Bhokisi Remibvunzo
◼ Zvakakodzera here kurova maoko kana kudzorerwa kwaziviswa?
Nomutsa wake worudo, Jehovha Mwari akagovera nzira yeMagwaro nokuda kwevaiti vezvakaipa vanopfidza kuti vawanezve nyasha dzake ndokudzorerwa muungano yechiKristu. (Pis. 51:12, 17) Izvi pazvinoitika, tinokurudzirwa kuratidza rudo rwedu nokuda kwevakadaro vanopfidza nomwoyo wose.—2 VaK. 2:6-8.
Kunyange zvazvo tichifara panodzorerwa hama kana kuti watinozivana naye, kunyarara kworuremekedzo kunofanira kuramba kuripo panguva yacho inoziviswa kudzorerwa kwomunhu muungano. Nharireyomurindi yaOctober 1, 1998, peji 17, yakataura nhau yacho neiyi nzira: “Zvisinei, tinofanira kuyeuka kuti vakawanda muungano havanyatsozivi zvakadzingisa mumwe munhu kana kuti zvakaita kuti adzorerwe. Uyezve, pangava navamwe vakatapurwa kana kuti vakarwadziswa somunhu oga—zvichida kwenguva yakatoreba—nezvakaipa zvakaitwa nomunhu apfidza. Naizvozvo, kana tichitapurwa nenhau dzakadaro, panopiwa chiziviso chokudzorerwa, nenzira inonzwisisika tingarega kutaura mashoko okugamuchira kusvikira tava kukwanisa kutaura zvakadaro somunhu oga.”
Kunyange zvazvo tichifara kwazvo kuona mumwe munhu achidzoka kuchokwadi, kurova maoko panguva yokudzorerwa kwake hakwaizova kwakakodzera.