Muri “Chinhu Chinoshamisa Chepanzvimbo Yemitambo”!
1 Muapostora Pauro akanyora kuti: “Tava chinhu chinoshamisa chepanzvimbo yemitambo kunyika, nokungirozi, nokuvanhu.” (1 VaK. 4:9) Izvi zvinorevei, uye zvinofanira kuita kuti tinzwe sei muushumiri hwedu mazuva ano?
2 Kune munhu wokuKorinde, mashoko okuti “chinhu chinoshamisa chepanzvimbo yemitambo” zvimwe aizoita kuti afunge nezvechiitiko chokupedzisira chemakwikwi okurwa evaRoma, apo vanhu vainge vanzi vane mhosva vaimiswa vakaita mutsetse mberi kwezviuru zvaivaona vasati vaurayiwa nenzira youtsinye. Saizvozvowo, vaoni vakawanda—vanhu nengirozi—vakaona kutambudzwa kwaiitwa vaKristu vomuzana remakore rokutanga nemhaka yokupupurira Umambo. (VaH. 10:32, 33) Kuramba kwavo vakatendeka kwakaorora vacherechedzi vakawanda, sezvinongoita kutsungirira kwatinoita mazuva ano. Tiri chinhu chinoshamisa kuna vanaani?
3 Kunyika Nokuvanhu: Dzimwe nguva zvinobudisa nhau zvinoparadzira mashoko pamusoro pemabasa evanhu vaJehovha. Nepo tichifarira mashoko akanaka echokwadi uye akatendeka anotaurwa nezvebasa redu, tinotarisirawo kuti mashoko akaipa achaparadzirwa nguva nenguva nevanotitsoropodza. Kunyange zvakadaro, tinofanira kuramba tichizvirumbidza sevashumiri vaMwari “nomumashoko akaipa nemashoko akanaka.” (2 VaK. 6:4, 8) Kuvacherechedzi vane mwoyo yakatendeseka zvinova pachena kuti tiri vadzidzi vaJesu Kristu vechokwadi.
4 Kungirozi: Zvisikwa zvomudzimu zvinoticherechedzawo. Dhiyabhorosi nemadhimoni ake vanoona—asi va“katsamwa kwazvo,” vachitsvaka kumisa “basa rokupupurira Jesu.” (Zvak. 12:9, 12, 17) Ngirozi dzaMwari dzakatendeka dzinoona uye dzinofara kunyange kana munhu mumwe anoita zvivi akapfidza. (Ruka 15:10) Zvinofanira kutisimbisa kuziva kuti ngirozi dzinoona ushumiri hwedu sebasa rokukurumidzira zvikuru, rinobatsira riri kuitwa pasi pano nhasi!—Zvak. 14:6, 7.
5 Pamunoshorwa kana kuti pamunofunga kuti ushumiri hwenyu hahusi kubudirira, yeukai kuti muri kuonekwa kwose kwose. Kutsungirira kwenyu nokutendeka kunotaura zvakawanda. Pakupedzisira, ‘kurwa kwenyu kwakanaka kwazvo kwokutenda’ kuchaita kuti mugone ku‘batisisa upenyu husingaperi.’—1 Tim. 6:12.