Purogiramu yoMusangano Webasa
Vhiki Inotanga naJune 12
8 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.
15 min: “Basa Renyu Harisi Pasina.” Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro. Batanidza tsinhiro dzechakaitika chinorondedzerwa muNharireyomurindi yaJune 15, 1996, peji 32.
22 min: Kutanga Kudzidza neBhurocha Rinonzi Anodei. Hurukuro, inodzokorora nyaya iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 1999, peji 3. Enzanisirai mharidzo ingashandiswa mundima 6. Ita kuti muparidzi mumwe kana kuti vaviri varondedzere zvishoma kubudirira kwavakaita mukutanga kudzidza, vachitaura masumire avakaita chidzidzo chacho uye zvavakaita kuti chidzidzo chacho chipfuurire vhiki nevhiki.
Rwiyo 209 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJune 19
12 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi uye chiziviso chokuongororwa kweakaunzi kwomwedzi mitatu yoga yoga. Kana ungano ine makopi emabhuku anonzi Vechiduku kana kuti Upwere, enzanisirai kuti angashandiswa zvakanaka sei mukukurukura navayaruki muushumiri.
8 min: Bhokisi Remibvunzo. Hurukuro inopiwa nomukuru.
25 min: “Ndingadaro Sei, Kana Mumwe Asinganditungamiriri?” Kukurukura nemibvunzo nemhinduro kunoitiswa nomutariri webasa. Ita kuti ndima yoga yoga iraviwe zvinonzwika, uye rava magwaro ari mundima 3, 4, ne7. Pakuita ndima 6, tsanangura basa romutariri webasa mukusarudza kana zvichiita kana kuti kwete kuti zvidzidzo zveBhaibheri zvomunhu oga zvimutsidzirwe navanhu vakabhabhatidzwa.—Ona Bhokisi Remibvunzo riri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 1998.
Rwiyo 89 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJune 26
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuisa mishumo yebasa romumunda yaJune. Taura mabhuku achagoverwa muna July. Ratidza mabhurocha ekare ari muungano, uye nokupfupikisa dudza chinangwa cherimwe nerimwe. Iva nomuenzaniso wakanyatsogadzirirwa unoratidza kuti rimwe rawo ringagoverwa sei muushumiri.
17 min: ‘Iva Norupo, Ude Kugoverana.’ Mibvunzo nemhinduro. Batanidzai zvikonzero zvina “Chikonzero Nei Tichipa” zvakarongwa muNharireyomurindi yaNovember 1, 1996, mapeji 29-30.
18 min: “Uchavako Here?” Hurukuro nezvakaitika, inoitiswa nomukuru. Kuungana kukuru kwakaita basa guru mukusimbisa vanhu vaMwari kubvira nguva inotaurwa muBhaibheri kusvika muzuva redu. (Ona bhuku rinonzi Vazivisi, peji 254, ndima 1-3; uye Insight, Volume 1, peji 821, ndima 5.) Kurudzira vose kutanga kugadzirira iye zvino kupinda mazuva ose ari matatu ekokorodzano yoruwa yegore rino. Kumbira vateereri kuti varondedzere zvakaitika zvinoratidza kuti kushingaira kwavakaita kuti vavepo munguva yakapfuura kwakava nomubayiro womudzimu.
Rwiyo 44 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJuly 3
10 min: Zviziviso zveungano. Kumbira vaparidzi vakatanga zvidzidzo mubhurocha rinonzi Anodei kuti varondedzere kuti vakazviita sei.
15 min: Zvinodiwa zveungano.
20 min: Kushandisa Nheyo dzeBhaibheri Kunosimbisa Upenyu Hwemhuri. Hama mbiri dzinokurukurirana nezvezvinhu zvisere zviri mubhuku rinonzi Kurangarira, mapeji 298-9. Tsanangurai kukosha kwokubatsira vadzidzi veBhaibheri kudzidza kuti chakavanzika chomufaro wemhuri chinotsamira pakunzwisisa nokushandisa nheyo dziri muShoko raMwari. Muchishandisa chidzidzo 8 chiri mubhurocha rinonzi Anodei, enzanisirai kuti izvi zvingaitwa sei. Mhuri dzinobvuma zano reBhaibheri dzinoswededzwa pamwe ndokuwana mufaro wakawedzerwa muzvisungo zvapedyo zvorudo nokubatana. Rondedzerai chakaitika chiri mubhuku rinonzi Mufarwa Wemhuri, chitsauko 13, ndima 1, 21-2.
Rwiyo 51 nomunyengetero wokugumisa.