Chikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari Cha2001
1 Pane zvikonzero zvaMagwaro zvakawanda nei tose zvedu tichifanira kubatanidzwa muChikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari zvakazara sezvatinogona.—Zvir. 15:23; Mat. 28:19, 20; Mab. 15:32; 1 Tim. 4:12, 13; 2 Tim. 2:2; 1 Pet. 3:15.
2 Purogiramu yokuverenga Bhaibheri vhiki nevhiki yave iri chinhu chenguva refu chechikoro. Inoreva kuverenga inenge peji imwe yeBhaibheri zuva roga roga. Kutanga gore rino, kuverenga Bhaibheri kwakaiswawo pavhiki imwe neimwe yokudzokorora tichinyora. Purogiramu yokuverenga Bhaibheri yakawedzerwa, yakanga yakarongwa makore matatu akapfuura, yakapedzwa. Asi kana uchida kuverenga Bhaibheri kupfuura zvakarongwa, unogona kugadzira purogiramu yako pachako yokuverenga.
3 Hurukuro Nha. 2 inorovedza hama “kuravira vanhu vose” Shoko raMwari. (1 Tim. 4:13) Paunenge une hurukuro yokuverenga, dzidzira wadzidzirazve zvinonzwika. Ungashandisa makaseti eSosaiti eBhaibheri kuvandudza kududza kwaunoita, kusiyaniswa kweinzwi, uye zvimwe zvinhu zvine chokuita nokuverenga kwakanaka.
4 Hurukuro Nha. 3 neNha. 4 dzinobva mubhuku rinonzi Kurangarira, rakagadzirirwa kushandisa muushumiri hwomumunda. Kana mashoko akapiwa akawanda kupfuura aungataura munguva yakagoverwa, sarudza achanyanya kushanda mundima yeungano yako chete. Marongero api naapi akakodzera ndima yako angashandiswa.
5 Edza zvose zvakanaka zvaunogona kuita kuti uite hurukuro dzako dzose muchikoro. Iva nenguva yokunyatsogadzirira, uye taura zvinobva pamwoyo. Uchakurudzira ungano, uye uchabatsirwa pachako nokubatanidzwa nomwoyo wose muChikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari muna 2001.