RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/01 pp. 2-4
  • Purogiramu yoMusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu yoMusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naApril 9
  • Vhiki Inotanga naApril 16
  • Vhiki Inotanga naApril 23
  • Vhiki Inotanga naApril 30
  • Vhiki Inotanga naMay 7
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 4/01 pp. 2-4

Purogiramu yoMusangano Webasa

Vhiki Inotanga naApril 9

Rwiyo 93

15 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Zivisa kuti Chirangaridzo chakapindwa nevangani muungano. Kumbira vateereri kurondedzera mashoko okuonga avakanzwa achitaurwa nevakapinda kokutanga. Kurudzira vanokwanisa kuti vaone vhidhiyo inonzi The Bible—Its Power in Your Life kugadzirira hurukuro iri paMusangano Webasa wevhiki inotanga naApril 23.

10 min: Bhokisi Remibvunzo. Hurukuro inopiwa nomukuru. Sanganisira zvinofanira kurangarirwa pakusarudza misha yokuitira chidzidzo chebhuku.—Ona Bhokisi Remibvunzo muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaFebruary 1983 papeji 2.

20 min: “‘Batikana Zvikuru’ Noushumiri Hwako.”a Kumbira vaparidzi vaviri kana vatatu kuti vatsanangure zvavakasangana nazvo pakubatsira vamwe sezviri kukurudzirwa mundima 3-5.

Rwiyo 80 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naApril 16

Rwiyo 145

10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Kwasara kupera kwevhiki kuviri chete muna April, saka kurudzira vose kupinda muushumiri mwedzi usati wapera.

15 min: “Kushumira Jehovha Semhuri.”b Kukurukura nemibvunzo nemhinduro.

20 min: “Zviri Nyore Ndizvo Zvakanakisisa.”c Sanganisira pfungwa dziri munyaya inoti “Ngatitaurei Zvatafambira!” iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo, hwaJuly 1999 papeji 4. Enzanisira mharidzo mbiri dziri nyore.

Rwiyo 146 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naApril 23

Rwiyo 163

5 min: Zviziviso zveungano.

15 min: “Kufanogadzirira—Chii?” Hurukuro. Sanganisira pfungwa dzakakodzera dziri muNharireyomurindi yaNovember 1, 2000, mapeji 18-21.

25 min: “Zvinofungwa nezvevhidhiyo inonzi The Bible—Its Power in Your Life.” Kukurukura nevateereri. Tadii kutevera zano rakapiwa muchiitiko chakarondedzerwa mu1997 Yearbook, papeji 54, ndima 1, nezvemashandisirwo akanaka emavhidhiyo eSosaiti? Muna June tichaongorora vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses Stand Firm Against Nazi Assault. (Kana kuti kurukura zvinodiwa muungano.)

Rwiyo 202 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naApril 30

Rwiyo 215

10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuisa mishumo yebasa romumunda yaApril. Vaitisi vechidzidzo chebhuku vanofanira kubvunza vose vari mumapoka avo kuitira kuti mishumo yose ibatanidzwe May 6 asati asvika.

15 min: “Pupurira Somuvakidzani Akanaka.”d Taura nezvedzimwe nzira dzatinogona kupa nadzo uchapupu nomufambiro wedu.—Ona Nharireyomurindi yaNovember 1, 1997, papeji 18 ndima 16.

20 min: Mapiyona Ari Kubatsira Vamwe. Hurukuro nokubvunzurudza kunoitwa nomutariri webasa. Dzokorora purogiramu yeMapiyona Anobatsira Vamwe iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 1998, papeji 4. Rondedzera zvakanaka zvakaitwa muungano yenyu. Bvunzurudza piyona akabatsira mumwe munhu nomuparidzi akabatsirwa.

Rwiyo 216 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMay 7

Rwiyo 84

10 min: Zviziviso zveungano.

15 min: “Zvinhu Zvose Zvinobvira Kuna Mwari.” Taura zvishomanana nezvemashoko ari mubhuku rinonzi Vazivisi, papeji 443, anoratidza kuti kuparidzira kwakaitwa zvakadini muna 1935 tichienzanisa nenhamba dziri muYearbook regore rino. Ratidza kuti kuwedzera uku kunoshamisa kwakamboratidzika sokusingabviri sei.

20 min: Mhuri Yedu Ingaratidza Sei Utsvene? Mukuru nemhuri yake vanokurukura Nharireyomurindi yaAugust 1, 1996, mapeji 16-20. Kurukurai nzira dzokuratidza nadzo utsvene pamusha, nehama, muungano, uye nevavakidzani, nokuchikoro uye kubasa.

Rwiyo 70 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

d Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe