Unganoshanda Kunodiwa Vaparidzi Zvikuru Here?
1 Wakambofungisisa nezvokutamira kunodiwa vamwe vazivisi voUmambo here? Kana ukakokwa ku‘yambuka . . . kuti ubatsire,’ ungabvuma here sezvakaita muapostora Pauro? (Mab. 16:9, 10) Muungano dzakawanda munodiwa mhuri dzakakura mumudzimu, mapiyona kuti abatsire kupedza ndima, kana kuti vakuru nevashumiri vanoshumira vanokwanisa kuti vabatsire kutungamirira. Ndima yacho ingaumbwa nemataundi ari oga maduku akapararira mumaruwa makuru. Horo yoUmambo inonzi ndiyo iri pedyo ingava iri kure kwazvo. Basa rokunyika ringava shoma. Mamiriro okunze angava asina kunaka nguva dzose. Waizobvuma basa rakaoma kudaro here? Zvinobvira sei kubudirira?
2 Kutenda uye Chivimbo Zvinodiwa: Arayirwa naMwari, Abrama akasiya taundi rokumusha kwake reUri ndokufamba makiromita 1 000 achienda kuHarani nomudzimai wake, muzukuru, uye baba vake vakanga vakwegura, Tera. (Gen. 11:31, 32; Neh. 9:7) Tera afa, Jehovha akarayira Abrama, zvino akanga ava nemakore 75, kuti abve kuHarani nehama dzake aende kunyika yaaizoratidzwa naMwari. Abrama, Sarai, naRoti vaka“enda.” (Gen. 12:1, 4, 5) Chokwadi, Abrama haana kutama kuti anoshanda kwakanga kuchidiwa vashumiri zvikuru. Asi kutama kwake kwaida chimwe chinhu. Chii?
3 Zvaida kutenda uye chivimbo kuti Abrama aedze kuita zvakadaro. Mafungiro nemararamiro ake zvaifanira kuchinja. Aifanira kusiya kuchengeteka kwaaiva nakwo nehama dzake. Asi akavimba kuti Jehovha aizomutarisira nemhuri yake. Nhasi vakawanda vanoratidza kuti vanovimba naJehovha saizvozvo.
4 Mabasa Enguva Pfupi: Wati wambova nezvikomborero zvikuru zvokushanda ndima isina kugoverwa here? Takawana vakawanda zvikuru vakada kushanda ndima dzisina kugoverwa muna 1999. Ungano dzakawanda dzakakumbira kuramba dzichishanda ndima idzodzo basa racho rapera uye Sosaiti yakatendera zvakawanda zvezvikumbiro izvi. Dzimwe dzenzvimbo idzi iye zvino dziri kushandwa nemapiyona chaiwo somugumisiro wokubvuma kwakaisvonaka kwakaita vakawanda kushanda ndima dzisina kugoverwa.
5 Mumwe mutariri webasa anoshingaira kutsigira chirongwa ichi akanyora kuti: “Takagamuchirwa zvakanaka kwazvo navanasaimba. Vamwe vavo vakanga vasati vamboona Zvapupu. Vamwe vakanga vaona Zvapupu pavaishanda mumaguta makuru naizvozvo vaifara zvikuru kukurukura Bhaibheri nesu uye zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda zvakatangwa.” Imwe ungano yakashuma kuti: “Tinobvuma kuti kukohwa kukuru munzvimbo iyi asi tinoona kuti vashandi vashoma uye tine chokwadi chokuti mapiyona chaiwo akaroorana angawana kuti iyi indima inobereka zvibereko zvikuru. Pane boka duku revaparidzi vakafara kwazvo kutiona tichivashanyira kuti tishande navo mundima yavo uye mundima dziri pedyo.” Vaparidzi vakawanda vanobvuma kuti kushanda kunyange kwenguva pfupi kunodiwa vaparidzi zvikuru kwasimbisa kukoshesa kwavanoita ushumiri. Taura nevaya vakazviita. Uchaona kuti vakasimbiswa mumudzimu uye zvimwe vangashanda zvekare kana vakapiwa mukana wacho.
6 Kubvuma basa renguva pfupi rokushanda kunodiwa vaparidzi zvikuru kungashanda chimwe chinangwa. Vaya vanozviita vangawana mashoko anoshanda okuvabatsira “kuverenga zvinodiwa” zvokutamira kune imwe nzvimbo yenyika.—Ruka 14:28.
7 Jehovha anoda kuti mashoko akanaka aziviswe “mupasi rose rinogarwa” mugumo usati wasvika. (Mat. 24:14) Zvawava kuziva izvi, kana uchigona, ungada here kutamira kunodiwa vaparidzi zvikuru? Vaparidzi vanodiwa munzvimbo dzakawanda.
8 Kutamira Kunodiwa Vaparidzi Zvikuru: Wakarega basa here? Unowana mari nguva dzose here? Kana usina, ungaronga kuzviitira basa rako pachako here? Unokwanisa kurarama kunzvimbo ipi neipi uchishandisa runhare kana kombiyuta kana kuti rimwewo basa here? Kana usingagoni kutama, ungabatsira imwe nhengo yemhuri kuti ishande kune imwe nzvimbo here?
9 Kana pashure pokunyengetera uchinzwa kuti unokwanisa kutamira kunodiwa vaparidzi zvikuru, kurukura nhau yacho nemhuri yako uye vakuru vari muungano yako. Ipapo, nyora tsamba woipa vakuru kuti vawedzere zvavanocherechedza uye zvavanorumbidza vasati vaitumira kuhofisi yebazi.
10 Unofanira kunyorei mutsamba yako? Zera rako, musi wawakabhabhatidzwa, mitoro yaunayo muungano, kuti wakaroora here, uye kana une vana vaduku. Dudza nzvimbo dzaunoda kushanda, maererano nezvaunoda iwe pachako. Somuenzaniso, unganogara kunzvimbo inopisa kana kutonhora zvakanyanya here? Unotaura mitauro ipi neipi yokune dzimwe nyika here?
11 Unoshingaira uye wakashinga here? Mamiriro ako ezvinhu anokubvumira kushanda kunodiwa vaparidzi zvikuru here? Kana achidaro, ipapo cherechedza madururiro anoramba achiita Jehovha zvikomborero zvikuru pane vaya vanovimba naye sezvavanoratidza kuzvipira!—Pis. 34:8; Mar. 3:10.