Chenjerai Mateererere Enyu
Kunyatsoteerera kunokosha patinopinda misangano yeungano, magungano, uye kokorodzano. (Ruka 8:18) Ungavandudza sei mano ako okuteerera?
◼ Usadya zvokudya zvakawanda usati waenda kumisangano.
◼ Ramba kubvumira pfungwa dzako kuti dzidzungaire.
◼ Nyora zvinonyorwa zvipfupi zvepfungwa huru.
◼ Tarira magwaro anoraviwa.
◼ Tsinhira mukana paunenge uripo.
◼ Funga nezvezvinhu zviri kukurukurwa.
◼ Funga nezvenzira dzokushandisa zvaunonzwa.
◼ Pashure paizvozvo, kurukura nevamwe zvawadzidza.
Ona Bhuku Rinotungamirira reChikoro choUshumiri, chidzidzo 5.