Purogiramu Yechikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari ya2001
Mirayiridzo
Muna 2001 zvinotevera ndizvo zvakarongwa pakuitisa Chikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari.
MUNOBVA HURUKURO: Kutoti zvaratidzwa neimwe nzira, mashoko akatorwa muMagwaro echiHebheru anoratidza ndima dziri muBhaibheri muNdimi yeUnion Shona [bi53-CA], Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki [bi7-CA], Nharireyomurindi [w-CA], “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera” [si-CA], uye Kurangarira muMagwaro [rs-CA].
Chikoro chinofanira kutanga PANGUVA norwiyo, munyengetero, uye mashoko mashoma okugamuchira. Hapana chikonzero chokufanotaura zviri papurogiramu. Sezvo mutariri wechikoro anosuma hurukuro imwe neimwe, achataura nhau ichakurukurwa. Pfuurirai sezvinotevera:
HURUKURO NHA. 1: Maminiti 15. Iyi inofanira kukurukurwa nomukuru kana kuti mushumiri anoshumira, uye ichabva muNharireyomurindi kana mubhuku rinonzi “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera.” Painobva muNharireyomurindi, hurukuro iyi inofanira kukurukurwa sehurukuro yokurayira yemaminiti 15 isingadzokororwi; painobva mubhuku rinonzi “Rugwaro Rwose,” inofanira kukurukurwa sehurukuro yokurayira yemaminiti 10 kusvika ku12, ichiteverwa nokudzokorora kwemaminiti 3 kusvika ku5, uchishandisa mibvunzo yakadhindwa iri mubhuku racho. Chinangwa chacho hachifaniri kuva chokungopedza mashoko acho asi kusimbisa kushanda kunoita mashoko ari kukurukurwa, uchisimbisa zvichava zvinobatsira zvikuru kuungano. Musoro wakaratidzwa unofanira kushandiswa.
Hama dzinopiwa hurukuro iyi dzinofanira kungwarira kuchengeta nguva. Zano repachivande ringapiwa kana zvakafanira kana kuti kana rakumbirwa nomukurukuri.
PFUNGWA HURU DZINOBVA MUKUVERENGA BHAIBHERI: Maminiti 6. Idzi dzinofanira kukurukurwa nomukuru kana kuti mushumiri anoshumira achashandisa mashoko acho zvinobudirira kuzvinodiwa zveungano. Hapana musoro unodiwa. Iyi haifaniri kuva pfupiso chete yamashoko anofanira kuverengwa. Kudzokorora kwemasekondi 30 kusvika ku60 kwezvitsauko zvinofanira kuverengwa kungabatanidzwa. Zvisinei, chinangwa chikuru ndechokubatsira vateereri kunzwisisa kuti nei uye sei mashoko acho achikosha kwatiri. Ipapo vadzidzi vachaendeswa kumakirasi avo akasiyana-siyana nomutariri wechikoro.
HURUKURO NHA. 2: Maminiti 5. Uku kuverengwa kweBhaibheri kwamashoko akagoverwa kunofanira kuitwa nehama, mudzidzi wacho angava mukirasi huru kana mune yokuwedzera. Hurukuro dzokuverenga dzinowanzova pfupi zvakakwana zvokubvumira vadzidzi kupa mashoko mashomanana okutsanangura mutsinhiro dzokuzarura nedzokugumisa. Zvaiitika pakanyorwa mashoko, zvinoreva uprofita kana kuti dzidziso, uye kushandiswa kwenheyo zvingabatanidzwa. Ndima dzose dzakagoverwa dzinofanira kuverengwa pasina kumira. Chokwadi, ndima dzinofanira kuverengwa padzinenge dzisina kutevedzana dzose, mudzidzi wacho angataura ndima yaachapfuudzira kuverenga.
HURUKURO NHA. 3: Maminiti 5. Iyi ichapiwa hanzvadzi. Zvichakurukurwa muhurukuro iyi zvichabva mubhuku rinonzi Kurangarira muMagwaro. Marongerwo acho angava uchapupu husina kurongwa, kudzokerazve, kana kuti chidzidzo cheBhaibheri chapamusha, uye vakurukuri vangave vakagara kana kuti vakamira. Mutariri wechikoro achanyanyotarisa nzira iyo mudzidzi achakurukura nayo musoro wakagoverwa ndokubatsira saimba kufunga zviri mumagwaro. Mudzidzi anopiwa hurukuro iyi anofanira kugona kuverenga. Mubatsiri mumwe acharongwa nomutariri wechikoro, asi mubatsiri wokuwedzera angashandiswa. Kushandiswa kweBhaibheri zvinobudirira ndiko kunofanira kunyatsofungwa nezvakwo kwete marongero.
HURUKURO NHA. 4: Maminiti 5. Zvichakurukurwa muhukururo iyi zvichabva mubhuku rinonzi Kurangarira muMagwaro. Hama kana kuti hanzvadzi ingapiwa Hurukuro Nha. 4. Painopiwa hama, nguva dzose inofanira kuva hurukuro. Painopiwa hanzvadzi, inofanira kukurukurwa sezvakarongerwa Hurukuro Nha. 3.
PUROGIRAMU YOKUVERENGA BHAIBHERI: Munhu wose ari muungano anokurudzirwa kutevedzera purogiramu yokuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki, kunosvika pakuverenga inenge peji imwe pazuva.
CHERECHEDZA KUTI: Nokuda kwamashoko okuwedzera nomurayiridzo pamusoro pezano, nguva, kudzokorora tichinyora, uye kugadzirira hurukuro, tapota ona peji 3 yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 1996.
PUROGIRAMU
Jan. 1 Kuverenga Bhaibheri: 2 Madzimambo 13-16
Nha. 1: Chiito Chokukanganwira Chinozarura Nzira Yokuponeswa (w99-CA 1/1 map. 30-1)
Nha. 2: 2 Madzimambo 14:1-14
Nha. 3: Kubvisa Pamuviri—Kunorambidzirwei? (rs-CA p. 116 ndima 1-5)
Nha. 4: Kupindura Munhu Anoti: ‘Ndine Kodzero Yokuzvisarudzira Panhau Dzine Chokuita Nomuviri Wangu’ (rs-CA p. 116 ndima 6)
Jan. 8 Kuverenga Bhaibheri: 2 Madzimambo 17-20
Nha. 1: Zano Riri Nyore Kugamuchira (w99-CA 1/15 map. 21-4)
Nha. 2: 2 Madzimambo 18:1-16
Nha. 3: Adhamu naEvha—Vanhu Venhau Chaivo Here? (rs-CA map. 25-6 ndima 5)
Nha. 4: Kupindura Munhu Anoti: ‘Chivi chaAdhamu Chaiva Kuda kwaMwari, Rongedzero yaMwari’ (rs-CA p. 27 ndima 1-2)
Jan. 15 Kuverenga Bhaibheri: 2 Madzimambo 21-25
Nha. 1: 2 Madzimambo—Nei Richibatsira (si-CA p. 74 ndima 33-6)
Nha. 2: 2 Madzimambo 21:1-16
Nha. 3: Nei Kunamata Madzitateguru Kusina Maturo? (rs-CA map. 127-8 ndima 6)
Nha. 4: Nei Kunamata Madzitateguru Kusingafadzi Jehovha Mwari (rs-CA p. 128 ndima 7–p. 129 ndima 4)
Jan. 22 Kuverenga Bhaibheri: 1 Makoronike 1-5
Nha. 1: Sumo ya1 Makoronike (si-CA map. 75-6 ndima 1-7)
Nha. 2: 1 Makoronike 1:1-27
Nha. 3: Ndivanaani Vanopesana naKristu? (rs-CA map. 27-9)
Nha. 4: Kuziva Vakaramba Kutenda (rs-CA map. 172-4 ndima 2)
Jan. 29 Kuverenga Bhaibheri: 1 Makoronike 6-10
Nha. 1: Maratidzirwe Angaitwa Kuzvininipisa Kwechokwadi (w99-CA 2/1 map. 6-7)
Nha. 2: 1 Makoronike 9:1-21
Nha. 3: Tinofanira Kuona Sei Vakaramba Kutenda? (rs-CA p. 174 ndima 3–p. 175 ndima 5)
Nha. 4: Kristu Haana Kuvakira Chechi Pana Petro (rs-CA map. 175-7 ndima 4)
Feb. 5 Kuverenga Bhaibheri: 1 Makoronike 11-16
Nha. 1: Iva Anokurudzira (w99-CA 2/15 map. 26-9)
Nha. 2: 1 Makoronike 11:1-19
Nha. 3: Kiyi Dzakashandiswa naPetro Chii? (rs-CA p. 177 ndima 5–p. 180 ndima 3)
Nha. 4: “Vatsivi vevaApostora” Havasi vaKristu Vechokwadi (rs-CA p. 180 ndima 4–p. 182 ndima 7)
Feb. 12 Kuverenga Bhaibheri: 1 Makoronike 17-23
Nha. 1: Zvisungei Nepfungwa Dzinozvidukupisa (w99-CA 3/1 map. 30-1)
Nha. 2: 1 Makoronike 18:1-17
Nha. 3: Amagedhoni Icharwirwa Kupi? (rs-CA map. 29-31 ndima 3)
Nha. 4: Ndivanaani uye Chii Chichaparadzwa paAmagedhoni? (rs-CA p. 31 ndima 4–p. 32 ndima 2)
Feb. 19 Kuverenga Bhaibheri: 1 Makoronike 24-29
Nha. 1: 1 Makoronike—Nei Richibatsira (si-CA map. 78-9 ndi. 22-5)
Nha. 2: 1 Makoronike 29:1-13
Nha. 3: Ndivanaani Vachapukunyuka Amagedhoni? (rs-CA p. 32 ndima 3-8)
Nha. 4: Amagedhoni—Hakusi Kuputswa Kworudo rwaMwari (rs-CA p. 33 ndima 1-3)
Feb. 26 Kuverenga Bhaibheri: 2 Makoronike 1-5
Nha. 1: Sumo ya2 Makoronike (si-CA map. 79-80 ndima 1-6)
Nha. 2: 2 Makoronike 1:1-17
Nha. 3: Hazviiti Kusava Nokwawakarerekera paAmagedhoni (rs-CA p. 33 ndima 4-7)
Nha. 4: Kupesvedzera Kwaani Kuri Kusundira Marudzi kuAmagedhoni? (rs-CA p. 33 ndima 8–p. 34 ndima 1)
Mar. 5 Kuverenga Bhaibheri: 2 Makoronike 6-9
Nha. 1: Musakurirwa Nokufunganya (w99-CA 3/15 map. 21-3)
Nha. 2: 2 Makoronike 8:1-16
Nha. 3: Kuziva Bhabhironi Romuna Zvakazarurwa (rs-CA p. 34 ndima 2-3)
Nha. 4: Bhabhironi Rekare Raiva Nomukurumbira Wei? (rs-CA p. 35 ndima 1–p. 36 ndima 5)
Mar. 12 Kuverenga Bhaibheri: 2 Makoronike 10-15
Nha. 1: Ndiani Anoumba Mafungiro Ako? (w99-CA 4/1 map. 20-2)
Nha. 2: 2 Makoronike 10:1-16
Nha. 3: Nei Zvitendero Zvinozviti ndezvechiKristu Zviri zveBhabhironi Guru (rs-CA p. 37 ndima 1–p. 38 ndima 1)
Nha. 4: Nei Zviri Zvokukurumidzira Kubuda muBhabhironi Guru (rs-CA p. 38 ndima 2-7)
Mar. 19 Kuverenga Bhaibheri: 2 Makoronike 16-20
Nha. 1: Dzivirira Mwoyo Wako Papfungwa Yokunamata Bhaari (w99-CA 4/1 map. 28-31)
Nha. 2: 2 Makoronike 16:1-14
Nha. 3: Chiri Rubhabhatidzo, uye Nei Vatendi Vachibhabhatidzwa (rs-CA p. 305 ndima 1-4)
Nha. 4: Rubhabhatidzo rwechiKristu—Harwusi Rwokusasa, Harwusi Rwavacheche (rs-CA p. 306 ndima 1-6)
Mar. 26 Kuverenga Bhaibheri: 2 Makoronike 21-25
Nha. 1: Usarega Kuratidza Kuonga (w99-CA 4/15 map. 15-17)
Nha. 2: 2 Makoronike 22:1-12
Nha. 3: Rubhabhatidzo Rwomumvura Harwukanganwiri Zvivi (rs-CA p. 306 ndima 7–p. 307 ndima 2)
Nha. 4: Ndiani Anobhabhatidzwa Nomudzimu Mutsvene? (rs-CA p. 307 ndima 3–p. 308 ndima 5)
Apr. 2 Kuverenga Bhaibheri: 2 Makoronike 26-29
Nha. 1: Mwari Anoshandisa Nzira “Dzakakombama” Here? (w99-CA 5/1 map. 28-9)
Nha. 2: 2 Makoronike 28:1-15
Nha. 3: Kubhabhatidzwa Nomoto Kwakasiyana Nokubhabhatidzwa Nomudzimu Mutsvene (rs-CA p. 308 ndima 6–p. 309 ndima 4)
Nha. 4: Zvikonzero Zvokudzidza Bhaibheri (rs-CA map. 39-40 ndi. 5)
Apr. 9 Kuverenga Bhaibheri: 2 Makoronike 30-33
Nha. 1: Vanhu Vangarumbidza Sei Jehovha Mwari? (w99-CA 5/15 map. 21-4)
Nha. 2: 2 Makoronike 33:1-13
Nha. 3: Uchapupu hwaIsaya naJeremia Hwokufuridzirwa kweBhaibheri (rs-CA p. 41 ndima 1–p. 42 ndima 2)
Nha. 4: Kuzadzika kwoUprofita hwaJesu Kunoratidza Kufuridzirwa kweBhaibheri (rs-CA p. 42 ndima 3-4)
Apr. 16 Kuverenga Bhaibheri: 2 Makoronike 34-36
Nha. 1: 2 Makoronike—Nei Richibatsira (si-CA p. 84 ndima 34-6)
Nha. 2: 2 Makoronike 36:1-16
Nha. 3: Bhaibheri Rakarurama Mune Zvesayenzi (rs-CA p. 43 ndima 1–p. 45 ndima 1)
Nha. 4: aKupindura Zvirambidzo Zvine Chokuita neBhaibheri (rs-CA p. 45 ndima 2–p. 48 ndima 4)
Apr. 23 Kuverenga Bhaibheri: Ezra 1-6
Nha. 1: Sumo yaEzra uye Nei Richibatsira (si-CA map. 85-86 ndima 1-7; p. 87 ndima 14-18)
Nha. 2: Ezra 4:1-16
Nha. 3: Nei vaKristu Vasingapembereri Mazuva Okuberekwa? (rs-CA map. 425-27 ndima 2)
Nha. 4: Nei vaKristu Vachirega Ropa? (rs-CA map. 299-301 ndima 1)
Apr. 30 Kudzokorora Tichinyora. Kuverenga Bhaibheri: Ezra 7-10
May 7 Kuverenga Bhaibheri: Nehemia 1-5
Nha. 1: Sumo yaNehemia (si-CA p. 88 ndima 1-5)
Nha. 2: Nehemia 1:1-11
Nha. 3: Nei vaKristu Vasingabvumi Kuisirwa Ropa? (rs-CA p. 301 ndima 2–p. 302 ndima 3)
Nha. 4: bKupindura Kutaura Kunoitwa Pamusoro Pokuisirwa Ropa (rs-CA p. 303-5 ndima 1)
May 14 Kuverenga Bhaibheri: Nehemia 6-9
Nha. 1: Ungano yechiKristu Inopa Yamuro Inosimbisa (w99-CA 5/15 map. 25-8)
Nha. 2: Nehemia 9:1-15
Nha. 3: Kuberekwazve Kunorevei? (rs-CA map. 106-8 ndima 2)
Nha. 4: Kuponeswa Hakubvi Paku“berekwazve” (rs-CA p. 108 ndima 3–p. 109 ndima 2)
May 21 Kuverenga Bhaibheri: Nehemia 10-13
Nha. 1: Nehemia—Nei Richibatsira (si-CA map. 90-1 ndima 16-19)
Nha. 2: Nehemia 12:27-43
Nha. 3: cKupindura Pfungwa Dzine Chokuita Nokuberekwazve (rs-CA p. 109 ndima 4–p. 110 ndima 3)
Nha. 4: Kureurura Kuvapristi—Nei Kusiri kwapaMagwaro? (rs-CA map. 134-5 ndima 4)
May 28 Kuverenga Bhaibheri: Estere 1-4
Nha. 1: Sumo yaEstere (si-CA map. 91-2 ndima 1-6)
Nha. 2: Estere 1:1-15
Nha. 3: Kureurura Zvivi Zvatinoitira Mwari Nevanhu (rs-CA p. 137 ndima 2-8)
Nha. 4: Nei Zvivi Zvakakomba Zvichifanira Kureururwa Kuvakuru? (rs-CA p. 137 ndima 9–p. 138 ndima 4)
June 4 Kuverenga Bhaibheri: Estere 5-10
Nha. 1: Estere—Nei Richibatsira (si-CA p. 94 ndima 16-18)
Nha. 2: Estere 5:1-14
Nha. 3: Nei Zvichinzwisisika Kutenda Zvakasikwa? (rs-CA map. 60-1 ndima 2)
Nha. 4: Kunzwisisa Nhoroondo yeBhaibheri Yokusika (rs-CA p. 62 ndima 1–p. 64 ndima 1)
June 11 Kuverenga Bhaibheri: Jobho 1-7
Nha. 1: Sumo yaJobho (si-CA map. 95-6 ndima 1-6)
Nha. 2: Jobho 1:6-22
Nha. 3: Nei Kunamatwa kwoMuchinjikwa Kusiri kwapaMagwaro? (rs-CA p. 52 ndima 1-7)
Nha. 4: Nei Vanhu Vachifa? (rs-CA map. 327 ndima 3)
June 18 Kuverenga Bhaibheri: Jobho 8-14
Nha. 1: Sauro—Mudziyo Wakasanangurwa naIshe (w99-CA 5/15 map. 29-31)
Nha. 2: Jobho 8:1-22
Nha. 3: Vakafa Vari Kupi, uye Vari Mumamiriroi Ezvinhu? (rs-CA p. 328 ndima 2–p. 330 ndima 1)
Nha. 4: Nei Zvapupu zvaJehovha Zvisingaitiwo Tsika Dzokuchema Dzegamuchidzanwa? (rs-CA p. 331 ndima 1–p. 332 ndima 2)
June 25 Kuverenga Bhaibheri: Jobho 15-21
Nha. 1: Mwari Haanonoki Pamusoro Pezvaakapikira (w99-CA 6/1 map. 4-7)
Nha. 2: Jobho 17:1-16
Nha. 3: dKupindura Pfungwa Dzisina Kururama Pamusoro Porufu (rs-CA p. 332 ndima 3-5)
Nha. 4: Zviroto: Zvakafuridzirwa Kana Zvisina (rs-CA map. 437-8 ndima 7)
July 2 Kuverenga Bhaibheri: Jobho 22-29
Nha. 1: Unofanira Kutarira Mativi ose Here? (w99-CA 6/15 map. 10-13)
Nha. 2: Jobho 27:1-23
Nha. 3: Zvinodhaka—Pazvinorambidzwa vaKristu (rs-CA map. 227-9 ndima 3)
Nha. 4: Nei vaKristu Vasingaputi Mbanje (rs-CA p. 229 ndima 4–p. 230 ndima 3)
July 9 Kuverenga Bhaibheri: Jobho 30-35
Nha. 1: Chikonzero Chokuvimba Nouprofita hweBhaibheri (w99-CA 7/15 map. 4-8)
Nha. 2: Jobho 31:1-22
Nha. 3: Nei vaKristu Vasingaputi Fodya? (rs-CA p. 231 ndima 1–p. 232 ndima 5)
Nha. 4: Kukurira Miitiro Yakaipa—Sei? (rs-CA p. 233 ndima 1-4)
July 16 Kuverenga Bhaibheri: Jobho 36-42
Nha. 1: Jobho—Nei Richibatsira (si-CA p. 100 ndima 39-43)
Nha. 2: Jobho 36:1-22
Nha. 3: Marudzi Haazovhiringidzi Chinangwa chaMwari chaPasi (rs-CA map. 286-7 ndima 6)
Nha. 4: Jehovha Achaparadza Pasi Nomoto Here? (rs-CA p. 288-9 ndima 1)
July 23 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 1-10
Nha. 1: Sumo yaMapisarema—Chikamu Chokutanga (si-CA p. 101 ndima 1-5)
Nha. 2: Pisarema 3:1–4:8
Nha. 3: Nhengo dzeJerusarema Idzva Hadzidzoki Pasi Vakaipa Pavanenge Vaparadzwa (rs-CA map. 289-90 ndima 1)
Nha. 4: Chinangwa Chapakuvamba chaMwari chePasi Chachinja Here? (rs-CA p. 290 ndima 2–p. 291 ndima 2)
July 30 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 11-18
Nha. 1: Sumo yeMapisarema—Chikamu Chechipiri (si-CA p. 102 ndima 6-11)
Nha. 2: Pisarema 11:1–13:6
Nha. 3: Tingakurudzira Sei Vanorwara? (rs-CA map. 138-9 ndima 4)
Nha. 4: Kukurudzira Kwatingaita Vakafirwa (rs-CA p. 139 ndima 5–p. 140 ndima 2)
Aug. 6 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 19-26
Nha. 1: Kukurukurirana Zvakanaka—Chinhu Chinokosha Kuti Mhuri ive Yakanaka (w99-CA 7/15 map. 21-3)
Nha. 2: Pisarema 20:1–21:13
Nha. 3: Kukurudzira Vaya Vakatambudzirwa Kuita Kuda kwaMwari (rs-CA p. 140 ndima 3-8)
Nha. 4: Ungakurudzira Sei Vaya Vakaodzwa Mwoyo Nokusaruramisira? (rs-CA p. 141 ndima 1-4)
Aug. 13 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 27-34
Nha. 1: Firipi—Muevhangeri Aishingaira (w99-CA-CA 7/15 map. 24-5)
Nha. 2: Pisarema 28:1–29:11
Nha. 3: Vaya Vanodzvinyirirwa Nezvinetso Zvemari Vangakurudzirwa Sei? (rs-CA p. 141 ndima 5–p. 142 ndi. 1)
Nha. 4: Kukurudzira Vaya Vakaodzwa Mwoyo Nezvikanganiso (rs-CA p. 142 ndima 2-5)
Aug. 20 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 35-39
Nha. 1: Kuda Kuenzana Nevezera Rako—Kungakubatsira Here? (w99-CA 8/1 map. 22-5)
Nha. 2: Pisarema 38:1-22
Nha. 3: Mhindumupindu—Chinetso Chezvesayenzi (rs-CA map. 215-6 ndima 3)
Nha. 4: Mhindumupindu, Chinyorwa Chezvisaririra, uye Kunzwisisa (rs-CA p. 217 ndima 1–p. 220 ndima 1)
Aug. 27 Kudzokorora Tichinyora. Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 40-47
Sept. 3 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 48-55
Nha. 1: Usarega Kutsamwa Kuchikugumbura (w99-CA 8/15 map. 8-9)
Nha. 2: Pisarema 49:1-20
Nha. 3: eKupindura Zvinotaurwa nevezveMhindumupindu (rs-CA p. 220 ndima 2–p. 222 ndima 2)
Nha. 4: Nei Vanhu Vakawanda Vasina Kutenda? (rs-CA map. 169-70 ndima 1)
Sept. 10 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 56-65
Nha. 1: Dhiyabhorosi Anotirwarisa Here? (w99-CA 9/1 map. 4-7)
Nha. 2: Pisarema 59:1-17
Nha. 3: Munhu Angawana Sei Kutenda? (rs-CA p. 170 ndima 2-5)
Nha. 4: Kutenda Mukutarisira Gadziriro Itsva Yakarurama Kunoratidzwa Namabasa (rs-CA p. 171 ndima 2–p. 172 ndima 1)
Sept. 17 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 66-71
Nha. 1: Sarudza “Mugove Wakanaka” (w99-CA 9/1 map. 30-1)
Nha. 2: Pisarema 69:1-19
Nha. 3: Vaprofita Venhema Vangazivikanwa Sei? (rs-CA map. 415-7 ndima 1)
Nha. 4: Vaprofita Vechokwadi Vakanga Vasinganzwisisi Nguva Dzose Kuti Zvinhu Zvakafanotaurwa Zvaizoitika Sei uye Rini (rs-CA p. 417 ndima 2-7)
Sept. 24 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 72-77
Nha. 1: Nei Uchifanira Kuita Zvaunovimbisa? (w99-CA 9/15 map. 8-11)
Nha. 2: Pisarema 73:1-24
Nha. 3: Zvinotaura Muprofita Wechokwadi Zvinosimudzira Kunamata Kwechokwadi (rs-CA p. 417 ndi. 8–p. 418 ndi. 1)
Nha. 4: Vaprofita Vechokwadi Vanozivikanwa Nezvibereko Zvavo (rs-CA p. 418 ndima 2–p. 419 ndima 4)
Oct. 1 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 78-81
Nha. 1: Wana Uchenjeri, uye Bvuma Chirango (w99-CA 9/15 map. 12-15)
Nha. 2: Pisarema 78:1-22
Nha. 3: Kupindura Vaya Vanotiti Tiri Vaprofita Venhema (rs-CA p. 420 ndima 1-3)
Nha. 4: Mwari Haafanotemi Kuti Munhu Wose Achafa Rini (rs-CA map. 161-2 ndima 1)
Oct. 8 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 82-89
Nha. 1: Timoti—“Mwana Chaiye Mukutenda” (w99-CA 9/15 map. 29-31)
Nha. 2: Pisarema 88:1-18
Nha. 3: Hachisi Chinhu Chose Chinoitika Chiri Kuda kwaMwari (rs-CA p. 162 ndima 2–p. 163 ndima 6)
Nha. 4: Mwari Haafanoziva uye Haafanogadza Zvinhu Zvose (rs-CA p. 163 ndima 7–p. 164 ndima 2)
Oct. 15 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 90-98
Nha. 1: Kusimbiswa Kuti Urambe Kuita Zvakaipa (w99-CA 10/1 map. 28-31)
Nha. 2: Pisarema 90:1-17
Nha. 3: Mano aMwari Okufanoziva uye Kufanogadza Zviitiko (rs-CA p. 164 ndima 3–p. 165 ndima 2)
Nha. 4: Nei Mwari Asina Kushandisira Kufanoziva Kwake Kuna Adhamu (rs-CA p. 165 ndima 3-5)
Oct. 22 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 99-105
Nha. 1: Kudzidza Nzira Isingakundikani Yorudo (w99-CA 10/15 map. 8-11)
Nha. 2: Pisarema 103:1-22
Nha. 3: Mwari Haana Kutemera Mugumo Jakobho, Esau, kana kuti Judhasi (rs-CA p. 166 ndima 1-3)
Nha. 4: Ungano yechiKristu Yakatemerwa Mugumo Munzirai? (rs-CA p. 167 ndima 1-2)
Oct. 29 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 106-109
Nha. 1: “Jehovha Ndiye Anopa Uchenjeri” (w99-CA 11/15 map. 24-7)
Nha. 2: Pisarema 107:1-19
Nha. 3: Magwaro Anoti Chii Nezvounyanzvi Hwokuongorora Nyeredzi? (rs-CA p. 168 ndima 1-5)
Nha. 4: Ndezvipi Zvimwe Zvikonzero Zvakanaka Zvokudavira Muna Mwari? (rs-CA map. 259-60 ndima 6)
Nov. 5 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 110-118
Nha. 1: Apocalypse—Inofanira Kutyiwa Here Kana Kuti Kutarisirwa? (w99-CA 12/1 map. 5-8)
Nha. 2: Pisarema 112:1–113:9
Nha. 3: Uipi Nokutambura Hazviratidzi Kuti Mwari Haapo (rs-CA p. 260 ndima 7–p. 261 ndima 1)
Nha. 4: Mwari Munhu Chaiyeiye Anokwanisa Kunzwa (rs-CA p. 261 ndima 2–p. 262 ndima 4)
Nov. 12 Kuverenga Bhaibheri: Pisarema 119
Nha. 1: Mano Ako Ngaarege Kukukanganisa (w99-CA 12/1 map. 26-9)
Nha. 2: Pisarema 119:1-24
Nha. 3: Mwari Haana Kuva Namavambo (rs-CA p. 262 ndima 5-8)
Nha. 4: Kushandisa Zita raMwari Kunokosha Kuti Uponeswe (rs-CA p. 263 ndima 1-4)
Nov. 19 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 120-137
Nha. 1: Mapisarema—Nei Achibatsira—Chikamu Chokutanga (si-CA map. 105 ndima 23-7)
Nha. 2: Pisarema 120:1–122:9
Nha. 3: Zvitendero Zvose Zvakanaka Here? (rs-CA p. 263 ndima 3–p. 264 ndima- 1)
Nha. 4: Jesu ndi“Mwari” Worudzii? (rs-CA p. 264 ndima 2-3)
Nov. 26 Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 138-150
Nha. 1: Mapisarema—Nei Achibatsira—Chikamu Chechipiri (si-CA map. 105-6 ndima 28-32)
Nha. 2: Pisarema 139:1-24
Nha. 3: fKupindura Zvirambidzo Pamusoro Pokudavira Muna Mwari (rs-CA p. 264 ndima 3–p. 265 ndima 3)
Nha. 4: Nei Vanhu Vave Vasingakwanisi Kugadza Hurumende Yakarurama (rs-CA map. 83-4 ndima 3)
Dec. 3 Kuverenga Bhaibheri: Zvirevo 1-7
Nha. 1: Sumo yaZvirevo—Chikamu Chokutanga (si-CA map. 106-7 ndima 1-5)
Nha. 2: Zvirevo 4:1-27
Nha. 3: Nei Kuedza Kwevanhu Kuunza Rusununguko Kusingagoni Kubudirira (rs-CA p. 84 ndima 4–p. 85 ndima 4)
Nha. 4: Umambo hwaMwari Mhinduro Bedzi Yezvinodiwa Chaizvo Zvavanhu (rs-CA p. 85 ndima 5–p. 86 ndima 2)
Dec. 10 Kuverenga Bhaibheri: Zvirevo 8-13
Nha. 1: Sumo yaZvirevo—Chikamu Chechipiri (si-CA map. 107-8 ndima 6-11)
Nha. 2: Zvirevo 13:1-25
Nha. 3: Zviprofita zveBhaibheri Zvakaratidza Kuva Zvakavimbika Zvakakwana (rs-CA p. 86 ndima 3–p. 87 ndima 4)
Nha. 4: Nhasi Kuporesa Kwezvishamiso Hakuitwi noMudzimu waMwari (rs-CA map. 129-30 ndima 3)
Dec. 17 Kuverenga Bhaibheri: Zvirevo 14-19
Nha. 1: Zvirevo—Nei Richibatsira—Chikamu Chokutanga (si-CA map. 109-10 ndima 19-28)
Nha. 2: Zvirevo 16:1-25
Nha. 3: Kusiyana Kwakaita Kurapa kwaJesu naVaapostora Vake Nekwanhasi (rs-CA p. 130 ndima 4–p. 131 ndima 2)
Nha. 4: Mazivirwe Anoitwa vaKristu Vechokwadi Nhasi (rs-CA p. 131 ndima 3–p. 132 ndima 2)
Dec. 24 Kuverenga Bhaibheri: Zvirevo 20-25
Nha. 1: Zvirevo—Nei Richibatsira—Chikamu Chechipiri (si-CA map. 110-11 ndima 29-38)
Nha. 2: Zvirevo 20:1-30
Nha. 3: Nei Zvipo Zvokuporesa Zvaipiwa Muzana Remakore Rokutanga (rs-CA p. 132 ndima 3–p. 133 ndima 3)
Nha. 4: Itariroi Iripo Nokuda Kwokuporeswa Chaiko Kwavanhu Vose? (rs-CA p. 133 ndima 4-6)
Dec. 31 Kudzokorora Tichinyora. Kuverenga Bhaibheri: Zvirevo 26-31
[Mashoko Omuzasi]
a Kana nguva ichibvumira, funga mapindurirwe angaitwa zvinotaurwa, zvirambidzo, uye zvimwe zvichanyatsokodzera zvinodiwa mundima.
b Kana nguva ichibvumira, funga mapindurirwe angaitwa zvinotaurwa, zvirambidzo, uye zvimwe zvichanyatsokodzera zvinodiwa mundima.
c Kana nguva ichibvumira, funga mapindurirwe angaitwa zvinotaurwa, zvirambidzo, uye zvimwe zvichanyatsokodzera zvinodiwa mundima.
d Kana nguva ichibvumira, funga mapindurirwe angaitwa zvinotaurwa, zvirambidzo, uye zvimwe zvichanyatsokodzera zvinodiwa mundima.
e Kana nguva ichibvumira, funga mapindurirwe angaitwa zvinotaurwa, zvirambidzo, uye zvimwe zvichanyatsokodzera zvinodiwa mundima.
f Kana nguva ichibvumira, funga mapindurirwe angaitwa zvinotaurwa, zvirambidzo, uye zvimwe zvichanyatsokodzera zvinodiwa mundima.