Kudzokorora Tichinyora Kwechikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari
Kudzokorora tichinyora kunoitwa mabhuku akapfigwa pamusoro pemashoko anofukidzwa mumigove yeChikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari nokuda kwemavhiki aMay 7 kusvikira kuna August 20, 2001. Shandisai pepa riri roga rokunyorera mhinduro zhinji dzemibvunzo seyamunogona munguva yakagoverwa.
[Onai: Mukati mokudzokorora tichinyora, Bhaibheri bedzi ringashandiswa kupindura mubvunzo upi noupi. Nongedzero dzinotevera mibvunzo ndedzenzvero yenyu mumene. Nhamba dzemapeji nendima dzingasaoneka panongedzero dzose dzeNharireyomurindi.]
Pindura mutsetse woga woga unotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:
1. Munyengetero wakataurwa nezvawo pana Nehemia 2:4 waiva wokupererwa nezano, wokungofungira ipapo pakupedzisira. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86-CA 2/15 p. 29 ndima 8, w86 2/15 p. 25 ndima 8.]
2. Shoko rokuti “ungano” rinoshandurwa kubva mushoko rechiGiriki rokuti ek·kle·siʹa, shoko rinosanganisira pfungwa dzokubatana nokutsigirana. [w99-CA 5/15 p. 25 ndima 4]
3. Nepo vashumiri vaJehovha vachidzivisa tsika dzine chokuita norufu idzo dzinopesana neShoko raMwari, havarambi tsika dzose dzine chokuita norufu. (Joh. 19:40) [rs-CA p. 331 ndima 4]
4. Panguva yakararama Jobho, ndiye munhu bedzi akanga akatendeka kuna Jehovha. (Jobho 1:8) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w92-CA 8/1 p. 31 ndima 3-4.]
5. Chokwadi chokuti Sauro, kana kuti Pauro, akazvitsigira nokugadzira matende chinoratidza kuti aibva kumhuri yakaderera. (Mab. 18:2, 3) [w99-CA 5/15 p. 30 ndima 2–p. 31 ndima 1]
6. Kunyange zvazvo Dhavhidhi akaita zvivi zvakakura, Jehovha aigona kuti “akanditevera nomwoyo wake wose” nemhaka yokupfidza kwaDhavhidhi uye unhu hwakanaka. (1 Madz. 14:8) [w99-CA 6/15 p. 11 ndima 5]
7. Tinofanira kuita zvose zvatinokwanisa kuzadzika mhiko dzedu kunyange kana tikazoona kuti kuzviita kwakaoma, kunze kwokunge chatakavimbisa chisingabvumirwi mumagwaro. (Pis. 15:4) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 9/15 p. 28 ndima 5.]
8. Pisarema 22:1 rinoratidza kuti Dhavhidhi paaidzvinyirirwa zvikuru akarasikirwa nokutenda kwake. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86-CA 7/1 p. 8 ndima 19, w86 8/15 p. 20 ndima 19.]
9. MuKristu anga“wa” kana toreva nezvokukangaidzika, kuora mwoyo, uye kuchinja kwezvepamutemo kana zvemari, asi achibatsirwa nomudzimu waMwari uye vanamati Vake vane rudo, haasati achizo‘wiswa’ zvachose mumudzimu. (Pis. 37:23, 24) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86-CA 11/1 p. 29 ndima 14, w86 11/1 p. 30 ndima 14.]
10. Genesi chitsauko 1 inodzidzisa kuti Mwari akasika zvinhu zvose pasi pano mumazuva matanhatu emaawa 24. [rs-CA p. 219 ndima 6]
Pindura Mibvunzo inotevera:
11. Ezra nevabatsiri vake ‘vakatsanangura’ sei Mutemo? (Neh. 8:8) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86-CA 2/15 p. 30 ndima 5, w86 2/15 p. 26 ndima 4.]
12. “Mufaro waJehovha” unobva pai? (Neh. 8:10) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86-CA 2/15 p. 30 ndima 10, w86 2/15 p. 26 ndima 9.]
13. Nei “varume vose vakazvipira kugara muJerusarema” vakakomborerwa? (Neh. 11:2, NW) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86-CA 2/15 p. 30 ndima 12, w86 2/15 p. 26 ndima 12.]
14. Estere akanonokerei kuzivisa mambo zvaaivavarira chaizvo? (Estere 5:6-8) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86-CA 2/15 p. 27 ndima 18, w86 3/15 p. 24 ndima 18.]
15. Mibvunzoi miviri inokosha inopindurwa mubhuku raJobho? [si-CA p. 95 ndima 1]
16. Nei zano raErifazi rakaodza mwoyo Jobho ndokukundikana kumukurudzira? (Jobho 21:34; 22:2, 3) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 2/15 p. 27 ndima 5-6.]
17. Pisarema chii? [si-CA p. 101 ndima 2]
18. Chinhui ch“isina maturo” icho vanhu vanoramba va‘chifunga,’ sezvakanyorwa pana Pisarema 2:1? [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86-CA 7/1 p. 8 ndima 5, w86 8/15 p. 20 ndima 5.]
19. Chidzidzoi chinoshanda pamusoro pokusasarura chatingadzidza muushumiri hwaFiripi hunosanganisira vaSamariya nomukuru mukuru weEtiopiya? (Mab. 8:6-13, 26-39) [w99-CA 7/15 p. 25 ndima 2]
20. Jobho akaenzanisira sei chivimbo chake chokuti Mwari aigona kumumutsa kubva muguva, raaiona senzvimbo yokuvanda zvinetso zvake? (Jobho 14:7, 13-15) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w00-CA 5/15 p. 27 ndima 7–p. 28 ndima 1.]
Ipa (ma)shoko kana kuti chitsama chemashoko anodiwa kupedzisa mutsetse woga woga unotevera:
21. Estere 8:17, (NW) inovanhu vakanga “vava kuzviti vaJudha”; saizvozvowo nhasi, “․․․․․․․․” re“mamwe makwai” rinotsigirana ne-․․․․․․․․. (Zvak. 7:9; Joh. 10:16; Zek. 8:23) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86-CA 3/1 p. 28 ndima 14, w86 3/15 p. 25 ndima 14.]
22. Sezvinoratidzwa pana Mabasa 1:7, kunyange zvazvo Jehovha achiziva ․․․․․․․․ kwazvo, zuva rake rokutonga richauya se-․․․․․․․․, vanhu pavanenge vasingaritarisiri. (2 Pet. 3:10) [w99-CA 6/1 p. 5 ndima 2-3]
23. Pana 2 Petro 3:7, 10, mashoko okuti “matenga” ne“pasi” anoshandiswa mu-․․․․․․․․; sezvinoratidzwa nemashandisirwo aakaitwa, “pasi” rinomirira ․․․․․․․․. [rs-CA p. 288 ndima 3-5]
24. Chivimbo nokunzwisisana zvinoita kuti pave nokukurukurirana zvakanaka, uye zvinhu izvi zvinozovapo apo muchato unoonekwa soukama ․․․․․․․․ uye pane ․․․․․․․․ kwomwoyo wose kuti muite kuti ubudirire. [w99-CA 7/15 p. 21 ndima 3]
25. Kuda kufanana nevezera redu muzvinhu zvakanaka kunogona kutibatsira ․․․․․․․․ zvinodiwa zvetsika nezvomudzimu ndokutibatsira kushumira Jehovha ․․․․․․․․. [w99-CA 8/1 p. 24 ndima 4]
Sarudza mhinduro yakarurama mumutsetse woga woga unotevera:
26. Kugara kwa‘Modhekai pasuo ramambo’ kunoratidza kuti aiva (murindi wamambo; mumwe wevakuru vakuru vaMambo Ahashvheroshi; aimirira kuonana namambo). (Estere 2:19, 20) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86-CA 3/1 p. 27 ndima 9, w86 3/15 p. 24 ndima 9.]
27. Sezvakanyorwa pana Jobho 19:25-27, Jobho akaratidza kutenda kuti aizo“ona Mwari” mukuti aizo(ropafadzwa nezvaakaratidzwa; mutsirwa kuupenyu hwokudenga; ita kuti maziso ake okunzwisisa azarurwe kuti aone chokwadi pamusoro paJehovha). [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w94-CA 11/15 p. 19 ndima 17.]
28. Jobho anoyeukwa zvikuru nemhaka yo(rudo; mutsa; kutsungirira) kwake. (Jak. 5:11) [si-CA p. 100 ndima 41]
29. Kunyorwa kwebhuku reMapisarema kwakatora anenge makore (mazana matatu; mazana mashanu; chiuru chimwe). [si-CA p. 101 ndima 4]
30. (Dhavhidhi; Asafi; Ezra) sezviri pachena ndiye munyori wokupedzisira webhuku raMapisarema. [si-CA p. 102 ndima 6]
Wiriranisa Magwaro anotevera nemitsetse yakarongwa pasi apa:
Neh. 3:5; Pis. 12:2; 19:7; 2 Tim. 3:16, 17; Jak. 5:14-16
31. Tinofanira kunzwa tichida kuzvishandisa torega kudada tichiona basa rakaoma serinotibvisa chimiro. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86-CA 2/15 p. 29 ndima 12, 19 w86 2/15 p. 25 ndima 12, 19.]
32. MuKristu anenge aita chakaipa chakakomba anofanira kureurura chivi chake kuvakuru. [rs-CA p. 137 ndima 9]
33. Nepo Mwari akashandisa zviroto kunyevera, kurayiridza, uye kupa uprofita kuvanhu vake munguva yakapfuura, zvino ari kuita kuti tiponeswe achishandisa Shoko rake rakafuridzirwa. [rs-CA p. 438 ndima 6]
34. Kana tichida ushamwari naMwari, tinofanira kuva vakatendeseka mumwoyo medu, tisinganyengeri. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 9/15 p. 27 ndima 1, w89 9/15 p. 26 ndima 7.]
35. Kuteerera mutemo waMwari kunomutsidzira mweya womunhu uye kunotsigira kugara zvakanaka kwake. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w00-CA 10/1 p. 13 ndima 4.]