Zivisa Zita raJehovha Nezvaakaita
1 “Ongai Jehovha, mudane zita rake; zivisai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu. . . . Mwoyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare kwazvo.” (Pis. 105:1, 3) Munyori wepisarema akanyora mashoko iwayo akazviwanira mufaro mukuru mukuudza vamwe nezvaJehovha ne“zvaakaita.” Zvaakaita zvipi? Pasina mubvunzo zviya zvine chokuita noumambo hwaMwari hune mbiri ne‘mashoko akanaka okuponesa kwake.’—Pis. 96:2, 3; 145:11, 12.
2 Sezvatinosvika mumwaka weChirangaridzo cha2001, tine zvikonzero zvakawanda zvokuti tifarire zvatakaitirwa naJehovha. Zvingadaro sei? Pasina mubvunzo, Kudya kwaShe Kwemanheru ndiko kunochengetwa zvikuru nevaKristu vose vechokwadi. Hapana imwezve nguva inokosha, ine chinangwa, kana kuti yokupedza chimwe chinhu yakaita seiyi. Ndiyo nguva yokuti tose zvedu tiyeuke zvatakaitirwa naJehovha naJesu kugovera nzira yokutiponesa. Hazvishamisi kuti mumwaka weChirangaridzo, tinotarisira kuona kuwedzera kwebasa romumunda, sezvatinozivisa ‘mashoko akanaka okuponesa’!
3 Uchaita Upiyona Hwebetsero Here? April wapfuura 6 593 vakanyoresa semapiyona ebetsero. Gore rino, tingaita March naApril mwedzi inokosha yokuwedzera basa muushumiri here? March une misi yeMigovera mishanu, uye April une misi yeSvondo mishanu. Nokuronga kushanda mazuva akazara pakupera kwevhiki, vaparidzi vakawanda vanoshanda nguva yakazara kunyika vakaona kuti vanokwanisa kuita upiyona hwebetsero. Kuti asvitse maawa 50 anodiwa pamwedzi, piyona webetsero anofanira kuita anenge maawa 12 pavhiki. Nyatsofungisisa purogiramu dzakafungwa nezvadzo dziri mubhokisi riri papeji 4. Imwe yadzo inokodzerana newe here? Kana isingakodzeri, zvichida ungaronga purogiramu yako kuti uite upiyona hwebetsero muna March naApril.
4 Vakuru vanofanira kutanga iye zvino kuita kuti basa rakawedzerwa iri rifarirwe uye ritsigirwe. Gore rapera mune imwe ungano umo vakuru vose nevashumiri vanoshumira vakanyoresa semapiyona ebetsero, vaparidzi 62 kubva mu76 vakapayona muna April! Ungano yakafadzwawo nokuona vaparidzi vakawanda vasina kubhabhatidzwa vachitanga kushuma muna March naApril. Chokwadi, ndiyo nguva yakanakisisa yokuti vana uye vatsva vabvunze vakuru kana vachikwanisa kutanga kuita basa rokupupura repachena.
5 Kuedza Nepose Patinogona Kunounza Zvikomborero: Ungano dzinogadza vavariro chaidzo uye dzinoedza nepose padzinogona napo dzinova nezvikomborero zvakawanda. Dzimwe ungano dzingasimbisa kupedza ndima isingawanzoshandwa, kuisa pfungwa padzimwe nzira dzokupupura, kana kuti kusimbisa kupupura norunhare—nzira inobudirira zvikuru yokutaura nevasiri pamusha uye vanhu vasiri nyore kutaura navo.
6 Utano husina kunaka kana kuti kukwegura zvinofanira kudzivisa munhu kuita basa racho zvikuru sezvaanogona here? Hazvifaniri kudaro nguva dzose. Somuenzaniso, imwe hanzvadzi ine makore 86 ine kenza yakaita upiyona hwebetsero muna April pasinei nokuzvimba kwemakumbo ayo. Kupupura norunhare kwakaigonesa kushanda zvakazara mubasa, ichiwedzera kurumbidza kwainoita Jehovha. Izvi zvakaikurudzira uyewo ungano.
7 Nyatsogadzirira Chirangaridzo: Gore rino Chirangaridzo chiriko musi waApril 8. Sezvo iri Svondo, zvinofanira kuita kuti vakawanda vapinde. Tingava nevanopinda vakawanda zvikuru kupfuura nguva dzose kana tikaita zvatinofanira kuita (1) nokupinda isu pachedu uye (2) nokukoka vamwe kuti vave nesu paChirangaridzo. Ndiani watinofanira kukoka?
8 Tarira mazita evaya vakaratidza kufarira chokwadi muzvinyorwa zvako zvebasa romumunda, kunyange zvazvo usingagari uchivashanyira Vhiki mbiri kana nhatu Chirangaridzo chisati chasvika, vavarira kushanyira vose ivava nesiripi yokukokera Chirangaridzo. Kana uchikwanisa, tsvakira vaya vangada kupinda chokufambisa.
9 Mudzimwe ungano, masiripi okukokera Chirangaridzo akadhindwa haasi kushandiswa ose. Vanyori veungano vanofanira kuva nechokwadi chokuti masiripi okukokera awanikwa nenguva yakanaka kuti ose aparadzirwe. Ungada kutaipa kana kunyora zvakatsvinda nguva nenzvimbo yeChirangaridzo nechokunoperera siripi yacho. Kana kuti ungabatanidza hendibhiri rinoratidza kero yeHoro yoUmambo kana Chirangaridzo chenyu chichiitirwa ikoko. Sechiyeuchidzo, kakawanda kacho masiripi okukokera Chirangaridzo anofanira kupiwa kuna saimba pachake.
10 Yeuka Vasingachaiti Basa: Zvinofadza kana mudzidzi weBhaibheri akazvitsaurira kuna Jehovha uye oratidza izvi nokunyudzwa mumvura. Zvisinei, gore roga roga vamwe vari pakati pedu vanorega kusonganirana nesu, uye vanorega kuudza vamwe nezvezita raJehovha nezvaakaita. Zvechokwadi izvi zvinofanira kutinetsa. Kunyange zvazvo vakawanda vasingachaiti basa vasina kusiya chokwadi, vangave vakarega kuparidza nemhaka yokuora mwoyo, zvinetso zvavo, kana kuti kumwe kufunganya kwoupenyu. (Mat. 13:20-22) Vaya vakaneta mumudzimu vanoda kubatsirwa kuti vadzoke muungano vasati vamedzwa negadziriro yaSatani. (1 Pet. 5:8) Mwaka uno weChirangaridzo tinoda kuedza kupfuura zvatinosiita kubatsira vose vanokwanisa vasingachaiti basa kuwanezve mashoko akanaka.
11 Munyori weungano anofanira kutaurira vaitisi vechidzidzo chebhuku nezvevapi nevapi vasingachaiti basa vari muboka ravo. Dare reBasa Reungano richatungamirira pakuronga kushanya kwokufudza kuchaitwa pane vose vasingachaiti basa. Kana zvikasarudzwa kuti munhu wacho achabatsirwa nokudzidziswa Bhaibheri, mutariri webasa acharonga kubatsirwa pashure pokubvunza dzimwe nhengo dzedare rebasa kuti ndiani akanyatsokodzera kuitisa chidzidzo chacho. Kunyange zvazvo kudzidza kwacho kusingafaniri kuitwa kwenguva yakareba, anenge agoverwa kuitisa angashuma nguva, kudzokerazve, uye chidzidzo cheBhaibheri.
12 April apfuura imwe hanzvadzi yaishanda paimba neimba yakagovera magazini mumwe murume wechiduku aiva pamugwagwa. Akataura kuti mudzimai wake aiva Chapupu chisingachaiti basa. Akabvunza kwaiva neHoro yoUmambo uye akakumbira kuti hanzvadzi yacho imushanyire iye nomudzimai wake. Somugumisiro, varoorani vacho vakapinda musangano waitevera uye vakabvuma kudzidza Bhaibheri.
13 Gadzirira Basa Rakawedzerwa! Munyori wepisarema uyo akazivisa kuti tinofanira kuzivisa zita raJehovha nezvaakaita akatizve: “Muimbirei, mumuimbire nziyo dzokukudza; rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa. Zvirumbidzei muzita rake dzvene.” (Pis. 105:2, 3) Ngatiratidzei kuti tine hanya nezita guru raJehovha uye “mabasa ake . . . anoshamisa” nokuwedzera basa redu muushumiri, tichiita kuti mwaka uyu weChirangaridzo uve mukuru kupfuura zvaunosiita!
[Bhokisi riri papeji 4]
Nzira Dzakasiyana-siyana Dzokuronga Maawa 12 Pavhiki Pakuita Upiyona Hwebetsero
Zuva Maawa
Muvhuro 1 2 − −
Chipiri 1 − 3 −
Chitatu 1 2 − 5
China 1 − 3 −
Chishanu 1 2 − −
Mugovera 5 4 3 5
Svondo 2 2 3 2
Ose: 12 12 12 12
Imwe yepurogiramu idzi ichashanda kwauri here? Kana isingashandi, wadii kugadzira purogiramu yako?