Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna February: Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. March: Bhuku rinonzi Zivo. Tichaedza kupfuura zvatinosimboita kutanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha. April naMay: Kugovera magazini imwe neimwe yeNharireyomurindi neMukai! Garai mune bhurocha rinonzi Anodei kuitira vanhu vanofarira, uye edzai kutanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha.
◼ Munyori nomutariri webasa vanofanira kuongorora basa remapiyona ose enguva dzose. Kana pane vari kuomerwa nokusvitsa maawa anodiwa, vakuru vanofanira kuronga kuti vabatsirwe. Nokuda kwemazano, dzokororai tsamba dzepagore dzeSosaiti S-201 dzomusi wa1 October. Onaiwo ndima 12-20 dzewedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaAugust 1986.
◼ Munyori anofanira kuona kuti Dare Rokuvaka Romunharaunda rinoramba richiudzwa nezvemamiriro ezvinhu evaparidzi vose vakabhabhatidzwa vakatumira mafomu eKingdom Hall Volunteer Worker Questionnaire (S-82). Kana pane zvinoda kugadziriswa nezvemamiriro ezvinhu omuzvipiri, zvakadai sepaya apo munhu anotama kana kuti anogadzwa somushumiri anoshumira kana somukuru, mafomu matsva anofanira kuzadzwa nokukurumidza ndokutumirwa. Kana kero yokutumira yomuzvipiri wacho kana kuti nhamba yorunhare zvachinja, kana kuti asingachaiti zvakanaka muungano, vakuru vanofanira kukurumidza kuzivisa dare romunharaunda yacho netsamba.
◼ Gore rapera takava nokutsigira kwakaisvonaka nokuda kwendima dzisina kugoverwa uye dzisingawanzoshandwi. Nzvimbo huru dzendima dzisina kugoverwa dzakashandwa. Tingaita zvakafanana here gore rino? Mutariri webasa woga woga anofanira kutanga iye zvino kugadzirira uye anofanira kugara achiudza ungano nezvegadziriro dzinenge dzichiitwa dzokugovana mubasa iri. Kamwe pamwedzi, kusvikira basa racho rapera, anofanira kuudza ungano pachine nguva nezvegadziriro dzazvino. Kana ungano yako ichironga kubetsera ungano yokumaruwa isingawanzopedza ndima yayo, mutariri anotungamirira weungano iyoyo anofanira kutaurwa naye ndokuudzwa nezvomusi wokusvika kwenyu ikoko. Muchadawo kuti Sosaiti izive pachine nguva kuti indima ipi yamuchada kushanda. Chokufambisa chakavimbika chinofanira kurongwa nokuda kweboka racho kuitira kuti munhu wose agodzoka kubasa noMuvhuro. Tinovimba kuti vamwe vakawanda vachafarira ropafadzo iyi inokosha yebasa mubasa regore rino kubva muna May kusvika muna September.
◼ Kutanga nevhiki ya17 April 2000, tichadzidza bhuku rinonzi Fungisisa Uprofita hwaDhanieri! paFundo Yebhuku Yeungano.