Tose Ngatikudze Jehovha noMwanakomana Wake
Kunyatsobatsirwa Kungaitwa Vose Vanopinda Chirangaridzo Musi waApril 8
1 Nhasi ndivanaani vanopiwa rukudzo rwakasiyana norwevamwe vose? Ndevaya vane zviito zvinokosheswa zvikuru nenyika. Zvisinei, kakawanda zvavanoita zvinokurumidza kukanganwika. Asi zvakadini nezviito zvinonyatsobatsira vanhu vose? Tichanyatsofungisisa nezvezvikuru zvazvo patichachengeta Kudya kwaShe Kwemanheru zuva ranyura musi waApril 8, 2001.
2 Ndiani anofanira kukudzwa kudarika vamwe vose? Bhaibheri rinopindura kuti: “Makafanirwa, Jehovha, . . . kuti mugamuchire mbiri nokukudzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose.” (Zvak. 4:11) Sezvo ari Musiki, Jehovha ndiye Mutongi Changamire wezvose zvakasikwa. Kufanirwa kwake nokukudzwa hakumbofi kwakaguma!—1 Tim. 1:17.
3 Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari, akaita mabasa anokosha achaunzira vanhu zvikomborero zvisingaperi. Akatevedzera Baba vake zvakakwana. (Joh. 5:19) Kuteerera kwake kwakakwana uye basa rake rokutendeka zvakamuita “akafanirwa nokugamuchira simba nepfuma nouchenjeri nemano nokukudzwa nembiri nokurumbidzwa.” (Zvak. 5:12) Baba vake vakamukudza nokumugadza pachigaro saMambo. (Pis. 2:6-8) Kana tiri isu, tichava nomukana wokukudza Baba noMwanakomana patichachengeta Kudya kwaShe Kwemanheru musi waApril 8, 2001.
4 Zvinosuruvarisa kuti vashomanana munhau yevanhu vakapa Jehovha noMwanakomana wake rukudzo rwakafanira. Pane dzimwe nguva, kunyange vanhu vaMwari vekare, vaIsraeri, vakangoitira Jehovha basawo zvaro. Uku kwaiva kusamuremekedza zvikuru. (Mar. 1:6) Ruremekedzo rwakarurama runoda kuteerera kwokutendeka kunobva parudo uye pakuonga zvose izvo Jehovha noMwanakomana wake vakatiitira. Kuvakudza nokuvaremekedza zvakadaro kunoreva kuti tinotya uye tinoremekedza Mwari, tichibvuma Jehovha naJesu muzvose zvatinoita. Ungano yechiKristu inoedza kudzidzisa nokubatsira vamwe kuita saizvozvo.
5 Nguva Inokosha Yokuratidza Rukudzo: Kuchengeta Chirangaridzo ndiko kuungana kunokosha kupfuura kumwe kwose kunoitwa nevanhu vaJehovha gore roga roga. Munhu wose anoda kushumira nokukudza Jehovha anofanira kuvapo. (Ruka 22:19) Tinotarisira kuti kuwedzera kuZvapupu mamiriyoni 6 zvinoshingaira, vanofarira vachaita kuti nhamba yevachapinda iwedzere kusvika kune vanopfuura mamiriyoni 14. Mukana wakaisvonaka zvakadini wokukudza Baba vedu vokudenga! Nepo Chirangaridzo ichi chichiitirwa Jesu, rukudzo noruremekedzo zvinoratidzwa pane zvaakaita zvinopa mbiri Baba, avo vakamutuma.—Joh. 5:23.
6 Tingaitei kuti titsigire nguva iyi inokosha? Tinogona kuyamura vatsva vachangofarira kuti vanyatsobatsirwa. Vakurudzire kupinda, uye pazvakakodzera, vabatsire nomutsa kusvika ikoko. Tsanangura chinangwa chehurukuro. Ita kuti vazivane nevamwe. Zvavanoona nokunzwa zvingavaita kuti vade kubatana nesu mukukudza Jehovha.
7 Usarerutsa simba repurogiramu yacho. Mumwe mudzidzi wepayunivhesiti akati: “Ndakapinda Sakaramende kakawanda muchechi mangu, asi izvi zvakanyatsosiyana. Ndinoona kuti izvi zvakangoita chaizvoizvo sezvinotaura Bhaibheri, uye ndinofunga kuti mune chokwadi.” Akatanga kupinda misangano nguva dzose uye munguva pfupi yakatevera akabhabhatidzwa.
8 Batsira Vatsva Kufambira Mberi: Cherechedza vatsva vanopinda Chirangaridzo, wovashanyira kusati kwapera nguva yakareba kuti mudzokorore zvinhu zvinokurudzira zvavakadzidza nezvavakaona. Vaudze nezvemimwe misangano, kwavangawedzera zivo yavo yeBhaibheri. Kudzokorora chitsauko 17 chebhuku rinonzi Zivo, pamusoro unoti “Wana Chengeteko Pakati Pavanhu vaMwari,” kuchavaratidza zvinhu zvakawanda zvinogoverwa neungano, zvavanogona kuwana nyore nyore. Ronga kuti vaone vhidhiyo inonzi Our Whole Association of Brothers kuti vagozvionera nemaziso avo pachavo kubatana, mufaro, uye kushingaira kwevanhu vaJehovha!
9 Zvinokosha kuti vanhu vanofarira vadzidze makudzire uye maremekedzere avangaita Jehovha. Tsanangura kuti munyengetero unobva pamwoyo unofadza sei Jehovha uye unoramba uchizorodza mumudzimu. (1 Joh. 5:14) Uchishandisa zvidzidzo 8 kusvika ku12 mubhurocha rinonzi Anodei, tsanangura rudzi rwomufambiro unokudza Jehovha. Nokukurukura zviri mubhurocha rinonzi Zvapupu zvaJehovha, mapeji 30-1, kurudzira vatsva kufunga nezvokuti vanokwanisa kukudza Jehovha nokushanda kwavanoita mubasa rokuparidza.
10 Kuonga chibayiro chaJesu uye ropafadzo yedu yokushanda sevadzidzi kunokudza Baba uye kunounzira vamwe zvikomborero. Jesu akavimbisa kuti: “Kana munhu achizondishumira, Baba vachamukudza.”—Joh. 12:26.