RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/00 p. 1
  • ‘Ndingaitei?’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Ndingaitei?’
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Tsigira Ungano Yaunopinda Nayo
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kukudzwa Kwechimiro Chesangano
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kuzvipa Timene Nokudisa Nokuda Kwebasa Riri Rose Rakanaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Zvaungaita Kuti Uwedzere Kubatana Kwatakaita sevaKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 3/00 p. 1

‘Ndingaitei?’

1 ‘Ndingaitei?’ Chokwadi, mubvunzo iwoyo waiva mupfungwa dzenhengo dzeboka duku raidzidza Bhaibheri rakarongwa naCharles Taze Russell kuma1870. Sezvavaifambira mberi mukunzwisisa kwavo kuda kwaMwari, vadzidzi veBhaibheri ivavo vapakuvamba vanofanira kuva vakashamisika kuti vaigona kuitei kuti vabetsere vamwe kudzidza nezvezvinangwa zvaMwari. Kuti vazivise nyika yose zivo yeBhaibheri yavakanga vachiwana zvechokwadi raiva basa guru kwazvo.

2 Tinofara kuti vakabata nechinetso chacho zvinogutsa. Sei? Munhu mumwe nomumwe akaita basa rake rairatidzika serisingakoshi, zvokuti nhasi, Zvapupu zvaJehovha zvave kuzivikanwa pasi rose—sangano revazivisi voUmambo vanoda kusvika mamiriyoni matanhatu vari muungano dzinenge 90 000 munyika 234 uye zvitsuwa zvegungwa!—Isa. 60:22.

3 Tsigira Zvakazara: Zvinokosha kuti mumwe nomumwe wedu aitewo basa guru rakafanotaurwa naJesu kuti raizoitwa mumazuva ano okupedzisira. (Mako 13:10) Zvechokwadi basa iri haringasiyirwi vakuru vashoma bedzi; uye basa rokuparidzira haringoitwi nemapiyona bedzi. Chaizvoizvo, muKristu wose akazvitsaurira ane basa rinokosha rokuita. Tose zvedu tinogona kuita rudzi rwakati rwebasa rokuparidza. (1 Tim. 1:12) Chero patinosvika pakuita izvi, tinozvibetsera isu nevamwe.—1 Tim. 4:16.

4 Mumwe nomumwe anogonawo kutsigira zvakazara ukama hwedu hwechiKristu mune dzimwe nzira dzinokosha. Tingatsigira misangano yeungano nokupinda nguva dzose uye nokutsinhira zvine upenyu. (Pis. 122:1, 8, 9) Tingaita zvatinofanira kuita kuti ungano irambe yakachena mutsika. Tingatsigira nemari basa renyika yose, maererano nezvatinowana. Tingagovana mukuchenesa Horo yoUmambo. Munhu wose angatsigira rudo rwoushamwari uye kubatana muungano nokubetsera vatsva, vaduku, uye vakura zvakafanana.—VaK. 3:12, 14.

5 Saka ungabvunza kuti, ‘Ndingaitei?’ Kunyange zvazvo zvaungaita iwe pachako zvingaita sezvisingakoshi, nokuita zvaunofanira kuita, unobetsera kuti pave neungano yakasimba, inoshingaira, uye ine utano hwakanaka. Saka tose zvedu tine zvinokosha zvatinoitawo mukukudza zita raJehovha!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe