RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/01 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 8/01 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna August: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringashandiswa: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende, Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza?, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari. September: Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi. October: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Kunenge kwawanikwa anofarira pakudzokerazve, govera bhuku raZivo kana kuti bhurocha raAnodei, nepfungwa yokutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha.

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu anosarudzwa naye anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi waSeptember 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Kana izvi zvaitwa, zivisai ungano kana mushumo weakaunzi unotevera waverengwa.

◼ Kutanga gore rino, mapiyona enguva dzose haakwanisi kupinda Chikoro Chebasa Roupiyona kunze kwokuti aine makore 16 kana kupfuura panosvika September 1 wegore raanopinda chikoro chacho. Wechiduku angapinda chete kana mubereki wake anopayona achikwanisa kupinda kirasi iyoyo.

◼ Kuverenga mabhuku nemagazini ose aripo kwepagore negore kunofanira kuitwa musi waAugust 31, 2001, kana kuti pedyo nomusi wacho sezvinobvira. Kuverenga uku kwakafanana nokuverenga chaiko kunoitwa mwedzi nomwedzi nomutarisiri wedhipatimendi remabhuku, uye zvose zvinofanira kunyorwa pafomu Rokuverengwa Kwemabhuku (S-18). Nhamba yemagazini ose aripo ingawanikwa kuvatarisiri vemagazini muungano imwe neimwe iri muboka remabhuku. Ungano imwe neimwe inotarisira ichawana mafomu matatu Okuverengwa Kwemabhuku (S-18). Tapota tumirai fomu rokutanga kuSosaiti musi waSeptember 6 usati wapfuura. Chengetai fomu rakanyorwa nekabhoni nokuda kwemafaira enyu. Fomu rechitatu ringashandiswa sepepa rokushandira. Munyori weungano inotarisira anofanira kutarisira kuverengwa kwacho. Munyori nomutariri anotungamirira weungano inotarisira vachasaina fomu racho.

◼ August ndiwo mwedzi wokupedzisira wegore rebasa. Tingagumisa gore racho nenhamba yevaparidzi itsva yepamusoro here? Hungu, kana tose tikaita basa, uye chinotokosha zvikuru, tikakurumidza kushuma pakupera kwomwedzi. Munyori anofanira kutumira mushumo wakarurama kuSosaiti musi waSeptember 6 kana kuti usati wasvika.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe