RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/01 p. 8
  • Jehovha Anopa Simba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anopa Simba
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anopa Akaneta Simba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • “Tsvakai Jehovha Nesimba Rake”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Jehovha Achakupa Simba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Jehovha Anopa Simba Kune Akaneta
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 2/01 p. 8

Jehovha Anopa Simba

1 Unofungei nezvomuapostora Pauro? Sezvatinoverenga bhuku raMabasa, tinoyemura kubishaira kwaaiita mubasa raJehovha. Pauro akaita sei zvose zvaakaita? Akati: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka youyo anondipa simba.” (VaF. 4:13) Isuwo tinogona kubatsirwa nesimba rinopiwa naJehovha. Sei? Nokushandisa zvinhu zvitanhatu zvaakatipa kuti tipiwezve simba uye tisimbaradzwe mumudzimu.

2 Shoko raMwari: Sokungodya kwatinofanira kuita zvokudya kuti tirambe tine simba romuviri, tinofanira kudya paShoko raMwari kuti tirambe tiri vapenyu mumudzimu. (Mat. 4:4) Bhaibheri rinopa simba rinotitsigira. Kuti tirambe tichishingaira uye tichifarira chokwadi, tinofanira kubatikana kudzidza zvine chinangwa tiri toga uye kufungisisa, zuva nezuva kana zvichibvira.—Pis. 1:2, 3.

3 Munyengetero: Zvinokosha kuswedera pedyo naJehovha, zvikurukuru munguva dzokushayiwa. Achishandisa mudzimu wake, anopa simba vaya vanomukumbira mumunyengetero. (Ruka 11:13; VaEf. 3:16) Magwaro anotikurudzira ku‘ramba tichinyengetera.’ (VaR. 12:12) Unodaro here?

4 Ungano: Tinowanawo simba uye tinokurudzirwa nemisangano yeungano uye nokushamwaridzana kwakanaka kwatinoita ikoko nehama nehanzvadzi dzedu. (VaH. 10:24, 25) Patinonetseka, dzinotibatsira nokutikurudzira uye dzinotibatsira norudo.—Zvir. 17:17; Mup. 4:10.

5 Ushumiri Hwomumunda: Kuita ushumiri nguva dzose kunotibatsira kuramba takaisa pfungwa paUmambo nezvikomborero zvahwo. Zvatiri nechomukati zvinosimudzirwa patinobatsira vamwe kudzidza nezvaJehovha. (Mab. 20:35) Hatisi tose tinogona kutama kuti tishande kunodiwa vaparidzi zvikuru kana kuti kushanda basa renguva yakazara, asi mune dzimwe nzira tinogona kushanda zvine chinangwa muushumiri.—VaH. 6:10-12.

6 Vatariri vechiKristu: Tinobatsirwa nokukurudzira uye kubatsira kunoitwa nevakuru. Jehovha akavapa basa rokufudza boka raMwari ravanotarisira. (1 Pet. 5:2) Vatariri vanofambira vanovaka ungano dzavanoshanyira, kunyange sezvakaitwa naPauro muzuva rake.—VaR. 1:11, 12.

7 Mienzaniso Yevanhu Vakatendeka: Zvinosimbisa kufunga nezvemienzaniso yakanaka yevashandi pamwe chete vakatendeka, vomunguva yekare uye vemazuva ano. (VaH. 12:1) Kana uchida kupiwazve simba, wadii kuverenga imwe yenyaya dzoupenyu dzinokurudzira dziri mumagazini edu, mushumo unovaka uri muYearbook, kana kuti dzimwe dzenhoroondo dzinonakidza dzenhau dzemazuva ano dzeZvapupu zvaJehovha dziri mubhuku rinonzi Vazivisi?

8 Imwe hama, zvino ine makore ari pakati pema90, yakagamuchira chokwadi ichiri kakomana. Payaiva ichiri muduku, kutenda kwayo kwakaedzwa. Kutanga, vamwe vakanga vachishingaira kusonganirana neungano vakasiya sangano raJehovha. Ipapo kwaiva nebasa repaimba neimba, rayakaona rakaoma. Kunyange zvakadaro, nguva dzose yaivimba naJehovha. Munguva pfupi yakatevera yakanga ichinakidzwa noushumiri. Ko nhasi? Pasinei noutano husina kutsarukana, ichiri nhengo yemhuri yeBheteri yokuBrooklyn, kwairi kushanda senhengo yeDare Rinodzora. Haizvidembi nokuomerera kusangano raJehovha.

9 Imwe hanzvadzi iri nhengo yemhuri yeBheteri muBritain yakabhabhatidzwa payaiva nemakore 13. Yakatanga kupayona nehanzvadzi yayo gore rakatevera racho, uye gore rakazotevera racho, baba vayo vakasungwa nemhaka yokusava nekwavakarerekera muHondo Yenyika II. Yakaramba ichivimba naJehovha nokuda kwesimba, uye yakaramba ichishumira Mwari wechokwadi. Pashure penguva yakati, yakaroorwa neimwe hama yakatendeka, uye vakaramba vachiita kuda kwaJehovha pamwe chete. Vapedza makore 35 vakaroorana, kamwe kamwe murume wayo akafa. Yakawanazve simba kuna Jehovha, uye yakaramba ichishumira Jehovha kusvika nhasi, ichitarira mberi kushumira nokusingaperi senhengo yemhuri yepasi yaJehovha.

10 Jehovha anobatsira uye anopa simba vashumiri vake vakatendeka. “Vanoziya unovapa simba; unoshayiwa simba unomuwedzera simba rake.” Tinogona kuwana simba iri risingaperi nokushandisa zvinhu zvose zvitanhatu zvataurwa pamusoro. Yeuka kuti: “Vanomirira Jehovha vachawana simba idzva. . . . Vachamhanya vasinganeti, vachafamba vasingaziyi.” (Isa. 40:29-31) Pauro aivimba zvakasimba naJehovha kuti amupe simba, uye isuwo tinofanira kudaro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe