Purogiramu yoMusangano Webasa
Vhiki Inotanga naAugust 13
13 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Kurudzira vaya vanokwanisa kuti vaone vhidhiyo inonzi The New World Society in Action kugadzirira hurukuro iri paMusangano Webasa wevhiki inotanga naAugust 27.
17 min: “Unoda Kuita Zvakawanda Here?”a Taurawo mazano okuita zvakawanda pakupupurira vanhu vari mundima yenyu vanotaura mutauro wokumwe. Taura nokupfupikisa zviri muNharireyomurindi yaJune 15, 1997, mapeji 26-9.
15 min: “Chengeta Nhandaro iri Munzvimbo Yayo Yakafanira.” Muitisi wechidzidzo chebhuku anokurukura nevaviri vakaroorana, chidzidzo chapera. Anotaura nomutsa kuti munguva pfupi yapfuura haana kuvaona mubasa romumunda kana kumisangano yokupera kwevhiki. Vaviri vacho vanotsanangura kuti nzendo nemamwe mabasa zvakaramba zvakavabatikanisa. Mukuru wacho anokurukura pfungwa huru dziri munyaya yacho, achibatsira vaviri vacho kuona kuti zvinhu zvomudzimu zvinofanira kuiswa pakutanga nguva dzose. Vanoonga zviyeuchidzo zvacho zvakanaka.—Ona Nharireyomurindi, yaOctober 1, 2000, mapeji 19-20.
Rwiyo 68 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naAugust 20
8 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.
10 min: “Muri ‘Chinhu Chinoshamisa Chepanzvimbo Yemitambo’!”b Taura zvakaitika mundima yenyu apo vanhu vakataura zvakanaka nezvebasa kana kuti mufambiro weZvapupu zvaJehovha.—Ona Nharireyomurindi, yaMarch 15, 1998, papeji 10, uye yaJanuary 15, 1999, papeji 32.
15 min: “Tsika Dzakanaka—Dzinoratidza Vanhu Vakazvipira Kuna Mwari.” Mukuru anopa hurukuro yemaminiti 5 pandima 1-5. Zvadaro anokurukura ndima dzasara dzenyaya yacho nomumwe mukuru uye mushumiri anoshumira vari pachikuva. Vanotaura nezvokukurira kungaitwa miitiro yokusafunga vamwe ingaparira kuvarairwa pamisangano yedu ndokurerutsa kubatsirwa kwatinoita.
12 min: “Muri Vanhu Vakadini?” Kukurukura nemibvunzo nemhinduro.
Rwiyo 72 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naAugust 27
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuisa mishumo yebasa romumunda yaAugust. Taura nokupfupikisa zano rimwe kana maviri okugoverwa kungaitwa bhuku raVakabatana muushumiri muna September.
10 min: Zvinodiwa muungano.
25 min: “Kudzokorora Zvakaitika Kare Zviri Muvhidhiyo Inonzi The New World Society in Action.” Kukurukura nevateereri nokubvunzurudza. Mapedza kukurukura mibvunzo iripo, bvunzurudza chero vapi vakaona firimu racho chairo kana kuti vakapinda kokorodzano dzemarudzi akawanda kuma1950. Ita kuti vataure zvavanoyeuka nezvezviitiko izvozvo, kubatsirwa kwavakaita mumudzimu, uye kubvuma kwavakaita kuti iri ndiro sangano raJehovha. Muna October tichaongorora vhidhiyo inonzi United by Divine Teaching. Kana kuti ipa hurukuro inobva muNharireyomurindi, yaMay 15, 2000, mapeji 20-24, inoti “Chengeta Mwoyo Wako.”
Rwiyo 74 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naSeptember 3
15 min: Zviziviso zveungano. Kurukura “Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo.” Zivisa musi wegungano rezuva chairo rinotevera.
15 min: “Ushamwari hwechiKristu Hunokosha Zvakadini?”c Taurawo mashoko ari pasi pomusoro muduku unoti “Kupfurikidza neUngano” uri muNharireyomurindi, yaJanuary 15, 1996, papeji 22.
15 min: Kana Mumwe Munhu Akati. Kukurukurirana uye mienzaniso. Muushumiri, vanhu pavanotaura mashoko kana kubvunza mibvunzo yatisingatarisiri, tinofanira kuedza kupindura pane kuchinja nhau kana kuti kugumisa hurukuro yacho. Bhuku raKurangarira kazhinji richabatsira zvikuru munhau iyi. Taura zvimwe zvinombotaurwa zvakajairwa, uye ita kuti vaparidzi vaenzanisire kuti vangapindura sei nemashoko ari mubhuku raKurangarira. Somuenzaniso munhu angati: ‘Ini handidaviri Mwari.’ (mapeji 264-5) ‘Neiko musingabatanidzwi mumabasa okunatsiridza nzanga?’ (mapeji 435-6) ‘Hazvina basa kuti unopinda chechi ipi.’ (papeji 319-20) Kurudzira vose kushandisa chikamu ichi chebhuku raKurangarira apo mamiriro ezvinhu asingatarisirwi anomuka muushumiri.
Rwiyo 121 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.