RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/00 p. 2
  • Purogiramu yoMusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu yoMusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naOctober 9
  • Vhiki Inotanga naOctober 16
  • Vhiki Inotanga naOctober 23
  • Vhiki Inotanga naOctober 30
  • Vhiki Inotanga naNovember 6
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 10/00 p. 2

Purogiramu yoMusangano Webasa

Vhiki Inotanga naOctober 9

Rwiyo 11

8 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.

12 min: “Teerera Mabasa Anoshamisa aMwari.” Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro. Ratidza mifananidzo mishomanana iri mubhuku idzva inovaka kuonga uprofita hwaIsaya.

25 min: “Mireniyumu Itsva—Nguva Yemberi Yakakuchengeterei?” Kukurukura zvine upenyu kunoitwa nomutariri webasa. Waverenga chiziviso chiri mutsamba yeSosaiti yomusi waJuly 3, 2000 yakanyorerwa vakuru, ipa munhu mumwe nomumwe aripo kopi imwe yeMashoko oUmambo Nha. 36. Zvadaro pfuurira nokukurukura nyaya yacho nemibvunzo nemhinduro. Zivisa gadziriro dzeungano yenyu dzokupedza ndima zvakakwana. Funga kuti vatsva navana vangabatsirwa sei kuti vakwanise kuva vaparidzi vasina kubhabhatidzwa. Enzanisira mharidzo pfupi. Simbisa kudiwa kwokuti munhu wose ashande zvakazara mubasa iri.

Rwiyo 53 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naOctober 16

Rwiyo 104

10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Yeuchidza vaparidzi kuti mubasa repakupera kwevhiki magazini eNharireyomurindi neMukai! anofanira kugoverwa pamwe chete neMashoko oUmambo Nha. 36.

15 min: “Zvokushandisa Zvinodzidzisa, Zvinokurudzira, uye Zvinosimbisa.” (Ndima yokutanga neyechipiri chete.) Hurukuro. Dzokorora zvishoma nhau yokupinda kwakaita Sosaiti mukubudiswa kwamavhidhiyo. (Ona bhuku rinonzi Vazivisi, mapeji 600-601.) Kurudzira munhu wose kuona vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind The Name kugadzirira hurukuro yepaMusangano Webasa wevhiki yaOctober 30. Vaya vane vhidhiyo yacho vangaipawo vamwe vasina, kana kuti zvimwe vangaiona pamwe chete.

20 min: Tose Zvedu Tinogona Kuratidza Kufarira Upiyona. Kukurukurirana kunoitwa nomuitisi wechidzidzo chebhuku nomubatsiri wake, kunobva muNharireyomurindi yaOctober 15, 1997, mapeji 22-3. Kurukurai kuti nei zvingava zvakanaka kuva namapiyona akawanda muungano uye kuti vose vangabatsira sei kuti vavariro iyi ibudirire. Kurukuraiwo nzira dzokukurudzira vaya vari kutopayona kuti vapfuurire uye kuti vose vari muungano vangashingairira sei ushumiri.

Rwiyo 131 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naOctober 23

Rwiyo 150

10 min: Zviziviso zveungano.

15 min: Zvinodiwa zveungano.

20 min: Nyatsogadzirira Misangano. Hurukuro nokukurukurirana navateereri. Kubatsirwa kwatinoitwa nemisangano kunotsamira zvikuru pakuti tinoedza zvakadini kugadzirira. Dzokorora mazano anoshanda ari muNharireyomurindi yaMarch 1, 1998, mapeji 15-16, ndima 8-11. Kumbira vateereri kuti vataure vachiratidza matangire avanozviita ndokuwana nguva inodiwa yokunyatsogadzirira.

Rwiyo 211 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naOctober 30

Rwiyo 167

8 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuisa mishumo yebasa romumunda yaOctober.

12 min: Zvakaitika Zvokugovera Mashoko oUmambo Nha. 36. Kumbira vaparidzi vakasiyana-siyana kuti varondedzere migumisiro inokurudzira yavava nayo kusvika panguva ino mukuparadzira Mashoko oUmambo Nha. 36. Kumbira mapiyona enguva dzose neebetsero kuti ataure kuonga kwaanoita kushanda kwakawedzerwa kwakaitwa munguva yebasa iri nomukana waanawo wokushanda navaparidzi vakawanda vakasiyana-siyana.

25 min: Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name. Kukurukurirana navateereri. Kurukura mibvunzo iri mundima 3 yenyaya inoti “Zvokushandisa Zvinodzidzisa, Zvinokurudzira, uye Zvinosimbisa.” Ipa mazano emashandisirwe angaitwa vhidhiyo yacho kuti ibatsire vanofarira kuziva sangano redu zviri nani. Batanidza chakaitika chimwe kana kuti zviviri zvipfupi.—Ona Nharireyomurindi yaOctober 1, 1992, peji 30-1.

Rwiyo 15 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naNovember 6

Rwiyo 198

15 min: Zviziviso zveungano. Kurukura kufambira mberi kwaita kuparadzirwa kweMashoko oUmambo Nha. 36. Taura kuti indima yakakura sei yashandwa kusvika panguva ino uye kuti chii chichadikanwa kuipedza zvakakwana panosvika November 17.

20 min: Tinodavirei? Imwe hama inodzokerazve kune munhu akabvunza kuti, “Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisei zvinoita kuti zvisiyane nezvimwe zvitendero?” Kurukura pfungwa dziri mubhokisi riri papeji 6 muNharireyomurindi yaOctober 1, 1998. Tsanangura kuti zvimwe zvitendero zvinorega kana kuti zvinoramba sei chokwadi ichi cheBhaibheri chinokosha zvichida dzidziso dzavanhu.

10 min: Kuimba—Chimwe Chezvinhu Zvinokosha Mukunamata Kwatinoita. Muitisi wechidzidzo chebhuku anokurukura navaparidzi vaviri nezvokuimba kwavanoita pamisangano yeungano. Acherechedza kuti kuimba kwavanoita kunoita sokusina simba. Anokurukura navo dzimwe pfungwa dziri muNharireyomurindi yaFebruary 1, 1997, mapeji 27-8. Vanoongorora mashoko orumwe rwenziyo dzichaimbwa paChidzidzo cheNharireyomurindi chevhiki ino, sezvinotaurwa muNharireyomurindi yaJuly 1, 1999, peji 20, ndima 12. Nokukoshesa kuimba, tinorumbidza Jehovha nomwoyo wose.

Rwiyo 223 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe