RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/01 p. 1
  • Ita Zvakazara Basa Rokukohwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ita Zvakazara Basa Rokukohwa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Minda Yachenera Kukohwa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Ivai Vashandi Vanokohwa Vachifara!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Rambai Muchiita Basa Rokukohwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Shanda Nesimba Mukukohwa Kukuru Kuri Kuitwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 5/01 p. 1

Ita Zvakazara Basa Rokukohwa

1 Vaprofita vaMwari vekare uyewo Jesu Kristu pachake vakataura nezvebasa rokuunganidza. (Isa. 56:8; Ezek. 34:11; Joh. 10:16) Basa rakadaro riri kuitwa iye zvino sezvo mashoko akanaka oUmambo ari kuparidzwa pasi pose. (Mat. 24:14) Kusiyana kwevaya vanoshumira Mwari nevasingamushumiri kuri kunyatsooneka. (Mar. 3:18) Izvi zvinorevei kwatiri?

2 Mutoro Wako Pachako: Tinogona kudzidza mumuenzaniso waPauro, uyo aibatanidzwa zvakazara muushumiri hwechiKristu. Ainzwa aine mutoro wokuparidza kuti vanhu vose vawane mukana wokunzwa mashoko akanaka vagoponeswa. Izvi zvakamuita kuti arambe achivashandira. (VaR. 1:14-17) Tichiona mamiriro ezvinhu anotyisa ari kutarisana nevanhu nhasi, hatina mutoro wakatokura here wokuparidzira vaya vari mundima yedu yatakagoverwa?—1 VaK. 9:16.

3 Nguva Yebasa Rokukurumidzira: Basa rokuparidza ringaenzaniswa nebasa rokutsvaka nokununura. Vanhu vanofanira kutsvakwa vobatsirwa kuti vave vakachengeteka kusati kwava kunyanya kunonoka. Nguva ishoma. Upenyu huri mungozi! Ndokusaka Jesu akakurudzira vadzidzi vake kukumbira “Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.”—Mat. 9:38.

4 Vachiziva nezvokukurumidzira kwanhasi, vashandi voUmambo vakawanda vakawedzera kushanda kwavo mubasa iri rinoponesa upenyu. Mumwe muyaruki anonzi Hirohisa aigara mumusha une mubereki mumwe nevanun’una vake vana. Aitsigira mhuri yake nokumuka nenguva dzetatu mangwanani kuti aendese mapepanhau. Kunyange zvakadaro, Hirohisa aida kuita zvakawanda muushumiri, saka akatanga kuita upiyona hwenguva dzose. Pane dzimwe nzira dzaungaita nadzo zvakazara basa iri risingafi rakadzokororwa here?

5 “Nguva yasara ipfupi.” (1 VaK. 7:29) Naizvozvo, ngatiitei zvose zvatingagona mubasa rinokosha zvikuru riri kuitwa pasi pano nhasi—kuparidza mashoko akanaka oUmambo nokuita vadzidzi. Jesu akaenzanisa ushumiri uhwu nebasa rokukohwa. (Mat. 9:35-38) Nokuita basa rokukohwa zvakazara, zvibereko zvebasa redu zvingasanganisira kubatsira mumwe munhu kuti ave mumwe weboka guru revanamati rakarondedzerwa pana Zvakazarurwa 7:9, 10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe