RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/01 p. 7
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 3/01 p. 7

Zviyeuchidzo zveChirangaridzo

Gore rino Chirangaridzo chichachengetwa musi weSvondo, April 8. Vakuru vanofanira kufunga pamusoro pezvinhu zvinotevera:

◼ Pakuronga nguva yomusangano wacho, ivai nechokwadi chokuti zviratidzo hazvizopfuudzwi kusvikira zuva ranyura.

◼ Munhu wose, kusanganisira mukurukuri, anofanira kuziviswa nezvenguva chaiyo nenzvimbo yachichachengeterwa.

◼ Rudzi chairwo rwechingwa newaini zvinofanira kuwanikwa zvogara zvavapo.—Ona Nharireyomurindi yaFebruary 15, 1985, peji 17.

◼ Ndiro, magirazi, uye tafura yakakodzera nejira repatafura zvinofanira kuunzwa kuhoro zvogara zvaiswa panzvimbo yazvo.

◼ Horo yoUmambo kana kuti imwe nzvimbo yokupindira inofanira kucheneswa zvakakwana nguva isati yakwana.

◼ Varindiri nevafambisi vezviratidzo vanofanira kusarudzwa ndokugara varayiridzwa mabasa avo nenzira yakafanira yokuaita nayo.

◼ Panofanira kurongwa kuti kana pane vakazodzwa vasina kugwinya uye vasingakwanisi kuvapo vazopiwa chingwa newaini.

◼ Kana ungano dzinopfuura imwe dzakarongwa kuti dzishandise Horo yoUmambo imwe chete, ungano dzacho dzinofanira kushandira pamwe zvakanaka kuti vanhu vasazowandisa pachivanze, pamisuo kana pokupaka motokari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe