RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/00 pp. 3-6
  • Kuparidza Mashoko Akanaka Nokutendiswa Kwakasimba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuparidza Mashoko Akanaka Nokutendiswa Kwakasimba
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Ataurwa Nechivimbo
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mirai Makakwana Muchitendiswa Zvakasimba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Vabereki—Batsirai Vana Venyu Kuti Vave ‘Vakachenjera Kuti Vawane Ruponeso’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Nyatsogutsikana Kuti Wakawana Chokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 2/00 pp. 3-6

Kuparidza Mashoko Akanaka Nokutendiswa Kwakasimba

1 Kumavambo kwezana ramakore rokutanga, Jesu Kristu akarayira vateveri vake kuti vaparidze mashoko akanaka oUmambo uye kuti va“ite vanhu vamarudzi ose vadzidzi.” (Mat. 24:14; 28:19, 20) Zvapupu zvaJehovha zvakakoshesa murayiridzo wake, zvokuti nokupera kwezana ramakore rechi20, ukama hwedu hwechiKristu hwawedzera nevadzidzi vanopfuura 5 900 000 munyika 234. Kudanidzira kwakaisvonaka zvakadini kwokurumbidza Baba vedu vokudenga!

2 Zvino tapinda muzana ramakore rechi21. Muvengi wedu Mukuru nenzira yokunyengera anoedza zvishoma nezvishoma kuvhiringidza basa redu chairo rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi. Anoshandisa dzvinyiriro inobva mugadziriro ino yezvinhu kuedza kutsausa pfungwa dzedu, kutipedzera nguva, uye kutinetesa mumuviri nokutarisira zvinhu zvakawanda zvatinofarira uye zvisingakoshi. Panzvimbo pokubvumira gadziriro ino kutiudza chinokosha muupenyu, tinozviratidza neShoko raMwari kuti chii chinokosha—kuita kuda kwaJehovha. (VaR. 12:2) Izvozvo zvinoreva kuteerera kurayira kweMagwaro kwo‘kuparidza shoko mumwaka wakafanira nomumwaka unotambudza uye kuti tiite ushumiri hwedu kwazvo.’—2 Tim. 4:2, 5.

3 Tanga Kutendiswa Zvakasimba: VaKristu vanoda ku‘mira vakakwana vachitendiswa zvakasimba mukuda kwaMwari kwose.’ (VaK. 4:12) Shoko rokuti “kutendiswa” rinorondedzerwa so“kunyengetedza kwakasimba kana kuti kudavira; kuva anotendiswa.” SevaKristu tinofanira kutendiswa kuti shoko raMwari rouprofita nderechokwadi uye kuti zvino tanyura munguva yomugumo. Tinofanira kuva nokudavira kwakasimba sokuya kwomuapostora Pauro, uyo akati mashoko akanaka “iwo, chaizvoizvo, isimba raMwari roruponeso kumunhu wose ane kutenda.”—VaR. 1:16.

4 Dhiyabhorosi anoshandisa vanhu vakaipa nevanyengeri, avo vakatsauswa pachavo, kupesvedzera nokutsausa vamwe. (2 Tim. 3:13) Tafanonyeverwa nezveizvi, tinotora matanho okusimbisa kutendiswa kwedu kwokuti tine chokwadi. Panzvimbo pokubvumira zvinonetsa zvoupenyu kuderedza kushingaira kwedu, tinoramba tichiisa zvinhu zvoUmambo pakutanga. (Mat. 6:33, 34) Hatidi kuva vasingazivi kuti ino inguva yokukurumidzira, zvichida tichifunga kuti mugumo wegadziriro ino uri kure zvikuru. Uri kuramba uchiswedera pedyo. (1 Pet. 4:7) Kunyange zvazvo tingafunga kuti kuparadzira mashoko akanaka kune zvishoma zvakunoita mune dzimwe nyika nemhaka youchapupu hwakatopiwa, basa rokunyevera rinofanira kupfuurira.—Ezek. 33:7-9.

5 Mibvunzo inokosha panguva ino yafamba kwazvo ndeiyi: ‘Ndiri kukoshesa murayiro waJesu wokuita vadzidzi here? Pandinoparidza mashoko akanaka, ndinoratidza here kutendiswa kwakasimba kwokuti Umambo ndehwechokwadi? Ndakatsunga here kuitawo zvakakura sezvandingagona muushumiri uhwu hunoponesa upenyu?’ Sazvatinoziva kuti tava papi munguva yomugumo, tinofanira kuzvichenjerera kubasa redu rokuparidza nokudzidzisa. Kuita izvi kuchaponesa isu nevanotiteerera. (1 Tim. 4:16) Tose zvedu tingasimbisa sei kutendiswa kwedu sevashumiri?

6 Tevedzerai vaTesaronika: Muapostora Pauro, achiyeuka nezvebasa rakaoma rehama dzomuTesaronika, akati: “Mashoko akanaka atinoparidza haana kuuya kwamuri nokutaura kwoga asiwo nesimba nomudzimu mutsvene nokutendiswa kwakasimba, sokuziva kwamunoita kuti takava vanhu vorudzii kwamuri nokuda kwenyu; uye makava vatevedzeri vedu nevaShe, sezvo makagamuchira shoko muchitambudzika zvikuru nomufaro womudzimu mutsvene.” (1 VaT. 1:5, 6) Hungu, Pauro akarumbidza ungano yeTesaronika nokuti pasinei zvapo nematambudziko akawanda vakaparidza nokushingaira uye nokutendiswa kwakasimba. Chii chakavagonesa kuita izvi? Kusvika kumwero wakati, kushingaira nokutendiswa zvavakaona mune muapostora Pauro nevashandi pamwe chete naye zvakava nomugumisiro wakanaka kwavari. Sei?

7 Upenyu chaihwo hwaPauro nehweshamwari dzake dzaaifamba nadzo hwakapupurira kuti vaiva nomudzimu waMwari uye kuti vaidavira nomwoyo wose mune zvavaiparidza. Vasati vauya kuTesaronika, Pauro naSirasi vaiva vaitirwa zvakaipa muFiripi. Vasina kumbotongwa, vakarohwa, vakaiswa mujeri, ndokusungirirwa pamatanda. Zvisinei, ichi chiitiko chinoedza hachina kuderedza kushingairira kwavo mashoko akanaka. Kupindira kwaMwari kwakaita kuti vabudiswe, kwakatungamirira kukutendeuka kwomurindiri wejeri neimba yake, uye kwakapa mukana wokuti hama idzi dzipfuurire muushumiri hwadzo.—Mabasa 16:19-34.

8 Musimba romudzimu waMwari, Pauro akasvika kuTesaronika. Ikoko akashanda kuti awane zvaaida zvake pachake uye akazvishandisa kwazvo mukudzidzisa chokwadi vaTesaronika. Haana kurega kuzivisa mashoko akanaka pamukana uri wose. (1 VaT. 2:9) Kuparidza kwaPauro nokutendiswa kwakasimba kwakachinja kwazvo vanhu vomunharaunda yacho zvokuti vamwe vavo vakarega kunamata zvidhori kwavaichimboita ndokuva vashumiri vaMwari wechokwadi, Jehovha.—1 VaT. 1:8-10.

9 Chitambudzo hachina kudzivisa vatendi vatsva kuparidza mashoko akanaka. Vakurudzirwa nokutenda kwavo kutsva kwavaiva vachangowana uye vanyatsotendiswa kuti zvikomborero zvisingaperi zvaizova zvavo, vaTesaronika vakanzwa vachida kuzivisa chokwadi chavakanga vagamuchira nomufaro. Ungano iyoyo yakava yakasimba zvokuti nhau dzokutenda nokushingaira kwavo dzakapararira kune dzimwe nzvimbo dzeMakedhoniya uye kunyange muAkaya. Nokudaro, Pauro paakanyorera vaTesaronika tsamba yake yokutanga, mabasa avo akanaka akanga ava kutozivikanwa kwazvo. (1 VaT. 1:7) Muenzaniso wakatanhamara zvakadini!

10 Kukurudzirwa Nokuda Mwari Nevanhu: SavaTesaronika, tingachengeta sei kutendiswa kwomunhu oga kwakasimba pakuparidza mashoko akanaka nhasi? Nezvavo, Pauro akanyora kuti: “Tinoramba tichirangarira basa renyu rokutendeka uye kuedza kwenyu kwakaoma nemhaka yorudo.” (1 VaT. 1:3, mashoko omuzasi NW Ref.) Zviri pachena kuti vaida Jehovha Mwari nevanhu vavakaparidzira zvakadzama uye nomwoyo wose. Rudo irworwo ndirwo rwakakurudzira Pauro neshamwari dzake kupa vaTesaronika “kwete mashoko akanaka aMwari bedzi, asi mweya y[avo]wo.”—1 VaT. 2:8.

11 Saizvozvowo, kuda kwedu Jehovha nevanhu kwakadzama kunotiita kuti tide kushanda zvakazara mubasa rokuparidza ratakapiwa naMwari kuti tiite. Norudo rwakadaro, tinoziva kuti mutoro wedu somunhu oga, watakapiwa naMwari kuparadzira mashoko akanaka. Nokufungisisa zvakanaka nokuonga zvose zvatakaitirwa naJehovha kuti nokutitungamirira ku“upenyu chaihwo,” tinokurudzirwa kuudza vamwe chokwadi chakafanana chinoshamisa icho chatinodavira nomwoyo wedu wose.—1 Tim. 6:19.

12 Sezvatinoramba takabatikana mubasa rokuparidza, kuda kwedu Jehovha nevanhu kunofanira kuramba kuchiwedzera. Kana kukawedzera, tichanzwa tichida kuwedzera kuitawo kwedu ushumiri hwapaimba neimba uye kushandisa mimwe mitoo yose yokupupura inozaruka kwatiri. Tichashandisa zvakanaka mikana yokupupura kusina kurongwa kuhama, vavakidzani, uye vatinozivana navo. Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vangaramba mashoko akanaka atinovapa uye vamwe vachaedza kuvhiringidza kuziviswa kwoUmambo, tinowana mufaro womukati. Nei? Nokuti tinoziva kuti tinenge taita zvakanakisisa kupupura nezvoUmambo uye kubetsera vanhu kuti vaponeswe. Uye Jehovha achakomborera kuedza kwedu kuwana vane mwoyo yakarurama. Kunyange zvinodzvinyirira zvoupenyu zvikatimomotera uye Satani akatsvaka kutibira mufaro wedu, tinogona kuramba tine kutendiswa kwakasimba uye kushingaira kwedu mukupupurira vamwe. Tose zvedu patinenge taita zvatinofanira kuita, izvi zvinoguma neungano dzakasimba, dzinoshingaira seiya yomuTesaronika.

13 Usamborega Kana Uri Mumuedzo: Kutendiswa kunodiwawo patinosangana nemiedzo yakasiyana-siyana. (1 Pet. 1:6, 7) Jesu akajekesera vadzidzi vake kuti kudai vaizomutevera, vaizo“vengwa nemarudzi ose.” (Mat. 24:9) Pauro naSirasi vakazviona pavaiva muFiripi. Nhoroondo iri muna Mabasa chitsauko 16 inotaura kuti Pauro naSirasi vakakandirwa mujeri romukati-kati ndokusungirirwa pamatanda. Kazhinji, jeri racho raiva nzvimbo yakashama kana kuti chivanze chapamberi kumucheto kwakanga kune makamuri aipinda chiedza nemhepo. Zvisinei, jeri romukati-kati rakanga risina chiedza uye raisapinda mhepo yakawanda. Pauro naSirasi vaifanira kujaira rima, kupisa, uye kunhuwa kwenzvimbo iyi isingafadzi yavasungwa. Ungafungidzira here kurwadziwa kwavanofanira kuva vakanzwa pavaiva vakasungirirwa pamatanda kwemaawa misana yavo ichirwadza nemaronda uye ichibuda ropa nemhaka yokurohwa?

14 Pasinei zvapo nemiedzo iyi, Pauro naSirasi vakaramba vakatendeka. Vakaratidza kutendiswa kwomwoyo wose, kuchivasimbisa kushumira Jehovha pasinei zvapo nomuedzo. Kutendiswa kwavo kunosimbiswa mundima 25 yechitsauko 16, inotaura kuti Pauro naSirasi vakanga “vachinyengetera vachirumbidza Mwari norwiyo.” Chokwadi, kunyange zvazvo vaiva mujeri romukati-kati, vakanga vane chokwadi kwazvo chokuva netendero yaMwari zvokuti varume ava vakaimba zvinonzwika zvakagona kunzwiwa nevamwe vasungwa! Tinofanira kuva nokutendiswa kwakafanana nhasi patinotarisana nemiedzo yokutenda kwedu.

15 Miedzo yatinopiwa naDhiyabhorosi yakawanda. Kune vamwe ingava chitambudzo chinobva mumhuri. Hama dzedu dzakawanda dzinotarisana nezvinetso zvemitemo. Kushora kunobva kune vakaramba kutenda kungasanganwa nakwo. Kune matambudziko emari uye okufunga kuti zvokurarama nazvo zvingawanikwa sei. Vechiduku vanotarisana nokuda kufanana nevezera ravo kuchikoro. Tingabata sei miedzo iyi nokubudirira? Chii chinodiwa kuratidza kutendiswa?

16 Chokutanga uye chinonyanya kukosha ndechokuti, tinoda kuramba tine ukama hwomunhu oga hwapedyo naJehovha. Pauro naSirasi pavaiva mujeri romukati-kati, havana kushandisa nguva iyoyo kunyunyuta nezvavakanga vari kana kuti kuzvinzwira urombo. Vakakurumidza kunyengetera kuna Mwari uye vakamurumbidza nerwiyo. Nei? Nokuti vaiva noukama hwomunhu oga naBaba vavo vokudenga. Vaiziva kuti vaitambura nemhaka yokururama uye kuti kuponeswa kwavo kwaiva mumaoko aJehovha.—Pis. 3:8.

17 Patinosangana nemiedzo nhasi, tinofanirawo kutarira kuna Jehovha. Pauro anotikurudzira sevaKristu kuti ti‘zivise kukumbira kwedu kuna Mwari; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yedu nemasimba edu okufunga.’ (VaF. 4:6, 7) Zvinonyaradza sei kuziva kuti Jehovha haazotiregi tichitsungirira miedzo tiri toga! (Isa. 41:10) Anogara anesu chero bedzi tichimushumira nokutendiswa kwechokwadi.—Pis. 46:7.

18 Kumwe kubetsera kunokosha mukuratidza kutendiswa kuramba takabatikana mubasa raJehovha. (1 VaK. 15:58) Pauro naSirasi vakakandirwa mujeri nemhaka yokuti vakanga vakabatikana kuparidza mashoko akanaka. Vakarega kuparidza nemhaka yemiedzo yavo here? Kwete, vakapfuurira kuparidza kunyange vari mujeri, uye vabudiswa, vakafamba kuenda kuTesaronika ndokuenda kusinagogi revaJudha kuti ‘vataure navo vachishandisa Magwaro.’ (Mabasa 17:1-3) Kana tine chokwadi chakasimba kana kuti tichidavira muna Jehovha uye tichitendiswa kuti tine chokwadi, hapana chinozokwanisa “kutiparadzanisa norudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.”—VaR. 8:35-39.

19 Mienzaniso Yamazuva Ano Yokutendiswa Kwakasimba: Kune mienzaniso yakawanda yakatanhamara yeavo muzuva redu, kufanana naPauro naSirasi, vakaratidza kutendiswa kwakasimba. Imwe hanzvadzi yakapukunyuka musasa wechibharo weAuschwitz inotaura nezvokutenda kusingazununguki nokutendiswa zvakaratidzwa nehama nehanzvadzi ikoko. Inoti: “Kamwe chete ndichibvunzurudzwa, mumwe mukuru mukuru akauya kwandiri akapfumba zvibhakera. ‘Tichaita sei nemi vanhu?’ akadaro. ‘Kana tikakusungai, hamuna hanya nazvo. Kana tikakuendesai kujeri, hamuna kana shungu nazvo. Kana tikakuendesai kumusasa wechibharo, hamuna basa nazvo. Patinokutongerai rufu, munongomira ipapo musinganetseki. Tichaita sei nemi?’” Zvinosimbisa zvakadini kuona kutenda kwaiva nehama dzedu mumamiriro ezvinhu akaoma kudaro! Dzakaramba dzakatarira kuna Jehovha kuti adzibetsere kutsungirira.

20 Zvechokwadi tinoyeuka kutendiswa kwehama dzedu dzakawanda mukutarisana nokuvengana kwemadzinza kwakabuda mumakore mashomanana apfuura. Pasinei zvapo nokuzviwana dziri mumamiriro ezvinhu ane njodzi, hama dzine mutoro dzakatsunga kuona kuti hama nehanzvadzi dzadzo dziri kudyiswa mumudzimu. Dzose dzinopfuurira dzakatendeka dzine kutendiswa kwakasimba zvokuti ‘chombo chipi nechipi chinogadzirwa nokuda kwadzo hachibudiriri.’—Isa. 54:17.

21 Hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dzine vadzakaroorana nadzo vasingatendi dziri kuratidzawo kutenda nokutsungirira kwakasimba. Imwe hama muGuadeloupe yakashorwa zvakasimba nomukadzi wayo akanga asingatendi. Kuti aiodze mwoyo nokuikanganisa kupinda misangano yechiKristu, aisaigadzirira zvokudya kana kuti kuiwachira, kuichisira, uye kuisonera mbatya dzayo. Kwenguva yakareba, aisataura nayo. Asi nokuratidza kutendiswa kwomwoyo wose mukushumira Jehovha uye kunyengetera kwaari nokuda kwokubetserwa, hama iyi yakakwanisa kuzvitsungirira zvose. Kwenguva yakareba sei? Kwemakore 20—pashure mukadzi wayo akachinja mwoyo zvishoma nezvishoma. Pakupedzisira, yaigona kufara zvechokwadi nokuti akagamuchira tariro yoUmambo hwaMwari.

22 Pakupedzisira, hatifaniri kukanganwa kutendiswa kwakasimba kwehama nehanzvadzi dzedu dzechiduku dzinopinda chikoro zuva roga roga uye dzinotarisana nokuda kufanana nevezera radzo nezvimwe zvinetso. Maererano nechinetso chokuti ude kuva akafanana chokuchikoro, mumwe musikana muduku Chapupu akati: “Paunenge uri kuchikoro, munhu wose anogara achikukurudzira kuva anoti pandukirei zvishoma. Vana vanokuremekedza zvikuru kana ukaita chimwe chinhu chinoratidzira kupanduka.” Kudzvinyirira kwakadini kunotarisana nevechiduku vedu! Vanofanira kutsunga mupfungwa nomumwoyo mavo kudzivisa muedzo.

23 Iropafadzo inokosha zvakadini yatinayo yokuva pakati pevaya avo Jehovha anofarira kuti avashandise kutaura nokutendiswa kwakasimba nezvokuda kwake! (VaK. 4:12) Uyezve, tine mukana unoshamisa wokuratidza kutendeseka kwedu patinenge tichirwiswa noMuvengi wedu Mukuru akafanana neshumba, Satani Dhiyabhorosi.—1 Pet. 5:8, 9.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe