsanangura mumashoko okuzarura neokugumisa. Zvaiitika pakanyorwa mashoko, zvinoreva uprofita kana kuti dzidziso, uye kushandiswa kwenheyo zvingataurwawo. Ndima dzose dzakagoverwa dzinofanira kuverengwa pasina kumira. Chokwadi, ndima dzinofanira kuverengwa padzinenge dzisina kutevedzana dzose, mudzidzi wacho angataura ndima yaachapfuudzira kuverenga.

HURUKURO NHAMBA 3: Maminitsi 5. Iyi ichapiwa hanzvadzi. Zvichakurukurwa muhurukuro iyi zvichabva mubhuku raKurangarira muMagwaro. Marongero api neapi akakodzera ndima yenyu angashandiswa, uye vakurukuri vangave vakagara kana kuti vakamira. Mutariri wechikoro achanyanyotarisa nzira iyo mudzidzi achakurukura nayo musoro wakagoverwa ndokubatsira saimba kufunga zviri mumagwaro. Mudzidzi anopiwa hurukuro iyi anofanira kugona kuverenga. Mubatsiri mumwe acharongwa nomutariri wechikoro, asi mubatsiri wokuwedzera angashandiswa. Kushandiswa kweBhaibheri zvinobudirira ndiko kunofanira kunyatsofungwa nezvako kwete marongero.

HURUKURO NHAMBA 4: Maminitsi 5. Zvichakurukurwa muhukururo iyi zvichabva mubhuku raKurangarira muMagwaro. Hama kana kuti hanzvadzi ingapiwa Hurukuro Nhamba 4. Painopiwa hama, nguva dzose inofanira kuva hurukuro. Painopiwa hanzvadzi, inofanira kukurukurwa sezvakarongerwa Hurukuro Nhamba 3.

PUROGIRAMU YOKUVERENGA BHAIBHERI: Munhu wose ari muungano anokurudzirwa kutevedzera purogiramu yokuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki, kunosvika pakuverenga inenge peji imwe pazuva.

CHERECHEDZA KUTI: Nokuda kwemashoko okuwedzera nomurayiridzo pamusoro pezano, nguva, kudzokorora, uye kugadzirira hurukuro, tapota ona peji 3 yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 1996.

PUROGIRAMU

Jan. 7 Kuverenga Bhaibheri: Muparidzi 1-6

Rwiyo Nha. 59

Nha. 1: Sumo yaMuparidzi (si-CA map. 112-13 ndi. 1-8)

Nha. 2: Muparidzi 4:1-16

Nha. 3: a‘Unotenda Kuporesa Here?’ (rs-CA p. 134 ndi. 1, 2)

Nha. 4: Tose Taiva Munzvimbo Yomudzimu Here Tisati Taberekwa Sevanhu? (rs-CA p. 68 ndi. 4–p. 69 ndi. 4)

Jan. 14 Kuverenga Bhaibheri: Muparidzi 7-12

Rwiyo Nha. 25

Nha. 1: Muparidzi—Nei Richibatsira (si-CA p. 114 ndi. 15-19)

Nha. 2: Muparidzi 8:1-17

Nha. 3: Kudai Adhamu Akanga Asina Kuita Chivi, Aizodai Akaenda Kudenga Here? (rs-CA p. 69 ndi. 5-6)

Nha. 4: Munhu Anofanira Kuenda Kudenga Kuti Ave Nenguva Yemberi Inonyatsofadza Here? (rs-CA p. 70 ndi. 1-3)

Jan. 21 Kuverenga Bhaibheri: Rwi. rwaSoromoni 1-8

Rwiyo Nha. 11

Nha. 1: Sumo yeRwiyo rwaSoromoni uye Nei Richibatsira (si-CA map. 115-17 ndi. 1-4, 16-18)

Nha. 2: Rwiyo rwaSoromoni 5:1-16

Nha. 3: Ko 1 Petro 3:19, 20 Inorevei? (rs-CA p. 70 ndi. 4)

Nha. 4: Ko 1 Petro 4:6 Inorevei? (rs-CA p. 71 ndi. 1)

Jan. 28 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 1-6

Rwiyo Nha. 204

Nha. 1: Sumo yaIsaya (si-CA map. 118-19 ndi. 1-8)

Nha. 2: Isaya 2:1-17

Nha. 3: VaKristu Vose Vanotarisira Kurarama Kudenga Here? (rs-CA p. 71 ndi. 2–p. 72 ndi. 1)

Nha. 4: “Testamende Itsva” Inotii Nezvoupenyu Husingaperi Pasi Pano? (rs-CA p. 72 ndi. 2–p. 73 ndi. 3)

Feb. 4 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 7-11

Rwiyo Nha. 89

Nha. 1: Tinoda Sangano raJehovha (w00-CA 1/1 map. 30-1)

Nha. 2: Isaya 8:1-22

Nha. 3: Bhaibheri Rinopa Tariro Youpenyu Hwokudenga Kuvanhu Vangani? (rs-CA p. 73 ndi. 4-5)

Nha. 4: Vane 144 000 vaJudha Bedzi Here? (rs-CA p. 73 ndi. 6–p. 74 ndi. 3)

Feb. 11 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 12-19

Rwiyo Nha. 177

Nha. 1: Unozviona Sei? (w00-CA 1/15 map. 20-2)

Nha. 2: Isaya 17:1-14

Nha. 3: “Boka Guru Revanhu” Rine Tariroi yepaMagwaro? (rs-CA p. 74 ndi. 4–p. 75 ndi. 1)

Nha. 4: Vaya Vanoenda Kudenga Vachanoitei Ikoko? (rs-CA p. 75 ndi. 2-6)

Feb. 18 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 20-26

Rwiyo Nha. 225

Nha. 1: Shandira Kuva Noukama naJehovha (w00-CA 1/15 map. 23-6)

Nha. 2: Isaya 22:1-19

Nha. 3: Bhaibheri Rinoti Mweya Unoramba Uripo Panofa Muviri Here? (rs-CA p. 76 ndi. 1-5)

Nha. 4: Vanhu Vorudzii Vanoenda kuHero yeBhaibheri? (rs-CA p. 77 ndi. 1-3)

Feb. 25 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 27-31

Rwiyo Nha. 192

Nha. 1: Mutambudzi Anoona Chiedza Chikuru (w00-CA 1/15 map. 27-9)

Nha. 2: Isaya 29:1-14

Nha. 3: Pane Upi Noupi Anombobuda muHero yeBhaibheri Here? (rs-CA p. 77 ndi. 4–p. 78 ndi. 2)

Nha. 4: Vakaipa Vacharangwa Nokusingagumi Here? (rs-CA p. 78 ndi. 3–p. 79 ndi. 2)

Mar. 4 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 32-37

Rwiyo Nha. 98

Nha. 1: Kubudirira Nokutsungirira (w00-CA 2/1 map. 4-6)

Nha. 2: Isaya 33:1-16

Nha. 3: Chii Chiri ‘Kutambudzwa Kusingagumi’ Kunotaurwa Nezvakwo Muna Zvakazarurwa? (rs-CA p. 79 ndi. 3-4)

Nha. 4: Chii Chiri ‘Gehena Remoto’ Rakataurwa naJesu? (rs-CA p. 80 ndi. 1–p. 81 ndi. 1)

Mar. 11 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 38-42

Rwiyo Nha. 132

Nha. 1: Zano Raamai Rouchenjeri (w00-CA 2/1 map. 30-1)

Nha. 2: Isaya 42:1-16

Nha. 3: Chirango Chechivi Chii? (rs-CA p. 81 ndi. 2-5)

Nha. 4: Jesu Akadzidzisa Kuti Vakaipa Vaizotambudzwa Pashure Porufu Here? (rs-CA p. 81 ndi. 6)

Mar. 18 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 43-47

Rwiyo Nha. 160

Nha. 1: Usapinda Munzvimbo ine Ngozi (w00-CA 2/15 map. 4-7)

Nha. 2: Isaya 44:6-20

Nha. 3: Mufananidzo woMupfumi naRazaro Unorevei? (rs-CA p. 82 ndi. 1-3)

Nha. 4: Kirisimasi Imhemberero Yakavakirwa paBhaibheri Here? (rs-CA p. 199 ndi. 1-4)

Mar. 25 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 48-52

Rwiyo Nha. 161

Nha. 1: Simba Romunyengetero (w00-CA 3/1 map. 3-4)

Nha. 2: Isaya 49:1-13

Nha. 3: Varume Vakachenjera, Kana Kuti Vazivi Venyeredzi, Vakatungamirirwa Kuna Jesu Nenyeredzi Vaiva Vanaani? (rs-CA p. 200 ndi. 1-3)

Nha. 4: Zvii Zvatinofanira Kufunga Patinoongorora Tsika dzeKirisimasi? (rs-CA p. 201 ndi. 1-3)

Apr. 1 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 53-59

Rwiyo Nha. 210

Nha. 1: Kutsvaka Jehovha Nomwoyo Wakagadzirira (w00-CA 3/1 map. 29-31)

Nha. 2: Isaya 54:1-17

Nha. 3: Inheyo Dzipi Dzinofanira Kutitungamirira Dzine Chokuita Nemhemberero? (rs-CA p. 201 ndi. 4–p. 202 ndi. 2)

Nha. 4: Tinofanira Kuziva Chii Nezvemhemberero dzeIsita neGore Idzva? (rs-CA p. 202 ndi. 3–p. 203 ndi. 3)

Apr. 8 Kuverenga Bhaibheri: Isaya 60-66

Rwiyo Nha. 111

Nha. 1: Isaya—Nei Richibatsira (si-CA p. 123 ndi. 34-9)

Nha. 2: Isaya 61:1-11

Nha. 3: Chii Chinotsigira Mazororo Mukuyeuka “Midzimu Yevakafa”? (rs-CA p. 203 ndi. 4–p. 204 ndi. 3)

Nha. 4: Tinozivei Pamusoro peZuva reValentine, Zuva Ravanaamai, uye Mitambo Yenyika? (rs-CA p. 205 ndi. 1-6)

Apr. 15 Kuverenga Bhaibheri: Jeremia 1-4

Rwiyo Nha. 70

Nha. 1: Sumo yaJeremia (si-CA p. 124 ndi. 1-5)

Nha. 2: Jeremia 2:4-19

Nha. 3: Bhaibheri Rinotii Nezvokushandisa Mifananidzo Pakunamata? (rs-CA p. 223 ndi. 1-4)

Nha. 4: Mifananidzo Ingangoshandiswa Seyamuro Mukunamata Mwari Wechokwadi Here? (rs-CA p. 223 ndi. 5–p. 224 ndi. 4)

Apr. 22 Kuverenga Bhaibheri: Jeremia 5-8

Rwiyo Nha. 205

Nha. 1: Nei Vanhu Vachida Mubatsiri (w00-CA 3/15 map. 3-4)

Nha. 2: Jeremia 7:1-20

Nha. 3: Tinofanira Kunamata “Vasande” Sevatsivi vaMwari Here? (rs-CA p. 224 ndi. 5–p. 225 ndi. 2)

Nha. 4: Mwari Anoona sei Mifananidzo Inonamatwa? (rs-CA p. 225 ndi. 3–p. 226 ndi. 2)

Apr. 29 Kudzokorora. Kuverenga Bhai.: Jeremia 9-13

Rwiyo Nha. 46

May 6 Kuverenga Bhaibheri: Jeremia 14-18

Rwiyo Nha. 224

Nha. 1: Kubatsirwa Kwatingaitwa naJesu Kristu (w00-CA 3/15 map. 5-9)

Nha. 2: Jeremia 17:1-18

Nha. 3: Tinofanira Kunzwa sei Nezvemifananidzo ipi Neipi Yataichimbonamata? (rs-CA p. 226 ndi. 3-5)

Nha. 4: Kushandisa Mifananidzo Mukunamata Kungava Nomugumisiroi Panguva Yedu Yemberi? (rs-CA p. 227 ndi. 1-4)

May 13 Kuverenga Bhaibheri: Jeremia 19-23

Rwiyo Nha. 73

Nha. 1: Kuzvininipisa—Kunosimudzira Rugare (w00-CA 3/15 map. 21-4)

Nha. 2: Jeremia 19:1-15

Nha. 3: Vanhu Pavanoramba Zvinodiwa neBhaibheri, Chaizvoizvo Vanowana Rusununguko Here? (rs-CA p. 183 ndi. 1-3)

Nha. 4: Bhaibheri Rinopa Zano Ripi Pamusoro Pokutsvaka Zvinhu Zvenyika uye Kunyanyonwa Doro? (rs-CA p. 183 ndi. 4–p. 184 ndi. 1)

May 20 Kuverenga Bhaibheri: Jeremia 24-28

Rwiyo Nha. 140

Nha. 1: Murume Aiva Nomuenzaniso Wakanaka Akabvuma Kururamiswa (w00-CA 3/15 map. 25-8)

Nha. 2: Jeremia 25:1-14

Nha. 3: Koshesa Ukama Hwako naJehovha, uye Dzivisa Songaniro Dzakaipa (rs-CA p. 184 ndi. 3)

Nha. 4: Ndiani Akakurudzira Vanhu Kurega Kuteerera Mirayiro yaMwari? (rs-CA p. 185 ndi. 1-2)

May 27 Kuverenga Bhaibheri: Jeremia 29-31

Rwiyo Nha. 42

Nha. 1: Mudzimu waMwari Unoshanda sei Nhasi? (w00-CA 4/1 map. 8-11)

Nha. 2: Jeremia 30:1-16

Nha. 3: Mafungiroi Atinofanira Kudzivisa? (rs-CA p. 185 ndi. 3–p. 186 ndi. 4)

Nha. 4: Rusununguko Parunoita Kuti Munhu Atevedzere Nyika, Anova Pasi Poudzori Hwaani? (rs-CA p. 186 ndi. 5-6)

June 3 Kuverenga Bhaibheri: Jeremia 32-35

Rwiyo Nha. 85

Nha. 1: Nyaradzwa Nesimba raJehovha (w00-CA 4/15 map. 5-7)

Nha. 2: Jeremia 34:1-16

Nha. 3: Zita raMwari Rinowanikwa Papi muShanduro dzeBhaibheri Dzinowanzoshandiswa Nhasi? (rs-CA p. 88 ndi. 1–p. 89 ndi. 9)

Nha. 4: Nei Shanduro Zhinji dzeBhaibheri Dzisingashandisi Zita raMwari? (rs-CA p. 89 ndi. 10–p. 91 ndi. 1)

June 10 Kuverenga Bhaibheri: Jeremia 36-40

Rwiyo Nha. 159

Nha. 1: Unoona Vanhu Vane Chisimba Sezvinoita Mwari Here? (w00-CA 4/15 map. 26-9)

Nha. 2: Jeremia 37:1-17

Nha. 3: Nderipi Zita raMwari Rakarurama, Jehovha Kana Yahwe? (rs-CA p. 91 ndi. 2–p. 93 ndi. 8)

Nha. 4: Jehovha ari mu“Testamende Yekare” Ndiye Jesu Kristu ari mu“Testamende Itsva” Here? (rs-CA p. 94 ndi. 1-4)

June 17 Kuverenga Bhaibheri: Jeremia 41-45

Rwiyo Nha. 26

Nha. 1: “Chengeta Mwoyo Wako” (w00-CA 5/15 map. 20-4)

Nha. 2: Jeremia 41:1-15

Nha. 3: Munhu Angada Jehovha sei Kana Achifanirawo Kumutya? (rs-CA p. 94 ndi. 5–p. 95 ndi. 1)

Nha. 4: Ndezvipi Zvinotendwa neZvapupu zvaJehovha Zvinozvisiyanisa Nezvimwe Zvitendero? (rs-CA p. 427 ndi. 3–p. 429 ndi. 2)

June 24 Kuverenga Bhaibheri: Jeremia 46-49

Rwiyo Nha. 15

Nha. 1: Upenyu Hwakakwana Hakusi Kungorotawo Zvakwo! (w00-CA 6/15 map. 5-7)

Nha. 2: Jeremia 49:1-13

Nha. 3: Zvapupu zvaJehovha Chitendero chokuAmerica Here? (rs-CA p. 429 ndi. 3–p. 430 ndi. 2)

Nha. 4: Zvapupu zvaJehovha Kapoka Kechitendero Here? (rs-CA p. 430 ndi. 3–p. 431 ndi. 4)

July 1 Kuverenga Bhaibheri: Jeremia 50-52

Rwiyo Nha. 100

Nha. 1: Jeremia—Nei Richibatsira (si-CA p. 129 ndi. 36-9)

Nha. 2: Jeremia 50:1-16

Nha. 3: Zvapupu zvaJehovha Zvinotenda Kuti Chitendero Chazvo Ndicho Bedzi Chakarurama Here? (rs-CA p. 431 ndi. 5–p. 432 ndi. 1)

Nha. 4: Chitendero Chechokwadi Chinotsigira Bhaibheri (rs-CA p. 432 ndi. 2)

July 8 Kuverenga Bhaibheri: Mariro 1-2

Rwiyo Nha. 8

Nha. 1: Sumo yaMariro (si-CA map. 130-1 ndi. 1-7)

Nha. 2: Mariro 1:1-14

Nha. 3: Zvapupu zvaJehovha Zvinosvika sei Pakutsanangura Kwazvinoita Bhaibheri? (rs-CA p. 433 ndi. 1-4)

Nha. 4: Nei Dzidziso dzeZvapupu zvaJehovha Dzave Dzichichinja? (rs-CA p. 434 ndi. 1)

July 15 Kuverenga Bhaibheri: Mariro 3-5

Rwiyo Nha. 145

Nha. 1: Mariro—Nei Richibatsira (si-CA p. 132 ndi. 13-15)

Nha. 2: Mariro 3:1-30

Nha. 3: Nei Zvapupu zvaJehovha Zvichiparidza Paimba Neimba? (rs-CA p. 434 ndi. 2-5)

Nha. 4: Nei Zvapupu zvaJehovha Zvichitambudzwa? (rs-CA p. 435 ndi. 2-3)

July 22 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 1-6

Rwiyo Nha. 94

Nha. 1: Sumo yaEzekieri (si-CA map. 132-3 ndi. 1-6)

Nha. 2: Ezekieri 4:1-17

Nha. 3: b‘Nei Musingabatanidzwi Mukuita Kuti Nyika ive Nzvimbo iri Nani Yokugara?’ (rs-CA p. 435 ndi. 4–p. 436 ndi. 3)

Nha. 4: c‘VaKristu Vanofanira Kuva Zvapupu zvaJesu, Kwete zvaJehovha’ (rs-CA p. 437 ndi. 1)

July 29 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 7-12

Rwiyo Nha. 221

Nha. 1: Batsirwa Nemienzaniso Yakanaka (w00-CA 7/1 map. 19-21)

Nha. 2: Ezekieri 10:1-19

Nha. 3: Jesu Kristu Aiva Munhu Chaiye Here? (rs-CA p. 95 ndi. 2–p. 96 ndi. 3)

Nha. 4: Jesu Kristu Aingovawo Zvake Munhu Akanaka Here? (rs-CA p. 96 ndi. 4)

Aug. 5 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 13-16

Rwiyo Nha. 106

Nha. 1: Unogona Kuramba Wakachena Munyika ine Unzenza (w00-CA 7/15 map. 28-31)

Nha. 2: Ezekieri 13:1-16

Nha. 3: Jesu Aingovawo Zvake Mumwewo Mutungamiriri Wechitendero Here? (rs-CA p. 97 ndi. 1)

Nha. 4: Nei vaJudha Vose Vasina Kugamuchira Jesu saMesiya? (rs-CA p. 97 ndi. 2–p. 98 ndi. 1)

Aug. 12 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 17-20

Rwiyo Nha. 214

Nha. 1: Kuremekedzerei Vane Simba? (w00-CA 8/1 map. 4-7)

Nha. 2: Ezekieri 17:1-18

Nha. 3: Chaizvoizvo Jesu Kristu ndiMwari Here? (rs-CA p. 98 ndi. 2-3)

Nha. 4: Johani 1:1 Inoratidza Kuti Jesu ndiMwari Here? (rs-CA p. 98 ndi. 5–p. 99 ndi. 2)

Aug. 19 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 21-23

Rwiyo Nha. 86

Nha. 1: Unogadzirisa sei Kusawirirana? (w00-CA 8/15 map. 23-5)

Nha. 2: Ezekieri 22:1-16

Nha. 3: Kutaura kwaTomasi Kuri Pana Johani 20:28 Kunoratidza Kuti Jesu ndiMwari Chaizvoizvo Here? (rs-CA p. 99 ndi. 3–p. 100 ndi. 1)

Nha. 4: Mateu 1:23 Inoratidza kuti Jesu Paaiva Pasi Pano Aiva Mwari Here? (rs-CA p. 100 ndi. 2-4)

Aug. 26 Kudzokorora. Kuverenga Bhai.: Ezekieri 24-28

Rwiyo Nha. 18

Sept. 2 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 29-32

Rwiyo Nha. 40

Nha. 1: Nei Tichifanira Kuzvipira? (w00-CA 9/15 map. 21-4)

Nha. 2: Ezekieri 30:1-19

Nha. 3: Johani 5:18 Inorevei? (rs-CA p. 101 ndi. 1-2)

Nha. 4: Kunamatwa Kunoita Jesu Kunoratidza Kuti Iye ndiMwari Here? (rs-CA p. 101 ndi. 3–p. 102 ndi. 1)

Sept. 9 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 33-36

Rwiyo Nha. 49

Nha. 1: Maswederero Aungaita Pedyo naMwari (w00-CA 10/15 map. 4-7)

Nha. 2: Ezekieri 33:1-16

Nha. 3: Zvishamiso Zvakaitwa naJesu Zvinoratidza Kuti Iye ndiMwari Here? (rs-CA p. 102 ndi. 2-4)

Nha. 4: Kutenda Muna Jesu Kristu Ndiko Bedzi Kunodiwa Here Kuti Tiwane Ruponeso? (rs-CA p. 102 ndi. 6)

Sept. 16 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 37-40

Rwiyo Nha. 34

Nha. 1: Unoyera sei Kubudirira? (w00-CA 11/1 map. 18-21)

Nha. 2: Ezekieri 39:1-16

Nha. 3: Jesu Aiva kuDenga Asati Ava Munhu Here? (rs-CA p. 103 ndi. 1-2)

Nha. 4: Jesu Ane Muviri Wake Wenyama kuDenga Here? (rs-CA p. 103 ndi. 3–p. 104 ndi. 2)

Sept. 23 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 41-45

Rwiyo Nha. 50

Nha. 1: Shumira Mwari Nepfungwa Inoda (w00-CA 11/15 map. 21-3)

Nha. 2: Ezekieri 42:1-20

Nha. 3: Jesu Kristu Ndiye Chaiye Mikayeri Ngirozi Huru Here? (rs-CA p. 104 ndi. 3–p. 105 ndi. 1)

Nha. 4: d‘Hamutendi Muna Jesu’ (rs-CA p. 105 ndi. 2-4)

Sept. 30 Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 46-48

Rwiyo Nha. 112

Nha. 1: Ezekieri—Nei Richibatsira (si-CA p. 137 ndi. 29-33)

Nha. 2: Ezekieri 46:1-15

Nha. 3: e‘Unobvuma Kuti Jesu Muponesi Wako Pachako Here?’ (rs-CA p. 106 ndi. 1-2)

Nha. 4: f‘Ndakabvuma Kuti Jesu Muponesi Wangu Pachangu’ (rs-CA p. 106 ndi. 3)

Oct. 7 Kuverenga Bhaibheri: Dhanieri 1-4

Rwiyo Nha. 10

Nha. 1: Sumo yaDhanieri (si-CA map. 138-9 ndi. 1-6)

Nha. 2: Dhanieri 1:1-17

Nha. 3: VaJudha Chaivo Vemazuva ano Vanhu Vakasarudzwa naMwari Here? (rs-CA p. 405 ndi. 2–p. 407 ndi. 1)

Nha. 4: VaJudha Vose Vachatendeutswa Kuti Vatende Muna Kristu Here? (rs-CA p. 407 ndi. 2-3)

Oct. 14 Kuverenga Bhaibheri: Dhanieri 5-8

Rwiyo Nha. 191

Nha. 1: Nguva Dzose Unofanira Kutenda Zvinotaurwa Nevanhu “Vakachenjera” Here? (w00-CA 12/1 map. 29-31)

Nha. 2: Dhanieri 5:1-16

Nha. 3: VaJudha Vanofanira Kutenda Muna Jesu Kuti Vagoponeswa Here? (rs-CA p. 408 ndi. 1-2)

Nha. 4: Zvinhu Zviri Kuitika muIsrael Mazuva ano Zviri Kuzadzika Uprofita hweBhaibheri Here? (rs-CA p. 408 ndi. 3–p. 409 ndi. 3)

Oct. 21 Kuverenga Bhaibheri: Dhanieri 9-12

Rwiyo Nha. 108

Nha. 1: Dhanieri—Nei Richibatsira (si-CA map. 141-2 ndi. 19-23)

Nha. 2: Dhanieri 10:1-21

Nha. 3: Uprofita Hwokudzorerwa kwaIsraeri Huri Kuzadzika Here Nhasi? (rs-CA p. 409 ndi. 4–p. 410 ndi. 3)

Nha. 4: Umambo hwaMwari Ihurumende Chaiyo Here? (rs-CA p. 367 ndi. 1-2)

Oct. 28 Kuverenga Bhaibheri: Hosea 1-14

Rwiyo Nha. 23

Nha. 1: Sumo yaHosea uye Nei Richibatsira (si-CA map. 143-5 ndi. 1-8, 14-17)

Nha. 2: Hosea 4:1-19

Nha. 3: Ndivanaani Vari Vatongi muUmambo? (rs-CA p. 367 ndi. 3-5)

Nha. 4: Umambo hwaMwari Huchaitei paHurumende Dzevanhu? (rs-CA p. 368 ndi. 1-2)

Nov. 4 Kuverenga Bhaibheri: Joere 1-3

Rwiyo Nha. 166

Nha. 1: Sumo yaJoere uye Nei Richibatsira (si-CA map. 146-8 ndi. 1-5, 12-14)

Nha. 2: Joere 1:1-20

Nha. 3: Umambo hwaMwari Huchatsvenesa Zita raJehovha (rs-CA p. 368 ndi. 3-5)

Nha. 4: Umambo hwaMwari Huchabatanidza Zvisikwa Zvose Mukunamata Kwakachena (rs-CA p. 369 ndi. 1-2)

Nov. 11 Kuverenga Bhaibheri: Amosi 1-9

Rwiyo Nha. 80

Nha. 1: Sumo yaAmosi uye Nei Richibatsira (si-CA map. 148-50 ndi. 1-6, 13-17)

Nha. 2: Amosi 1:1-15

Nha. 3: Umambo hwaMwari Huchabvisa Hondo uye Uori (rs-CA p. 369 ndi. 3–p. 370 ndi. 2)

Nha. 4: Umambo hwaMwari Huchagovera Vanhu Vose Zvokudya uye Huchabvisa Zvirwere (rs-CA p. 370 ndi. 3-5)

Nov. 18 Kuverenga Bhaibheri: Obhadhia 1–Jona 4

Rwiyo Nha. 96

Nha. 1: Sumo yaObhadhia neyaJona uye Nei Achibatsira (si-CA map. 151-3 ndi. 1-5, 10-14; map. 153-5 ndi. 1-4, 9-12)

Nha. 2: Obhadhia 1:1-16

Nha. 3: Umambo hwaMwari Huchagovera Misha, Mabasa, uye Kuchengeteka Kwavose (rs-CA p. 370 ndi. 6–p. 371 ndi. 2)

Nha. 4: Umambo hwaMwari Huchaita Kuti Kururama Neruramisiro Zvipararire (rs-CA p. 371 ndi. 3-5)

Nov. 25 Kuverenga Bhaibheri: Mika 1-7

Rwiyo Nha. 138

Nha. 1: Sumo yaMika uye Nei Richibatsira (si-CA map. 155-8 ndi. 1-8, 16-19)

Nha. 2: Mika 1:1-16

Nha. 3: Umambo hwaMwari Huchamutsa Vakafa (rs-CA p. 371 ndi. 6–p. 372 ndi. 3)

Nha. 4: Umambo hwaMwari Huchaita Kuti Nyika ive Norudo uye Kuwirirana (rs-CA p. 372 ndi. 4-6)

Dec. 2 Kuverenga Bhaibheri: Nahumi 1–Habhakuki 3

Rwiyo Nha. 137

Nha. 1: Sumo yaNahumi neyaHabhakuki uye Nei Achibatsira (si-CA map. 158-60 ndi. 1-7, 11-12; map. 161-3 ndi. 1-5, 12-14)

Nha. 2: Nahumi 3:1-19

Nha. 3: Umambo hwaMwari Huchaita Kuti Pasi Rive Paradhiso (rs-CA p. 373 ndi. 1-3)

Nha. 4: Umambo hwaMwari Hwakatanga Kutonga Muzana Remakore Rokutanga Here? (rs-CA p. 373 ndi. 4-6)

Dec. 9 Kuverenga Bhaibheri: Zefania 1–Hagai 2

Rwiyo Nha. 146

Nha. 1: Sumo yaZefania neyaHagai uye Nei Achibatsira (si-CA map. 163-6 ndi. 1-6, 10-12; map. 166-8 ndi. 1-7, 13-16)

Nha. 2: Zefania 2:1-15

Nha. 3: Kuuya kwoUmambo hwaMwari Kunofanira Kumirira Kuti Nyika Itendeuke Here? (rs-CA p. 374 ndi. 1-2)

Nha. 4: g‘Umambo hwaMwari Hahungauyi Munguva Yandiri Kurarama’ (rs-CA p. 374 ndi. 4–p. 375 ndi. 1)

Dec. 16 Kuverenga Bhaibheri: Zekaria 1-8

Rwiyo Nha. 1

Nha. 1: Sumo yaZekaria (si-CA map. 168-9 ndi. 1-7)

Nha. 2: Zekaria 6:1-15

Nha. 3: Chii Chinoratidza Kuti Tiri Kurarama Mumazuva Okupedzisira? (rs-CA p. 206 ndi. 1)

Nha. 4: Hondo uye Kuperevedza Kwezvokudya Ndezvimwe zve“Chiratidzo” Pakudini? (rs-CA p. 206 ndi. 2–p. 207 ndi. 4)

Dec. 23 Kuverenga Bhaibheri: Zekaria 9-14

Rwiyo Nha. 176

Nha. 1: Zekaria—Nei Richibatsira (si-CA map. 171-2 ndi. 23-7)

Nha. 2: Zekaria 9:1-17

Nha. 3: Ruka 21:11 Yave Ichizadzika sei Kubvira Muna 1914? (rs-CA p. 208 ndi. 1-3)

Nha. 4: Kuwedzera Kwokusateerera Mutemo Kunoratidzei? (rs-CA p. 209 ndi. 1-2)

Dec. 30 Kudzokorora. Kuverenga Bhai.: Maraki 1-4

Rwiyo Nha. 118

[Mashoko Omuzasi]

a Kana nguva ichibvumira, mudzidzi anofanira kupindura zvinotaurwa nasaimba, zvirambidzo, nezvimwewo, kuti aite zvinoenderana nendima.

b Kana nguva ichibvumira, mudzidzi anofanira kupindura zvinotaurwa nasaimba, zvirambidzo, nezvimwewo, kuti aite zvinoenderana nendima.

c Kana nguva ichibvumira, mudzidzi anofanira kupindura zvinotaurwa nasaimba, zvirambidzo, nezvimwewo, kuti aite zvinoenderana nendima.

d Kana nguva ichibvumira, mudzidzi anofanira kupindura zvinotaurwa nasaimba, zvirambidzo, nezvimwewo, kuti aite zvinoenderana nendima.

e Kana nguva ichibvumira, mudzidzi anofanira kupindura zvinotaurwa nasaimba, zvirambidzo, nezvimwewo, kuti aite zvinoenderana nendima.

f Kana nguva ichibvumira, mudzidzi anofanira kupindura zvinotaurwa nasaimba, zvirambidzo, nezvimwewo, kuti aite zvinoenderana nendima.

g Kana nguva ichibvumira, mudzidzi anofanira kupindura zvinotaurwa nasaimba, zvirambidzo, nezvimwewo, kuti aite zvinoenderana nendima.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe