RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/00 p. 1
  • Chikomborero chaJehovha Chinotipfumisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikomborero chaJehovha Chinotipfumisa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Tine Zvomudzimu Zvakawanda Kwazvo Zvatisina Kutongova Nazvo Kare!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Waka“pfuma Kuna Mwari” Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • “Chibereko Chomudzimu” Chinokudza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Kuropafadza kwaJehovha Kunotipfumisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 9/00 p. 1

Chikomborero chaJehovha Chinotipfumisa

1 Kubudirira kwomunhu kunowanzoyerwa nemari yaanotambira. Ndicho chikonzero nei vanhu vakawanda vachiona vaya vane mari sevanofara nokugutsikana kudarika vamwe vose. Zvisinei, vanhu vanofunga kuti mari inogona kuunza mufaro vakarasika zvinosuruvarisa. (Mup. 5:12) Hapana mufaro wechigarire kune vaya “vakatsunga kupfuma” mune zvokunyama. (1 Tim. 6:9) Kusiyana neizvi, vashumiri vaJehovha vanofara zvechokwadi uye ndivo vanhu vakapfuma kudarika vamwe vose munyika. (Zvir. 10:22; Zvak. 2:9) Munzirai?

2 Chinoratidza Kupfuma Kwedu: Tine nzwisiso yomudzimu yakapfuma uye tinonzwisisa Shoko raMwari, Bhaibheri. Achishandisa sangano rake rapasi, Jehovha anoramba achitidzidzisa nezvake noMwanakomana wake, kuti tibatsirwe zvechigarire. Kunzwisisa kwakarurama kunoita kuti kuswedera pedyo naJehovha ndokuva noukama hwapedyo naye kubvire. (Jak. 4:8) Kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa uye kutevera mitemo yaMwari kunotidzivirira pane dzimwe hosha uye ngozi. Tinovimba kuti Jehovha achatiwanisa zvatinoda, zvichiguma nokugutsikana muna Mwari uye rugare rwepfungwa.—Mat. 6:33.

3 Tine rugare uye takabatana muukama hwedu hwomudzimu nokuti tinoshandira zvibereko zvomudzimu waMwari. Takabatanidzwa nechisungo chorudo chakasimba, hatifaniri kumbonzwa tasiyiwa naMwari kana kuti nehama dzedu patinotarisana nenjodzi.—VaG. 6:10.

4 Upenyu hwedu hune zvahunoreva chaizvoizvo uye hune chinangwa. Tinoiona seropafadzo inoshamisa kugoverana mukuparidza mashoko akanaka munyika yose. Izvi zvinounza mufaro wechigarire sezvatinobatsira vamwe kuti vauye muukama hwakanaka naMwari ndokushumira vakabatana nesu mukunamata kwakachena. Pfuma yedu youshumiri inokosha inokudza Jehovha uye inotiita kuti tigutsikane nokubatsira kwatinoita kuti zita rake ritsveneswe. Tinoramba tiine mafungire akanaka, tichiziva kuti tariro yedu yenguva yemberi ichazadziswa munguva pfupi iri kutevera.

5 Kuratidza Kuonga Kwedu: Ngationgei zvikomborero zvaJehovha nguva dzose, zvechokwadi zvinotiita vanhu vakapfuma pasi pano kudarika vamwe vose. (Zvir. 22:4) Kuva nenguva zuva rimwe nerimwe yokufungisisa zvatiinazvo kunotikurudzira kuonga Jehovha nokuda kworudo rwake rworupo uye kuramba tichizvipira kwaari iye oga.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe