Rudo Runoita Kuti Tiparidze
1 Zvatiri Zvapupu zvaJehovha, tinozivikanwa zvikuru nemhaka yokuva vaparidzi vanoshingaira veshoko roUmambo. (Mat. 24:14) Vanopfuura mamiriyoni matanhatu vari kushingaira pasi pose, uye vatsva vari kuwedzerwa pavanoparidza nesu. Nhamba dzinorongwa zvichibva pakuita basa iri.
2 Chii chinoita kuti tizvipire kuita basa rakakura kudai? Hatimanikidzwi, hatikwezvwi nezvinhu zvokunyama, kana kukudzwa kupfuura vamwe. Pakutanga, vakawanda vedu taitya nokuti taifunga kuti hatikwanisi, uye vanhu vaiwanzoramba. (Mat. 24:9) Vacherechedzi vakawanda havanzwisisi zvinotikurudzira. Panofanira kuva nechikonzero chinoita kuti tirambe tichidaro.
3 Simba Rorudo: Jesu akazivisa murayiro mukuru pamirayiro yose paakataura kuti ti‘nofanira kuda Jehovha nemwoyo wedu wose, mweya, pfungwa, uye simba.’ (Mako 12:30) Tinoda Jehovha zvikuru nemhaka yezvaari—Mutongi Changamire, Musiki wezvinhu zvose, uyo a‘kafanirwa nokugamuchira mbiri, rukudzo, nesimba.’ (Zvak. 4:11) Unhu hwake hunoshamisa hahugoni kuenzaniswa nohumwe.—Eks. 34:6, 7.
4 Kuziva uye kuda Jehovha kunotikurudzira kuita kuti chiedza chedu chivheneke pamberi pevanhu. (Mat. 5:16) Chiedza chedu chinopenya patinomurumbidza pachena, patinotaura nezvemabasa ake anoshamisa, uye patinoparadzira mashoko oUmambo hwake. Kungofanana nengirozi iri pakati pedenga, tine “mashoko akanaka asingaperi kuti [t]izivise semashoko anofadza . . . kumarudzi ose nedzinza nendimi nevanhu.” (Zvak. 14:6) Rudo rwedu ndiro simba rinotsigira basa rokuparidza munyika yose.
5 Nyika inoona kuparidza kwatinoita so“upenzi” husingafaniri kuteererwa. (1 VaK. 1:18) Kuedza kurambidza basa redu kwakasiyana-siyana kwakaitwa. Rudo rwedu rwokuvimbika rwakatisimbisa kuzivisa, sezvakaitwa nevaapostora kuti: “Hatingaregi kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa. . . . Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” (Mab. 4:20; 5:29) Basa rokuparidza rinopfuurira kuwedzera munzvimbo dzose dzepasi pasinei zvapo nokushorwa.
6 Kuda kwatinoita Jehovha kwakaita somoto unopfuta unoita kuti tizivise kwose kwose kunaka kwake. (Jer. 20:9; 1 Pet. 2:9) Ticharamba tichi“zivis[a] mabasa ake pakati pavanhu . . . nokuti akaita zvinhu zvakaisvonaka”!—Isa. 12:4, 5.