RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/01 p. 1
  • Ushamwari hwechiKristu Hunokosha Zvakadini?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ushamwari hwechiKristu Hunokosha Zvakadini?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Purogiramu Yemhuri—Misangano Yeungano
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Nei Tichifanira Kuungana Kuti Tinamate Pamwe Chete?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Kuonga Kuungana kwechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Uchawanei Kana Ukauya Pamisangano Yedu yechiKristu?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 8/01 p. 1

Ushamwari hwechiKristu Hunokosha Zvakadini?

1 ‘Hakuna munhu angabudirira kana asingagamuchiri mazano evamwe.’ Pfungwa iyi yezvakataurwa nomudetembi womuzana remakore rechi17 inongodzokorora zvinotaura Bhaibheri nezvechinodiwa nomunhu chinokosha—ushamwari. (Zvir. 18:1) Ushamwari hwedu hwechiKristu hunozadzisa chinodiwa ichi. Munzirai dzinobatsira?

2 Muushumiri: Chimwe chinobatsira zvikuru inzira yatinosimbiswa nokutsigirwa muushumiri hwepachena nehama dzedu. Jesu akatuma vadzidzi vake kunoparidza vari “vaviri vaviri.” (Mako 6:7; Ruka 10:1) Maererano nomuenzaniso uyu, patinoshanda nevamwe mubasa romumunda, tinoona chokwadi chaMuparidzi 4:9, 10. Sezvatinoita ushumiri hwedu pamwe chete, kutenda, kuteerera, uye rudo rweshamwari dzedu zvinotipa ushingi totangazve kushingaira.

3 Kuti isu Pachedu Tibatsirwe: Ukama hwedu hunokurudzirawo uye hunobatsira kubata nezvinetso uye kudzivisa miedzo. Shamwari dzedu dzechiKristu dzingatiyeuchidza magwaro ane chokuita nezvinetso zvedu pachedu. Dzingatotinyengeterera, sezvatinongodziitirawo. (2 VaK. 1:11) Zvechokwadi muenzaniso wadzo wakanaka unotikurudzira kuita mabasa akaisvonaka uye unotisimbisa.

4 Pamisangano: Tinova nechikomborero choushamwari hwechiKristu patinopinda misangano yeungano nguva dzose. (VaH. 10:24, 25) Purogiramu yacho ine mirayiridzo yeshoko raMwari yakawanda, uye kuvapo kwedu pamisangano kunoita kuti tirambe tiri pedyo nevatinonamata navo. Kuungana uku kunotipa mukana wokunzwa hama nehanzvadzi dzedu dzichitaura kutenda kwadzo, pangava pachikuva kana kuti dziri muvateereri. (VaR. 1:12) Chisungo chedu choushamwari chinosimba patinokurukurirana misangano isati yatanga uye yapera. Nguva yakadaro inotipa mikana yokurondedzera zvakaitika zvinosimbisa kutenda kwedu. Unhu hwedu hunovandudzika patinoshamwaridzana norusununguko nevaya vanoda Jehovha, Shoko rake, basa rake, uye vanhu vake.—VaF. 2:1, 2.

5 Tinoda shamwari dzedu dzechiKristu. Dai dzisipo, kufamba mumugwagwa wakamanikana unoenda kuupenyu kwaizova kwakaoma zvikuru. Zvisinei, nokuda kworudo rwadzo uye kutikurudzira kwadzinoita, tinogona kuramba takananga kunyika itsva yaJehovha yakarurama.—Mat. 7:14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe