RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/00 p. 2
  • Purogiramu Yomusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yomusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga na14 February
  • Vhiki Inotanga na21 February
  • Vhiki Inotanga na28 February
  • Vhiki Inotanga na6 March
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 2/00 p. 2

Purogiramu Yomusangano Webasa

Vhiki Inotanga na14 February

Rwiyo 113

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.

15 min: “Paridza Shoko . . . Nokukurumidza.” Itai kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, mobva makurukura nemibvunzo nemhinduro. Batanidzai mashoko ari mubhuku rinonzi Hushumiri Hwedu, papeji 170. Ipai mazano anoshanda okuwedzera kungaitwa basa rokuparidza muchirimo mose.

20 min: “Kuvandudzwa Kunoitwa Mano Okufunga.” Hurukuro nokuenzanisira. Tsanangurai kuti nei mano okufunga achikosha zvikuru muushumiri uye kuti angawanikwa sei. Itai kuti vaparidzi vaviri vanokwanisa vakurukure kugadzirira kungaitwa ushumiri nokutevedzera nhano dzakarongwa mundima 3 yenyaya yacho vobva vaenzanisira mharidzo yavo.

Rwiyo 182 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na21 February

Rwiyo 17

10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.

15 min: “Vakadzi Vari Kushanda Zvakaoma munaShe.” Itai kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, mobva makurukura nemibvunzo nemhinduro. Batanidzai mashoko ari muNharireyomurindi yaSeptember 15, 1996, mapeji 14-15, ndima 18-19. Rumbidzai noushamwari hanzvadzi nemhaka yokutsigira kwadzo kwokuzvidira, mabasa adzo anobetsera adzinoitira vamwe, uye kushingaira kwadzo mubasa rokuparidza.

20 min: “Chii Chingatibetsera Kumira Takasimba Mukutenda?” Hurukuro inopiwa nomukuru. Tiri kurarama munguva dzakaoma, uye tose zvedu tinoda kubetserwa munzira dzakati. Taurai zvingaitwa nevakuru nevashumiri vanoshumira kusimbisa vaya vari kunetswa nematambudziko anoodza mwoyo. (Onai musoro muduku unoti “Kufudza Kunovaka” uri muNharireyomurindi yaSeptember 15, 1993, mapeji 21-3.) Tsanangurai kuti tingakurudzirana sei munzira dzichatisimbisa mumudzimu.—VaR. 1:11, 12.

Rwiyo 82 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na28 February

Rwiyo 46

10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidzai vose kusiya mishumo yebasa romumunda yaFebruary. Taurai nokupfupisa “Nhano Ina Dziri Nyore” dzokushandisa nadzo maturakiti kutanga kukurukurirana dzakanga dzakarongwa papeji 4 yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwemwedzi wapera. Enzanisirai kushandiswa kungaitwa turakiti rinonzi Nyika Itsva Ine Rugare kusuma bhuku rinonzi Zivo. Pashure pokubvunza mibvunzo kubva mundima yokutanga yeturakiti racho, rava ndima yokutanga iri papeji 3, kusanganisira Pisarema 37:29. Kana kufarira kukaratidzwa, vhura bhuku rinonzi Zivo papeji 5, rava bhokisi, uye taura nezvokudzidza. Mwedzi uno, tose tinofanira kuedza chaizvo kutanga fundo itsva dzeBhaibheri dzapamusha.

5 min: Bhokisi Remibvunzo. Hurukuro inopiwa nomukuru.

12 min: Kuonga Basa reMatare Okuvaka Omunharaunda. Hurukuro inopiwa nomukuru, inobva muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaAugust 1995. Matare Okuvaka Omunharaunda matatu ari kushanda zvino mundima yebazi reZimbabwe akabetsera kuvaka, kunatsiridza, uye kugadzirisa Horo dzoUmambo dzinopfuura 70, dziri kubetsera ungano. Kuchine basa rakawanda rinofanira kuitwa. Taurai nezvebasa rematare omunharaunda, uye itai kuti vanhu vafarire kuvaka Horo dzoUmambo. Tsanangurai kuti ndivanaani vangava vashandi vanozvipira, uye itai kuti vakawanda vade kuzvipira. Bvunzurudzai vamwe vakamboita chirongwa chokuvaka Horo dzoUmambo, uye batanidzai tsinhiro dzavo dzomufaro wavakawana.—Onai Nharireyomurindi yaJune 1, 1999, mapeji 18-19, ndima 15-16.

18 min: “Kuparidza Mashoko Akanaka Nokutendiswa Kwakasimba.” Ivai nesumo inobva pamwoyo yemaminiti maviri kana kuti matatu yakavakirwa pahurukuro yacho uyewo mumagwaro akaiswa neakatorwa mashoko mundima 1 ne2. Mobva mapedzisa ndima 3-12 nokukurukurirana nemibvunzo nemhinduro.

Rwiyo 61 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na6 March

Rwiyo 116

5 min: Zviziviso zveungano. Itai kuti vaparidzi varondedzere nokupfupisa zvakaitika zvebasa romumunda zvomunguva ichangopfuura.

10 min: Zvinodiwa zveungano.

10 min: “Chenjerai Mateererere Enyu.” Musoro wemhuri anokurukura nomukadzi wake nevana zvavangaita kuti vabetserwe zvakazara nemisangano yeungano, magungano, uye kokorodzano. Anonzwa kuti vose vari mumhuri vanogona kuteerera zviri nani. Vanodzokorora mazano akarongwa ndokukurukura kuti rimwe nerimwe ringashandiswa sei, kusanganisira kudiwa kwokukurukurirana kwazvo nezvezvinhu zvadzidzwa. Vanokurukura kuti vangararama sei maererano nechisarudzo chavo chokusarega kupinda misangano ipi neipi kana kuti purogiramu ipi neipi yekokorodzano kana gungano kana zvichibvira.

20 min: “Kuparidza Mashoko Akanaka Nokutendiswa Kwakasimba.” Madzokorora nokupfupisa kukurukurirana kwevhiki yapera kwendima 12 dzokutanga dzewedzero, kurukuriranai nemibvunzo nemhinduro ndima 13-23. Shandisai zvakanaka magwaro akaiswa neakatorwa mashoko.

Rwiyo 186 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe