“Zvinhu Zvenyu Zvose Ngazviitike Norudo”
1 “Nhengo dzenyu dzinofadza zvechokwadi; dzinozvibata zvakadzikama kwazvo noruremekedzo rukuru.” Tsinhiro iyoyo yakabva kudhipatimendi rekokorodzano nerevashanyi muguta reUnited States rakaitirwa imwe yekokorodzano dzedu dzoruwa. Zvinotikurudzira kugamuchira kurumbidza kwakadaro pamusoro pokuzvibata kwatinoita pane vanhu. Izvi zvinoratidza kuti tose tiri ‘kuita kuti zvinhu zvedu zvose zviitike norudo.’ (1 VaK. 16:14) Panguva imwe chete, pane zvimwe zvinhu zvokuti kana zvisina kukurukurwa zvingabvisa mukurumbira wakanaka wavanhu vaMwari.
2 Pokugara: Nhume dzinokurudzirwa kuronga pokugara padzo kana zvichibvira. Dzakawanda dzine shamwari kana kuti hama dzadzingagara nadzo. Chokwadi, kana usingagoni kuzvirongera pokugara pako, ipapo Dhipatimendi Repokugara richaita zvaringagona kubatsira. Mutoo wokubata nawo zvikumbiro zvepokugara unosiyana maererano nezviripo. Kana dare renyu rekokorodzano rakatumirwa mafomu o“Kukumbira Pokugara” anofanira kuzadzwa nevaya vanoda pokugara, iwaya anofanira kudzoswa nokukurumidza kuitira kuti agotarisirwa. Kana munyori akakumbirwa kuti audze dare rekokorodzano nezvepokugara panodiwa nenhengo dzeungano panzvimbo yekokorodzano, ipapo anofanira kuzviita nokukurumidza. (Tapota cherechedza kuti “Mafomu Okukumbira Pokugara” anofanira kutumirwa zvakananga kuDhipatimendi Repokugara rekokorodzano uye kwete kuSosaiti.)
3 Kunyange zvakadaro, tapota yeuka kuti ungave uchigara neshamwari kana hama dzokunyama kana kuti mumusha womumwe munhu, hausati uchingova mutsa wechiKristu, asiwo mutoro wechiKristu, kubatsira anenge akugamuchira nokuripira zvichashandiswa. Hatidi kuva mutoro pane vaya vanogamuchira vaeni. Zvinokoshawo kuremekedza zvinhu zvavamwe uye kudzidzisa vana vedu kuita saizvozvo.
4 Nokuda kwevaya vari muguta richaitirwa kokorodzano, tapota yeukai kuti zvivako zvokurara panzvimbo yekokorodzano zvishoma kana kuti, mune zvimwe zviitiko, hazvipo. Tine chokwadi chokuti muchatevera zano reBhaibheri rokutevera “nzira yokugamuchira vaeni zvakanaka” ndokuita zvamungagona kutarisira hama dzenyu dzinobva kunharaunda dziri kunze.—VaR. 12:13.
5 Mapurema namaReclining Deck Chair: Munzvimbo dzakawanda, mapurema haagoni kushandiswa munzvimbo dzinoungana vanhu vakawanda. Mitemo yemoto inodzivisa kuaisa mumikoto nomunofambwa namo kana kuti pakati pemitsetse yezvigaro. Sezvo mapoka makuru evanhu angakonzera kumanikidzana, mapurema angangova nengozi kumwana uye kuna ani naani angagumburwa nawo. Saka tapota musauya namapurema munzvimbo yekokorodzano. Zvigaro zvavacheche kana kuti zvavana zvinosungirirwa pazvigaro zviri pedyo navabereki zvinobvumirwa. Tapota musaunza zvigaro zverecliner. Kushandiswa kwazvo hakubvumirwi pazvivako zvavose zvakakura. Kushandira pamwe kwenyu kunokosha uye kunoongwa.
6 Kuitira Vose Zvakanaka: Tsika dzakanaka uye mufambiro womuenzaniso wakanaka zvinokurudzirwa nokuda Jehovha nomuvakidzani wedu. (Mat. 22:37-39; Jak. 3:13) Bhaibheri rinotikurudzira kuda uye kufunga vanhu vose. (VaG. 6:10) Nheyo iyoyo zvechokwadi inoshanda patinenge tiri vaenzi mumisha yavanhu. Kusada kushandira pamwe kunokanganisa mukurumbira wedu uye kunoita kuti hama dzishatirwe. Zviri nani sei kuratidza rudo ndokuitira vamwe zvakanaka nokufunga zvakanakisisa zvavo pane zvedu pachedu!—Mat. 7:12; Joh. 13:34, 35.
7 Tinotarisira kwazvo kupinda Kokorodzano Yoruwa ye“Vaiti veShoko raMwari.” Wakatoita gadziriro dzako dzose, kusanganisira gadziriro dzepokugara uye chokufambisa here? Mufambiro wedu mumisha yavanhu uye muguta rekokorodzano nguva dzose ngauratidze chokwadi chiri mumwoyo yedu uye kuda kwatinoita Musiki wedu.