RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 55
  • Tsigira Ungano Yaunopinda Nayo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsigira Ungano Yaunopinda Nayo
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Tinotenda Jehovha Nekuda Kwerudo Rwenyu
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • “Kuzadza Ruoko Nechipo chaJehovha”
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Bhaibheri Rinoti Chii Nezvebasa Uye Mari?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Nei Tichipa Iye Ane Zvese?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 55
Chidzidzo 55. Hama nehanzvadzi dziri kubatsira kugadzira zvinhu paImba yeUmambo.

CHIDZIDZO 55

Tsigira Ungano Yaunopinda Nayo

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Mamiriyoni evanhu anofara kunamata Jehovha muzviuru zveungano pasi rese. Vanotenda kudzidziswa uye kutungamirirwa kwavanoitwa, uye vanotsigira ungano yavo nenzira dzakawanda. Ko iwe unotendawo here zvaunoitirwa neungano yenyu?

1. Ndedzipi dzimwe nzira dzaungatsigira nadzo ungano uchishandisa nguva yako nesimba?

Tese tinogona kubatsira ungano. Muungano menyu mune vakwegura kana vanorwara here? Unokwanisa kuvabatsira kuenda kumisangano here? Kana kuti ungavabatsirawo kuita zvimwe zvinhu here, zvakadai semabasa epamba kana kuvaendera kwavanenge vachida kuenda kwakadai sekunotenga? (Verengai Jakobho 1:27.) Tinogonawo kuzvipira kutsvaira nekukorobha Imba yeUmambo yatinopindira kana kugadzirisa zvimwe zvinhu. Hapana anotimanikidza kuita mabasa aya. Kuda Mwari nehama dzedu ndiko kunoita kuti tizvipire “nemwoyo wese.”—Pisarema 110:3.

Zvapupu zvakabhabhatidzwa zvinogona kubatsira ungano nedzimwe nzira. Hama dzinenge dzichikodzera dzinogona kushanda sevashumiri veungano, uye nekufamba kwenguva, vanogona kuzova vakuru. Hama nehanzvadzi dzinoshanda nesimba mubasa rekuparidza dzinogona kushumira semapiyona. Zvimwe Zvapupu zvinogona kubatsira pakuvaka nzvimbo dzekunamatira kana kuti kutamira kune dzimwe ungano dzinenge dzichida kubatsirwa nedzimwe nzira.

2. Tingashandise sei zvinhu zvatiinazvo pakutsigira ungano?

Tinogona kukudza “Jehovha nezvinhu [zvedu] zvinokosha.” (Zvirevo 3:9) Tinotofara kuti tinokwanisawo kupa mari dzedu nezvinhu zvedu kuti titsigire ungano yedu uye basa rekuparidza riri kuitwa pasi rese. (Verengai 2 VaKorinde 9:7.) Zvipo zvedu zvatinobvisa zvinobatsirawo kana paitika njodzi. Vakawanda vanogara vakatoronga “kuisa parutivi chimwe chinhu” kuti vabvise semupiro. (Verengai 1 VaKorinde 16:2.) Tinogona kupa mari tichishandisa mabhokisi emupiro anowanika matinonamatira kana kushandisa donate.jw.org paIndaneti. Jehovha anotipa mukana wekuratidza kuti tinomuda nemashandisiro atinosarudza kuita zvinhu zvatinowana.

WEDZERA KUONGORORA

Dzidza dzimwe nzira dzaungatsigira nadzo ungano.

3. Tinogona kushandisa zvinhu zvatinowana

Jehovha naJesu vanoda vanhu vanopa vachifara. Jesu akatocherechedza imwe chirikadzi yaishayiwa uye zvayakanga yaita kuti ikwanise kupa mupiro. Verengai Ruka 21:1-4, mobva makurukura mibvunzo iyi:

  • Kuti tifadze Jehovha, tinofanira kungobvisa mipiro yakakura chete here?

  • Jehovha naJesu vanonzwa sei patinopa zvichibva pamwoyo?

Kuti uzive kuti mipiro yedu inoshandiswa sei, ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

VHIDHIYO: ‘Chipo Chekupa Jehovha’ (4:47)

  • Mipiro inobviswa inoshandiswa sei kubatsira ungano pasi rese?

Hanzvadzi yechikuru iri kuisa mupiro wayo mubhokisi.

4. Tinogona kuzvipira kubatsira

Panguva dzevaIsraeri, vanamati vaJehovha vaiita zvese zvavaigona kuti vachengetedze nzvimbo dzekunamatira dzakanaka. Asi zvaisagumira pakungobvisa mari chete. Verengai 2 Makoronike 34:9-11, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • MuIsraeri mumwe nemumwe akaita sei kuti imba yaJehovha ichengetwe yakanaka?

Kuti uone kuti Zvapupu zvaJehovha zviri kutevedzera sei izvozvo zvaiitwa kare, ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:

VHIDHIYO: Kuchengetedza Nzvimbo Dzatinonamatira (3:31)

Mifananidzo yakatorwa muvhidhiyo inonzi ‘Kuchengetedza Nzvimbo Dzatinonamatira.’ Varume, vakadzi, nevana vari kutsvaira nekukorobha muImba yeUmambo.
  • Nei zvichikosha kuti tichengete Imba yeUmambo yatinoshandisa yakachena uye zvinhu zvichishanda zvakanaka?

  • Unogona kubatsirawo sei?

Zvapupu zviri kuvaka Imba yeUmambo zvisingabhadharwi.

5. Hama dzinogona kuvavarira kupiwa mamwe mabasa muungano

Magwaro anokurudzira varume vechiKristu kuvavarira kuita zvese zvavanogona kuti vatsigire ungano. Kuti uone zvimwe zvacho zvavanogona kuita, ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

VHIDHIYO: Hama—Vavarirai Kuwana Basa Rakanaka (5:19)

  • Muvhidhiyo, Ryan akavavarira sei kuti awedzere pane zvaaiita pakutsigira ungano?

Bhaibheri rinotsanangura mararamiro anofanira kuitwa nehama kuti dzikodzere kuzoshanda sevashumiri veungano kana kuti vakuru. Verengai 1 Timoti 3:1-13, mobva makurukura mibvunzo iyi:

  • Ndezvipi zvinotarisirwa pahama dzinenge dzichivavarira kuva vashumiri veungano uye vakuru?

  • Mhuri dzavo dzinofanira kunge dzakamira sei?—Ona vhesi 4 ne 11.

  • Kana hama dzichivavarira kurarama sezvinotaurwa nemavhesi aya, munhu wese ari muungano anobatsirwa sei?

Mukomana ari kusunga wiricheya yehama yechikuru vachiparidza paimba neimba.

MUMWE MUNHU ANOGONA KUBVUNZA KUTI: “Zvapupu zvaJehovha zvinowana kupi mari yekushandisa pabasa razvo?”

  • Ungamupindura sei?

PFUPISO

Jehovha anofara chaizvo patinoshandisa nguva yedu, simba redu, uye zvinhu zvedu pakutsigira ungano.

Kudzokorora

  • Tingashandisa sei nguva yedu nesimba redu pakutsigira ungano?

  • Tingashandisa sei zvatiinazvo pakutsigira ungano?

  • Inzira dzipi dzaungadawo kutsigira nadzo ungano?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Dzidza kuti nei Mwari asisaiti kuti vanhu vanomunamata vabvise chegumi.

“Bhaibheri Rinotii Nezvekubvisa Chegumi?” (Nyaya iri paIndaneti)

Bhaibheri rinoti pane mamwe mabasa anofanira kuitwa nevarume vakabhabhatidzwa. Asi ko kana mukadzi akabhabhatidzwa achifanira kuitawo mabasa iwayo?

“Kunzwisisa Nyaya Yemusoro Muungano?” (Nharireyomurindi, February 2021)

Ona zvimwe Zvapupu zvakashinga zvinoita nzendo dzakaoma kuti zviendesere vamwe mabhuku.

Kuendesa Mabhuku Anotsanangura Bhaibheri Kwakasiyana-siyana muCongo (4:25)

Dzidza kusiyana kwatakaita nemamwe machechi pamawaniro atinoita mari yekutsigira basa redu.

“Zvapupu zvaJehovha Zvinowanepi Mari Yekuita Basa Razvo?” (Nyaya iri paIndaneti)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe