RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/00 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 12/00 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna December: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi neShanduro yeNyika Itsva. January: Bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakabudiswa 1986 asati asvika iro ungano ingava naro. Ungano dzine bhuku rinonzi Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu dzingarigoverawo. February: Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, kana kuti bhuku ripi neripi rakare rine mapeji 192 iro ungano inaro. March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Tichaedza kupfuura zvatinosimboita kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvapamusha.

◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha mabhaundi vhoriyamu eNharireyomurindi neMukai! a2000 neodha dzadzo dzamabhuku aDecember. Mabhaundi vhoriyamu acho achawanikwa muchiRungu. Mabhaundi vhoriyamu aya achaoneka papepa remabhuku atumirwa reungano akanzi “Zvakamirirwa,” kusvikira ava kuwanikwa uye atumirwa. Mabhaundi vhoriyamu zvinhu zveodha chaiyo.

◼ Kana ungano yenyu isati yaodha makadhi eAdvance Medical Directive/Release uye maIdentity Card, iwaya anofanira kuodwa nokukurumidza.

◼ Vashumiri vanoshumira navakuru vose vasina kuroora vanoda kuenda kuChikoro Chokurovedza Vashumiri vanofanira kupinda musangano unoitwa nomutariri woruwa pagungano redunhu pachatsanangurwa zvinoita kuti munhu akwanise.

◼ Mukuru kana kuti mushumiri anoshumira paanotamira kune imwe ungano uye dare ravakuru ragara riripo parinomurumbidza kupfuurira seakadaro, rinofanira kuva nechokwadi chokuti zita rake rokutanga nerechipiri zvanyorwa zvakazara. MUSASHANDISA MABHII OKUTANGA AMAZITA. Izvi zvinoshandawo kudare ravakuru idzva parinonyorera Sosaiti richirumbidza kugadzwa kwake. Tsamba dzose dzakadaro dzinofanira KUSAINWA NEDARE REBASA kwete nomunyori oga.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe