Purogiramu yoMusangano Webasa
Vhiki Inotanga naMarch 12
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.
15 min: Zvinodiwa zveungano.
20 min: “April—Nguva Yokuti ‘Tishande Nesimba Neyokubishaira.’” (Ndima 1-13) Ichaitiswa nomutariri anotungamirira. Kukurukurirana zvine upenyu nezvezvatinoda kuita muna April. Kurudzira munhu wose ari muungano kuita zvaanokwanisa kuti avavarire kushanda zvakazara muushumiri mwedzi iwowo.
Rwiyo 147 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMarch 19
8 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.
17 min: “Batsira Vamwe Kupinda Misangano.”a Wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 1996, ndima 14-16, inopa mamwezve mazano okuita kuti vadzidzi veBhaibheri vauye kusangano. Ratidza mashandisirwe angaitwa bhurocha rinonzi Anodei (chidzidzo 5, ndima 7) uye bhuku rinonzi Zivo (chitsauko 5, ndima 22) nokukurumidza kukurudzira kupinda misangano. Kuenzanisira izvi, iva nomuenzaniso wakanyatsogadzirirwa womuparidzi anokwanisa ari kukurudzira noushamwari mudzidzi kuti afungisise nezvokuuya kumisangano.
20 min: “April—Nguva Yokuti ‘Tishande Nesimba Neyokubishaira.’” (Ndima 14-30) Ichaitiswa nomutariri webasa. Hurukuro ine zvikamu zvemibvunzo nemhinduro zvakasarudzwa. Munhu wose anofanira kugadzira purogiramu yakanaka yokushanda nepaanogona napo muushumiri muna April. Zivisa purogiramu yose yemisangano yebasa romumunda yakarongerwa mwedzi wacho. Kurudzira vose vanokwanisa kuti vaite upiyona hwebetsero uye kuti vawane fomu kana musangano wapera.
Rwiyo 188 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMarch 26
10 min: Zviziviso zveungano. Tsanangura kuti mukana uchiripo wokuunza fomu rokukumbira kuita upiyona hwebetsero muna April. Kurudzira vose kuti vatevere kuverenga Bhaibheri kweChirangaridzo kwakarongerwa musi waApril 3-8, sezviri mukabhuku kanonzi Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva—2001. Zivisa kuti ndirini pachaitwa Chidzidzo cheNharireyomurindi vhiki yeChirangaridzo. Usakanganwa hurukuro yavose inokosha musi weSvondo, April 1, ine musoro unoti “Ndiani Angaponeswa?” Kurudzira munhu wose kuita ushumiri zuva iroro, kuitira kuti April atange zvakanaka.
20 min: “Tose Ngatikudze Jehovha noMwanakomana Wake.” Hurukuro ine Magwaro anokurudzira inopiwa nomukuru. Kurudzira munhu wose kushanda zvakazara sezvaangagona mubasa rinokosha rakarongerwa April uye kuedza kupfuura zvenguva dzose kukokera vanhu kuChirangaridzo.
15 min: Kugadzirira Mharidzo Dzedu dzeMagazini. Tichagovera Nharireyomurindi neMukai! muna April. Kurukura peji 8, ndima 3 ne10, muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 1996. Simbisa (1) nyaya yokutaura, (2) pfungwa yakakodzera kutaura nezvayo, (3) mubvunzo unoita kuti munhu afarire, (4) rugwaro runofambirana nenguva rungashandiswa zvinobudirira pakugovera magazini imwe neimwe yazvino uno. Edza kushandisa bhurocha rinonzi Anodei kana bhuku rinonzi Zivo kutanga zvidzidzo zveBhaibheri nevanhu vanofarira. Gumisa nomuenzaniso wakanyatsogadzirirwa wemaitirwe azvingaitwa pakushanya kwokutanga.
Rwiyo 207 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naApril 2
9 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuisa mishumo yebasa romumunda yaMarch. Kurukura “Zviyeuchidzo zveChirangaridzo.”
18 min: “Rudo Runoita Kuti Tiparidze.”b Simbisa magwaro ari munyaya yacho. Taura pfungwa dziri mubhuku rinonzi Insight, Volume 2, peji 673, ndima 1. Kumbira muparidzi ave achishingaira kwemakore akawanda kuti arondedzere kuti kuda Mwari kunomukurudzira sei kuramba achiita basa rokuparidza. Kurudzira vaparidzi vose kuita basa rokupupura muna April uye mune mimwe mwedzi yose pashure pacho.
18 min: Shandisa Zvakanaka 2001 Yearbook. Hurukuro nokukurukurirana nevateereri. Ongorora “2000 Grand Totals,” papeji 31. Kurukura “A Letter From the Governing Body,” iri papeji 3-5. Ita kuti vamwe vari muvateereri varondedzere mishumo kana kuti zvakaitika zviri muYearbook itsva zvave zvichinyanya kuvakurudzira uye zvichisimbisa kutenda kwavo. Kurudzira mhuri kuverenga pamwe chete Yearbook yose, sezvinongoitwa nemhuri yeBheteri pasi pose mukati megore. Simbisa mibvunzo iri papeji 255, ingashandiswa kudzokorora zvinodzidzwa. Kumbira mazano emashandisirwe angaitwa Yearbook kubatsira vadzidzi veBhaibheri kunzwisisa zviri nani sangano raJehovha uye ropafadzo yokuva vamwe varo. Kana musina Yearbook, kurukura musoro unoti “Unogona Kurarama Nokuora Mwoyo!” uri muNharireyomurindi yaFebruary 1, 2001, mapeji 20-3.
Rwiyo 47 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.