Kufanogadzirira—Chii?
1 Tose zvedu tinotombofunga nezvezvirongwa zvedu zveramangwana. Vaya vane tariro yepasi vanotarisira kurarama nokusingaperi munyika itsva yaMwari yakarurama. Asi pane zvipingiridzo zvingagona kubvisa tariro iyoyo mumwoyo womunhu. Zvinotoda kuedza nomwoyo wose kuti tirambe tichivaka upenyu hwedu zvinoenderana noUmambo uye kuti tisatsauswe nezvishuvo zvenyama yedu zvinotiedza.—1 Joh. 2:15-17.
2 Nyika ino haitombonzwisisi zvinofarirwa nevanhu vanokoshesa zvinhu zvomudzimu. (1 VaK. 2:14) Nepo vamwe vanhu vachitamburira kuwana mukurumbira, simba, kana kuti pfuma, isu tinotamburira kuwana pfuma yokumudzimu. (Mat. 6:19-21) Dai taizoedza kugadziridza mafungiro edu kuti awirirane nemaonero anoita nyika nguva yemberi, taizombofa takaita zvinangwa zvedu zvomudzimu here? Zvinhu zvenhando zvaizoguma zvatora mwoyo yedu. Izvi tingazvidzivisa sei?
3 “Pfekai Ishe Jesu Kristu”: Imwe nzira yokuziva nayo kana tiri kuronga ramangwana zvinoenderana noUmambo ndeyokucherechedza matauriro atinoita. Tinongogara tichitaura nezvezvinhu zvokunyama nokufarira zvinhu zvenhando here? Kana tichidaro, tinofanira kuona kana mwoyo yedu isiri kutsauswa pazvinhu zvomudzimu zvinokosha. Tingadaro tichifanira kusimbisa zvikuru ‘kupfeka Ishe Jesu Kristu pane kufanorongera kuchiva kwenyama.’—VaR. 13:14.
4 Vechiduku vanogona ‘kupfeka Kristu’ nokufanoronga nezvezuva ravachapinda mubasa renguva yakazara. Mumwe wechiduku aida kuita upiyona hwenguva dzose akarererwa munzanga umo tsika yakakurumbira yaiva yokuti varume vechiduku vave nemari yakakwana. Saka akanyura mubhizimisi zvokuti akange ongopinda misangano nomuushumiri zvokungoti zvindibve. Paakazongotanga kuvimba nemashoko aJesu anowanika pana Mateu 6:33 ndokusiya basa raaiita rinofinha risina kwaraimusvitsa, akatora basa renguva yakazara. Iye zvino, sokutaura kwaanoita, anoshumira Jehovha nehana yakanaka ‘nepaanogona napo.’
5 Bhaibheri rinoti zvakanaka kurongera ramangwana. (Zvir. 21:5) Tose zvedu ngatiitei saizvozvi tichinyanya kufunga nezvokuda kwaMwari.—VaEf. 5:15-17.