Muri Vanhu Vakadini?
1 Pauro akagumisa tsamba yake yeungano yokuFiripi nezano iri rinoti: “Mutsa usina kufanirwa waShe Jesu Kristu ngauve nomudzimu wamunoratidza.” (VaF. 4:23) Akavarumbidza nokuti vaifarira zvechokwadi kuparidza mashoko akanaka uyewo vaiva noushamwari vachida kuti vamwe vagare zvakanaka.—VaF. 1:3-5; 4:15, 16.
2 Tinofanira kunzwa tichida kuva vanhu vakadaro muungano yedu. Tose patinoshingaira, kuva nenyasha, uye mutsa, izvi zvinoratidza zvatiri kuvanhu vanoona. Unhu hwakanaka uye rudo zvinoita kuti pave nokubatana uye kufambira mberi mumudzimu. (1 VaK. 1:10) Unhu hwakaipa hunokonzera kuora mwoyo uye kuva nemwoyo miviri.—Zvak. 3:15, 16.
3 Vakuru Vanotungamirira: Vakuru vane mutoro wokuchengeta ukama hwakanaka pakati pavo uye muungano yavo. Nei? Nemhaka yokuti ungano ingachinjwa nemafungiro avo nomufambiro wavo. Tinoonga kuva nevakuru vanoshingaira mubasa romumunda, vanotikwazisa nokunyemwerera kwoushamwari uye neshoko romutsa, uye vanopa zano rakananga nerinovaka, ringave rinopiwa pachivande kana kuti pachikuva.—VaH. 13:7.
4 Chokwadi, tose zvedu tinofanira kuva nezvatinoita kuti ungano ive noushamwari, mutsa, ishingaire, uye ide zvokunamata. Pachedu, tinogona kuratidza ushamwari norudo mukuwadzana kwedu nevamwe. (1 VaK. 16:14) Hapafaniri kuva nokusarurana nemhaka yezera, rudzi, dzidzo, kana kuti mamiriro ezvemari pakati pedu. (Enzanisa naVaEfeso 2:21.) Nemhaka yetariro yatinayo, tinogona kuratidza mufaro, mutsa wokupa, uye kushingaira muushumiri.—VaR. 12:13; VaK. 3:22, 23.
5 Vose vanosonganirana nesu, kusanganisira vatsva, vanofanira kunzwa kuti vanogamuchirwa uye kuona rudo nokuzvipira kwehama. Tinopa uchapupu hwokuti ungano i“mbiru nechitsigiso chechokwadi,” nokuita ushumiri hwedu uye nokuratidza unhu hwakanaka hwechiKristu. (1 Tim. 3:15) Tinonzwawo takachengeteka mumudzimu nemhaka yo“rugare rwaMwari” runorinda mwoyo yedu uye masimba edu okufunga.—VaF. 4:6, 7.