RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/01 pp. 4-5
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 5/01 pp. 4-5

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna May: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Kunenge kwawanikwa kufarira pakushanyazve, goverai bhuku rinonzi Zivo kana kuti bhurocha rinonzi Anodei, nepfungwa yokutanga zvidzidzo zveBhaibheri. June: Mwari Anodei Kwatiri? kana kuti Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Isai pfungwa dzose pakutanga zvidzidzo zveBhaibheri. July: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringashandiswa; Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza?, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari Richagara Nokusingaperi.

◼ Kutanga nevhiki yaJuly 30, 2001, tichadzidza bhuku rinonzi Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I paChidzidzo Chebhuku Cheungano.

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu anosarudzwa naye anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi waJune 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Kana izvi zvaitwa, zivisai ungano kana mushumo weakaunzi unotevera waverengwa.

◼ Nguva nenguva apo zvirongwa zvenzendo dzako woga zvinobatanidza kupinda misangano, gungano redunhu, kana kuti kokorodzano yoruwa mune imwe nyika, unofanira kutumira tsamba yokukumbira mashoko pamusoro pemazuva, nguva, nenzvimbo kuhofisi yebazi inotarisira basa munyika iyoyo. Kero dzehofisi dzemapazi dzakarongwa papeji yokupedzisira yeYearbook yegore rino.

◼ Takapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu mwedzi wapera nevanhu vanofarira vakawanda. Gore rakapera vanopfuura nhamba yevaparidzi yakapetwa kaviri vakapinda uyu musangano unokosha munyika ino. Tine zvimwe zvatingaita here kubatsira vanhu vanofarira ava? Tingada kukurudzira muparidzi wose akakoka mumwe munhu akauya kumusangano uyu kuti adzokerezve aine pfungwa yokutanga chidzidzo cheBhaibheri chepamusha naye. Mutariri webasa anofanira kufadzwa nokuona kuti izvi zvaitwa.

◼ Muchafara kuziva kuti kubvira muna June 2000 kusvika pakupera kwaFebruary 2001, Horo dzoUmambo itsva 28 dzakatsaurirwa. Gumi dzakatsaurirwa muna December moga.

◼ Munyori: Kana muparidzi akatama muungano yenyu achienda kune imwe, zvinokosha KUKURUMIDZA kutumira tsamba yokumuzivisa uye makadhi ose aripo eChinyorwa Chomuparidzi Cheungano (S-21) kuungano itsva. Munyori weungano itsva yacho anofanira kukurumidza kukumbira zvinyorwa izvi kuungano yaaimbova. Kana munyori weungano yaaimbova achitova nekero yeungano yatamira muparidzi wacho, haafaniri kumirira kuti imwe ungano yacho inyore, asi anogona kutumira zvinyorwa zvacho pakarepo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe