RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/01 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 10/01 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna October: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Kana ukawana munhu anofarira paunodzokerazve, govera bhuku raZivo kana kuti bhurocha raAnodei. November: Mwari Anodei Kwatiri? kana kuti Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Kana vanhu vachitova nemabhuku aya, ungagovera Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo“Muchinda woRugare” kana kuti rimwe bhuku rekare. December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana usina iri, ungagovera Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, Bhaibheri—iShoko raMwari Here?, kana kuti Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. January: Bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakabudiswa 1987 asati asvika iro ungano ingava naro. Ungano dzine bhuku raKutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu dzingarigoverawo.

◼ Wedzero iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo huno i“Purogiramu yeChikoro chaMwari Choushumiri ya2002” uye inofanira kuchengetwa kuti ishandiswe muna 2002 mose.

◼ Kana nguva yemisangano yeungano yenyu ichichinja musi waJanuary 1, munyori weungano anofanira kuzivisa hofisi yebazi nezvokuchinja kwacho nokutumira fomu reMashoko Emisangano Yeungano (S-5). Odha itsva yemahendibhiri ingaodwa pafomu iroro, kana achidiwa. Mahendibhiri anofanira kuodwa kuchine vhiki sere musati mava kuda kuagamuchira.

◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva—2002 paodha dzadzo dzemabhuku dzaOctober. Tubhuku twacho tuchawanikwa muChichewa, French, chiPutukezi, chiRungu, Sesotho, chiShona, Tsonga, Tswana, Venda, Xhosa, neZulu. Tubhuku utwu tuchaoneka papepa remabhuku atumirwa reungano twakanzi “Zvakamirirwa,” kusvikira twava kuwanikwa uye twatumirwa. Tubhuku twaKunzvera Magwaro zvinhu zveodha chaiyo.

◼ Ungano dzinofanira kuodha rugwaro rwegore rwa2002 paodha dzadzo dzemabhuku dzaOctober. Tapota cherechedzai kuchinja kunotevera. Rugwaro Rwegore negore runobvisirwa keshi uye ruchatumirwa bedzi kana mari yacho yagamuchirwa kubva kuungano yenyu. Runoita $180,00. Pakutumira mari, tapota shandisai Fomu Rokutumira Mari Yemipiro (S-20) uye ratidzai kuti “Rugwaro Rwegore” pane mumwe mutsetse. Rugwaro rwegore ruchawanikwa muChichewa, chiRungu, Sesotho, chiShona, Xhosa, neZulu. Ungano dzingaodha makadhi maviri orugwaro rwegore pamutauro mumwe nomumwe. Ungano dzingaturika rugwaro rwegore rutsva musi waJanuary 1, 2002.

◼ Musi woMugovera, October 6, 2001, zvivako zvebazi reHarare zvichange zvakavharwa nokuda kwokuchenesa kunoitwa muchirimo. Hapana urongwa hwokuratidza vanhu zvivako kana kuti hwokuti ungano dzizotora mabhuku zuva iroro.

◼ Muna June dzimwe Dzimba dzoUmambo 10 dzakatsaurirwa muZimbabwe zvichiita kuti dzose dzegore rebasa ra2001 dzisvike ku44.

◼ Mabhuku Matsva Aripo:

Une Mudzimu Usingafi Here? (Turakiti Nha. 25)—chiShona

Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II—chiShona

Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi—Mabhii Makuru—chiRungu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe