Vabereki—Muri Kudzidza Nevana Venyu Nguva Dzose Here?
1 Kutarisira mutoro wokudzidzisa vana nzira yaJehovha kunoda nguva yakawanda uye kushanda nesimba kwevabereki vakazvitsaurira vechiKristu. (Dheut. 6:6, 7; VaEf. 6:4) Chero zvazvo nguva yose inobatanidzwa ikashumwa sebasa romumunda haibvisi kukosha kwomutoro wokubereka.
2 Mushumo webasa romumunda weungano unobatanidzwa kuti uratidze zvikurukuru zviri kuitwa muushumiri hwomumunda kuparidza mashoko akanaka pachena uye kudzidzisa chokwadi vanhu vasiri Zvapupu zvakazvitsaurira uye zvakabhabhatidzwa. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Zvisinei, kana mubereki akazvitsaurira achiitisa chidzidzo cheBhaibheri chemhuri nguva dzose uye vana vaduku vasina kubhabhatidzwa vachibatanidzwa, angashuma isingapfuuri awa imwe chete uye kudzokerazve kumwe chete vhiki yoga yoga inoitiswa chidzidzo uye chidzidzo cheBhaibheri chimwe chete nokuda kwomwedzi wacho. Ndizvo zvimwe chete kunyange kana chidzidzo chacho chikapfuura awa imwe chete panguva kana kuti chikaitiswa kanopfuura kamwe chete pavhiki. Zvidzidzo zvokuwedzera kana nguva inopedzerwa pakudzidzisa mwana mumwe nomumwe hazvingabatanidzwi mumushumo webasa romumunda, asi zvingaonekwa sechido chomwoyo wose chomubereki chokuti arovedze vana kuzvipira kuna Mwari.—Zvir. 22:6.
3 Zvakadini kana vabereki vachida kubatsirwa kupinza chokwadi mumwoyo yevana vavo, nokuda kwezvikonzero zvakati? Vangakumbira vamwe kuti vavabatsire. Kana mumwe muparidzi akakumbirwa kuti abatsire kuita izvozvo, zvaizova zvakanaka kuzvikurukura nomutariri anotungamirira kana kuti mutariri webasa. Kana vabereki vacho vari vatsva muchokwadi, kana zvimwe vachida kuti vana vavo vabatsirwe, uye zvichiva zvakanaka kuti mumwe muparidzi adzidze Bhaibheri navo, izvozvo zvingaitwa. Muchiitiko chakadaro, uya anoitisa chidzidzo chacho angakwanisa kuverenga nguva yaakaitisa, kudzokerazve kwaakaita uye chidzidzo chaakaitisa kana vana vacho vasina kubhabhatidzwa.