Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna October: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Kunenge kwawanikwa kufarira pakudzokerazve, kuzvinyoresa kungagoverwa. Kutanga musi waOctober 16, Mashoko oUmambo Nha. 36, richagoverwa. November: Kugoverwa kwaMashoko oUmambo Nha. 36 kuchapfuurira. Ungano dzinopedza ndima dzadzo nokukurukura navagari vapamusha vamwe nevamwe nekopi yeMashoko oUmambo Nha. 36 dzingagovera bhurocha rinonzi Anodei kana kuti bhuku rinonzi Zivo. December: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi neShanduro Yenyika Itsva. January: Bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakabudiswa 1986 asati asvika iro ungano ingava naro. Ungano dzine bhuku rinonzi Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu dzingarigoverawo.
◼ Wedzero iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo huno i“Purogiramu yeChikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari ya2001” uye inofanira kuchengetwa kuti ishandiswe muna 2001 mose.
◼ Kana nguva yemisangano yeungano yenyu ichizochinja musi waJanuary 1, munyori weungano anofanira kuzivisa Sosaiti nezvokuchinja kwacho nokutumira fomu rinonzi Mashoko Emisangano Yeungano (S-5). Odha itsva yamahendibhiri ingaodwa pafomu iroro, kana achidiwa. Mahendibhiri anofanira kuodwa kuchine vhiki dzinopfuura sere musati mava kuda kuagamuchira.
◼ Kutanga nevhiki yaFebruary 5, 2001, bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri richadzidzwa paChidzidzo Chebhuku Cheungano. Ungano dzinoda mabhuku aya dzinofanira kuaodha paodha yadzo yamabhuku yomwedzi nomwedzi inotevera.
◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva—2001 paodha dzadzo dzamabhuku dzaOctober. Tubhuku twacho tuchawanikwa muchiRungu, chiShona, Venda, Xhosa, neZulu. Tubhuku utwu tuchaoneka papepa remabhuku atumirwa reungano twakanzi “Zvakamirirwa,” kusvikira twava kuwanikwa uye twatumirwa. Tubhuku tunonzi Kunzvera Magwaro zvinhu zveodha chaiyo uye tunofanira kuodwa chete kana pane munhu atuodha zvakananga. Mutarisiri wamabhuku haafaniri kungozvifungira kuodhera ungano twakawanda. Anongofanira kuodha tunenge tuchidiwa nomuparidzi mumwe nomumwe. Naizvozvo chinyorwa chakanyatsonaka cheodha dzavaparidzi chinofanira kuchengetwa. (Ona Mirayiridzo Yokuodha Mabhuku eWatch Tower Chikamu 3 Peji 1.) NHENGO DZOSE DZEMHURI, KUSANGANISIRA VANA VANOGONA KUVERENGA, DZINOKURUDZIRWA KUVA NEKOPI YADZO PACHADZO YEKABHUKU AKA.
◼ Ungano dzinofanirawo kutanga kuodha 2001 Karenda yeZvapupu zvaJehovha paodha dzadzo dzamabhuku dzaOctober. Makarenda achava muChichewa, chiRungu, chiShona, Xhosa, neZulu. Ichi chinhu cheodha chaiyo.
◼ Rugwaro rwegore rwa2001 zvino rwungaodwa neungano. Rwevinyl ruchaita $150 rumwe uye rwebhodhi ruchaita $40 rumwe. Mutengo uyu uchava pasitatimendi yeungano yomwedzi nomwedzi. Pakutumira mari yechinhu ichi neFomu Rokutumira Mari Yemipiro (S(d)-20), tapota ratidzai mari yoRugwaro rwegore pane mumwe mutsetse. Rugwaro rwegore rwa2001 rwuchawanikwa muChichewa, Chitonga, chiRungu, chiShona, chiTsonga, Xhosa, neZulu. Ungano dzose dzinofanira kuturika Rugwaro rwegore idzva panosvika January 1, 2001. Mungaodha Rugwaro rwegore rumwe bedzi pamutauro.
◼ Dzimwe ungano dzakabvunza kana zvakakodzera kana kuti zvisina kuratidza imwe yemavhidhiyo eSosaiti panzvimbo pehurukuro yavose. Makaseti evhidhiyo haana kugadzirirwa kuratidzwa pamisangano yavose uye naizvozvo haafaniri kushandiswa kutsiva hurukuro yavose.
◼ PaChirangaridzo, hapana chikonzero chokuridza nziyo panenge pachifambiswa zviratidzo. Mukurukuri nevaya vari kuita gadziriro dzacho vanofanira kutevedzera mirayiridzo yakapiwa mupepa rehurukuro yeChirangaridzo vorega kuedza kutanga zvinhu zvitsva kana kuti pfungwa dzavo.
◼ Sosaiti haisati yagamuchira fomu roKuverengwa Kwemabhuku (S-18) uye Mushumo Wekuongorora Mamiriro eUngano (S-10) kubva kune dzimwe ungano. Vatariri veungano vanofanira kukurukura nomunyori kuti vaone kana mafomu aya ose akazadzwa zvakarurama ndokudzorerwa kuSosaiti.
◼ Musi waOctober 14 Mhuri yeBheteri inenge ichiita kuchenesa kwayo kunoitwa muchirimo gore negore. Madhipatimendi ose achange akavharwa musi iwoyo kunze kwenzvimbo inosvikira vanhu chete. Mashoko anosiyiwa panosvikira vanhu angazotarisirwa musi woMuvhuro, October 16. Kunze kwokuti zviri zvokukurumidzira, tapota musaridzira runhare kumahofisi edu kuti mubatsirwe musi waOctober 14.
◼ Makaseti Matsva Aripo:
Kuimba Nziyo dzoUmambo - No. 1—chiTsonga
Kuimba Nziyo dzoUmambo - No. 2—chiTsonga