Ushumiri Hwedu—Kuratidzirwa Kworudo Rwechokwadi
1 Kupfurikidza noushumiri hwedu tinoratidzira kuteerera kwedu mirayiro mikurusa miviri. (Mat. 22:37-39) Kuda kwedu Jehovha kunotisunda kutaura zvakanaka pamusoro pake. Kuda kwedu vavakidzani vedu kunotisunda kuvakurudzira kutsvaka zivo yokuda kwaMwari nezvinangwa kuitira kuti, kufanana nesu, vagone kusvika pakuda Jehovha ndokuzviita kuti vawane mubayiro woupenyu husingaperi. Nokudaro, ipapoka, kupfurikidza noushumiri hwedu tinokudza zita raJehovha uye tinogoverana tariro yoUmambo inokosha navavakidzani vedu. Hungu ushumiri hwedu kuratidzirwa kworudo rwedu rwechokwadi nokuda kwaMwari navanhu.
2 Rudo rwedu runotisunda kutaura kuna vanhu vamarudzi ose mumarudzi ose amamiriro ezvinhu. (1 VaK. 9:21-23) Kuenzanisira: Ari mundege, mumwe mukuru wechiKristu akagara parutivi pomumwe muprisiti weRoma Katurike. Mukuru wacho akaita kuti muprisiti wacho ataure kupfurikidza nokubvunza mibvunzo yokungwarira mishomanene uye ipapo akanangidzira kurukurirano yacho kuUmambo. Panguva apo muprisiti wacho akadzika mundege, akanga agamuchira maviri amabhuku edu. Mugumisiro wakaisvonaka zvakadini wokuratidzira kwomukuru wacho kuda kwechokwadi muvakidzani wake!
3 Rudo Rwechokwadi Rwunotisunda Kuparidza: Avo vanopinda mubasa roupiyona hwebetsero nohwenguva yakazara zvirokwazvo vari kuratidza kuda kwechokwadi Mwari uye muvakidzani. Mapiyona nguva dzose ari kupa nguva yawo nesimba kuti abetsere vamwe mumudzimu. Chii chinoasunda kuita izvozvi? Mumwe piyona akati: “Ndinoziva kuti rudo chibereko chomudzimu waMwari. Nokudaro pasina irwo, ndingadai ndisitongori muchokwadi, ndisingadudzi kubudirira sapiyona. Rudo rwunoita kuti ndizive vanhu, ndichiziva zvinodikanwa zvavo, uye ndinoonga kuti vanhu vanogamuchira rudo.” Jesu akaratidzira vanhu rudo rwakadaro. Pane imwe nguva apo iye navadzidzi vake vakanga vaneta vaive vachienda kune imwe nzvimbo kundo“zoror[a] zvishoma,” mapoka akavatangira kusvika ikoko. Jesu akaitei? Achi“vanzwira tsitsi,” akaisa parutivi zvinodikanwa zvake zvomunhu oga kuitira kuti a“vadzidzis[e] zvizhinji.”—Marko 6:30-34.
4 Kunyange apo vanhu vanoramba mashoko akanaka atinogovera, tinowana mufaro womukati, tichiziva kuti tichisundwa norudo, taita unani hwedu kuvabetsera kuwana ruponeso. Apo isu tose pakupedzisira tinotongwa naKristu, tichava vanofara zvikuru kuti takaratidzira rudo rwechokwadi kupfurikidza noku‘ita zvizere ushumiri hwedu.’—2 Tim. 4:5.