Bhokisi Remibvunzo
◼ Ungano inofanira kuita kuti mepu yendima yakakwana iiswe muHoro yoUmambo here?
Hungu, mepu yendima yakakwana inofanira kuiswa mufuremu ndokuiswa pamadziro muHoro yoUmambo. Mepu yacho haifaniri kuiswa pachikwangwani chamashoko. Inofanira kuratidza miganhu yose yendima yakagoverwa ungano uye miganhu yendima yomunhu oga oga nenhamba yayo yakagoverwa. Miganhu yendima dzeungano dzose dzinoshandisa Horo yoUmambo iyoyo inofanira kuratidzwa. Izvi zvichabatsira zvakafanana vaparidzi navanhu vachangobva kufarira kuti vazive kuti vanogara mundima yeungano ipi. Kuratidza nzvimbo dzinoitirwa Chidzidzo Chebhuku Cheungano pamepu yacho kuchabatsirawo vose kuona kuti vakagoverwa kuchidzidzo chebhuku chipi. Mepu yacho inofanira kugara ichifambirana nenguva.
Kuisa mepu yakadaro kunova chiyeuchidzo kuvaparidzi vose chokuti, kana zvichibvira, zvaizova zvakanaka kuva nendima yomunhu oga. Mepu yacho inobatsira vaya vanoda kusarudza ndima iri pedyo nomusha wavo. Dzimwe nguva ingachengetedza nguva pamisangano yebasa, ichiita kuti muitisi akurumidze kutungamirira boka rimwe nerimwe ravaparidzi kunzvimbo yavakagoverwa kushanda.
Mepu yacho inopawo uchapupu hwokuti ungano yacho yakarongwa kuti iparidze shoko roUmambo zvakakwana mundima yayo mayakagoverwa.—Ruka 9:6.