Purogiramu yoMusangano Webasa
Vhiki Inotanga na13 March
8 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.
12 min: “Tinoparidza Mashoko Akanaka.” Itai kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, mobva makurukura nemibvunzo nemhinduro. Ipai mienzaniso yezvinhu zvakanaka zvomuMagwaro zvingagona kutorwa mubhuku rinonzi Zivo pakurigovera muushumiri.
10 min: Bhokisi Remibvunzo. Hurukuro inopiwa nomukuru.
15 min: “Tingaita Kuti April 2000 uve Mwedzi Wedu Wakanakisisa Here?” (Ndima 1-11) Mibvunzo nemhinduro. Dudzai nhamba yapamusoro-soro yemapiyona ebetsero iri mumashoko ane chokuita neungano omunguva pfupi yapfuura. Kurudzirai ungano kushandira kuva nenhamba itsva yapamusoro-soro yemapiyona ebetsero muna April. Dzokororai zvinodiwa zvakarongwa mubhuku rinonzi Hushumiri Hwedu, mapeji 113-14. Vaparidzi vanoda kuita upiyona hwebetsero vangawana fomu rokukumbira panopera musangano.
Rwiyo 187 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na20 March
10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.
15 min: “Ndingaitei?” Muitisi wefundo yebhuku anokurukura nyaya yacho nomushumiri anoshumira mumwe kana vaviri. Nemhaka yezvinotadzisa zvakasiyana-siyana, vamwe vaparidzi vangafunga kuti vanokwanisa kuita zvishoma kune zvinoitwa neungano. Dzokororai dzimwe dzenzira dzakawanda idzo tose zvedu tingaita nadzo zvinokosha pakusimbisa ungano uye kuita kuti basa roUmambo rienderere mberi. Pedzisai nokuratidza kuti mumwe nomumwe anga“Goverana Mumushumo Wokupedzisira” sei.—Onai bhuku rinonzi Hushumiri Hwedu, mapeji 108-10.
20 min: “Tingaita Kuti April 2000 uve Mwedzi Wedu Wakanakisisa Here?” (Ndima 12-18) Mibvunzo nemhinduro. Batanidzai muenzaniso mupfupi wemakokerwo angaitwa mumwe munhu watinozivana naye kuChirangaridzo. Taurai nezvemwedzi waApril uri paKarenda ya2000, uye zivisai misangano yebasa yakarongwa muungano yenyu. Yeuchidzai mumwe nomumwe kuita purogiramu yakanaka yokushanda muushumiri kakawanda sekanobvira mumwedzi wacho, nokudaro muchivavarira kuti ungano yose ishande. Kurudzirai vose vanogona kuti vaite upiyona hwebetsero uye kuti vawane fomu rokukumbira kana misangano yapera.
Rwiyo 65 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na27 March
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidzai vose kuisa mishumo yebasa romumunda yaMarch. Zivisai mazita evaya vachaita upiyona hwebetsero muna April. Tsanangurai kuti mukana uchiripo wokuunza fomu rokukumbira. Zivisai purogiramu yose yemisangano yebasa romumunda yakarongerwa mwedzi wacho. Kurudzirai munhu wose kushanda muushumiri kupera kwevhiki kuno, achitanga mwedzi waApril zvakanaka. Tichagovera kopi imwe neimwe yeNharireyomurindi neMukai! mumwedzi wacho. Simbisai nyaya imwe uye pfungwa yokutaura yakakodzera ingagona kushandiswa zvinobudirira mumharidzo yemagazini imwe neimwe yazvino uno. Munhu wose anofanira kuva nekopi yebhurocha rinonzi Anodei ndokuedza kurishandisa kuti atange fundo dzeBhaibheri nevanhu vanofarira.
13 min: “Kumbira Kubetserwa.” Hurukuro nokukurukurirana nevateereri kunoitwa nomukuru. Tsanangurai kuti tose zvedu tinoda sei kubetserwa kwakati nguva nenguva. Chokwadi, mumwe nomumwe anofanira kutakura mutoro wake oga. (VaG. 6:5) Zvisinei, kana tisingakwanisi kutsungirira, hatifaniri kutya kutsvaka kubetserwa neimwe nhengo yeungano yakakura mumudzimu. Kumbirai vateereri kuti varondedzere zvakaitika zvinoratidza kuti kubetsera kwomutsa kwavakaitwa navamwe kwakavakurudzira sei.
10 min: Zvinodiwa zveungano.
12 min: Kukurukurwa kwetsamba yeSosaiti yomusi wa22 January 2000. Kurudzirai vose kushanda mubasa muna April. Uyezve, kurudzirai kutsigira zvakazara kushanda ndima isina kugoverwa kutanga muna May.
Rwiyo 195 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na3 April
10 min: Zviziviso zveungano nezvakaitika zvebasa romumunda. Shandisai zvakaitika zvakasarudzwa zvomunguva ichangopfuura kubva mundima yenyu zvichakurudzira vamwe kuita basa.
17 min: “Kudzidza Uprofita hwaDhanieri.” Mibvunzo nemhinduro. Tsinhirai nokupfupisa zvatingaita kuti tibetserwe nokudzidza bhuku reBhaibheri raDhanieri. (Onai chitsauko 1, ndima 15-17, mubhuku rinonzi Uprofita hwaDhanieri.) Kurudzirai vose kuti vapinde Fundo Yebhuku Yeungano nguva dzose.
18 min: Ndinofanira kushuma Chakaipa Chakakomba Here? Hurukuro yomwoyo wose inopiwa nomukuru, yakananga vechiduku. Zvinetso zvakawanda zvakatanga munzanga yamazuva ano zvakuvadza vechiduku: tsika dzakaora, chisimba chinowedzera, kupindwa muropa nezvinodhaka, uye kukundikana kuremekedza chiremera. Vamwe vayaruki vanorarama upenyu huviri, vachiviga kusazvibata kwavo. Izvi zvinoisa pangozi utano hwomudzimu hweungano yose. Vamwe vanoita chakaipa chakakomba uye vanoda kuti chirambe chakavanzika. Kana ukaziva kuti hama kana kuti hanzvadzi iri muungano yakaita chimwe chinhu chiri kuputswa kwakakomba kwomutemo waMwari, unofanira kuitei? Funga nezvenheyo iri pana Revhitiko 5:1. (Onai Nharireyomurindi yaAugust 15, 1997, mapeji 27-30.) Taurai nezvebhuku rinonzi Vechiduku Vanobvunza Kuti, mapeji 68-9, uye tsanangurai zvinofanira kuita munhu munhau yakadaro.
Rwiyo 68 nomunyengetero wokugumisa.