RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/99 pp. 5-6
  • Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 12/99 pp. 5-6

Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari

Hwirudzuro inoitwa mabhuku akapfigwa pamusoro pamashoko anofukidzwa mumigove yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari nokuda kwamavhiki a6 September kusvikira kuna 20 December 1999. Shandisai pepa riri roga rokunyorera mhinduro zhinji dzemibvunzo seyamunogona munguva yakagoverwa.

[Onai: Mukati mehwirudzuro yokunyora, Bhaibheri bedzi ringashandiswa kupindura mubvunzo upi noupi. Nongedzero dzinotevera mibvunzo ndedzenzvero yenyu mumene. Nhamba dzamapeji nendima dzingasaoneka panongedzero dzose dzeNharireyomurindi.]

Pindura mutsetse woga woga unotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:

1. Jehovha akabvumira kuzvitonga kwevanhu kuti aratidze kuti nzira Yake yokutonga yakarurama uye yakanaka nguva dzose. (Dheut. 32:4; Jobho 34:10-12; Jer. 10:23) [w97-CA 2/15 peji 5 ndima 3]

2. Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari anoshora kunyunyuta kwose. [w97-CA 12/1 peji 30 ndima 3-4]

3. Vabereki vanochengeta ukama nevana vavo vakaroora kana kuroorwa munzvimbo yakafanira nokuziva nheyo dzaMwari dzoumusoro norunyararo. (Gen. 2:24; 1 VaK. 11:3; 14:33, 40) [fy-CA peji 164 ndima 6]

4. Marko 6:31-34 inoratidza kuti Jesu akanzwira tsitsi boka nemhaka bedzi yokurwara kwaro neurombo. [w97-CA 12/15 peji 29 ndima 1]

5. Kana muKristu weboka remamwe makwai asingakwanisi kupinda Chirangaridzo chorufu rwaJesu, anofanira kuchichengeta mwedzi gare gare kuwirirana nenheyo yakanyorwa pana Numeri 9:10, 11. (Joh. 10:16) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w93-CA 2/1 peji 31 ndima 9.]

6. Nepo vanambuya navanasekuru vechiKristu vasingatori basa rababa namai rokuroverera chokwadi cheBhaibheri muvana vavo, vanambuya navanasekuru vangaita zvinokosha kubetsera kukura mumudzimu kwemwana. (Dheut. 6:7; 2 Tim. 1:5; 3:14, 15) [fy-CA peji 168 ndima 15]

7. Vakuru pavanoziva nezvechakaipa chakakomba chemumwe muKristu, chinangwa chavo chokutaura nemuiti wechakaipa ndechokumudzinga. [w97-CA 8/15 peji 27 ndima 3]

8. Muna 1530, William Tyndale ndiye aiva wekutanga kushandisa zita raMwari, Jehovha, mushanduro yechiNgezi yeMagwaro echiHebheru. [w97-CA 9/15 peji 28 ndima 3]

9. Nhasi, guta routiziro rokufananidzira igadziriro yaMwari yokutidzivirira parufu nokuda kwokuputsa murayiro wake pamusoro poutsvene hweropa. (Num. 35:11) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 11/15 peji 17 ndima 8.]

10. Zita rokuti Dheuteronomio, rinoreva kuti “Mutemo Wechipiri,” rakakodzera nokuti iri bhuku reBhaibheri rinongova kudzokororwa kweMutemo. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona si-CA peji 36 ndima 4.]

Pindura mibvunzo inotevera:

11. Chii chinofananidzirwa nezvingwa zviviri zvakaviriswa zvaipiwa nemupristi mukuru muMutambo wePendekosti? (Revh. 23:15-17) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w98-CA 3/1 peji 13 ndima 21.]

12. Jubheri rechiKristu rakavamba rini, uye kusunungakai kwarakaunza nguva iyoyo? (Revh. 25:10) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 5/15 peji 24 ndima 14.]

13. Maererano nezvakanyorwa mubhuku raNumeri, kupukunyuka kunotsamira pazvinhu zvipi zvitatu? [si-CA peji 30 ndima 1]

14. Munzirai umo Mosesi aiva muenzaniso wakaisvonaka wekuratidzira kuti aiva asina godo? (Num. 11:29) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 9/15 peji 18 ndima 11.]

15. Chinoitika chaKora, Dhatani, naAbhirami chinoratidzira sei kuti kuona nguva dzose hakutungamiriri kukutenda? [w97-CA 3/15 peji 4 ndima 2]

16. Zvinhui zviviri zvokukudza vabereki vakwegura zvakasimbiswa pana Mateo 15:3-6 uye 1 Timotio 5:4? [fy-CA mapeji 173-5 ndima 2-5]

17. Chii kana kuti ndiani anomirirwa ne‘nyeredzi inobuda kuna Jakobho’ pana Numeri 24:17? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w91-CA 2/1 peji 29.]

18. Muenzaniso waPinehasi unotibetsera sei kunzwisisa zvinorehwa nekuzvitsaurira kuna Jehovha? (Num. 25:11) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 3/1 peji 16 ndima 12-13.]

19. Munhu ari muguta routiziro rokufananidzira anga‘darika muganho’ weguta sei? (Num. 35:26) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 11/15 peji 21 ndima 20.]

20. Munzirai umo Codex Sinaiticus yaiva chikomborero pakushandurwa kweBhaibheri? [w97-CA 10/15 peji 11 ndima 2]

Ipa (ma)shoko kana kuti chitsama chamashoko anodiwa kupedzisa mutsetse woga woga unotevera:

21. Jehovha akabvumira uipi kuvapo kuti aratidze zvachose chokwadi chose chinokosha chokuti iye oga ndiye ․․․․․․․․ uye kuti ․․․․․․․․ mitemo yake kunokosha nokuda kwerugare nomufarwa unopfuurira wezvisikwa zvake zvose. (Pis. 1:1-3; Zvir. 3:5, 6; Mup. 8:9) [w97-CA 2/15 peji 5 ndima 4]

22. Bhuku raRevhitiko rakatanhamara mukusimbisa ․․․․․․․․ hweropa, richiratidza kuti rinobvumirwa bedzi kushandiswa ․․․․․․․․. [si-CA peji 29 ndima 33]

23. Maererano nePisarema 144:15b, mufaro wechokwadi mugariro wemwoyo, wakavakirwa pa-․․․․․․․․ kwechokwadi uye ․․․․․․․․ hwakanaka naJehovha. [w97-CA 3/15 peji 23 ndima 7]

24. Bhaibheri rakabva mukushandurirwa kweBhaibheri rechiHebheru muchiGiriki chavose, rakapedzwa munenge muna 150 B.C.E., rakasvika pakuzivikanwa se-․․․․․․․․; kushandurira Bhaibheri muchiLatin kwaJerome kwakasvika pakuzivikanwa se-․․․․․․․․, ․․․․․․․․, kuchipedzwa munenge muna 400 C.E. [w97-CA 8/15 peji 9 ndima 1; peji 10 ndima 4]

25. Achishandisa nhau dzinotaura nezvaBharami naKora sezvakanyorwa mubhuku raNumeri, Judha akanyevera vaKristu kuti vadzivise misungo ye-․․․․․․․․ uye ․․․․․․․․. [si-CA peji 35 ndima 35]

Sarudza mhinduro yakarurama mumutsetse woga woga unotevera:

26. Kamwe pagore, pa(Mutambo weMatumba; Zuva Rokuyananiswa; Paseka), rudzi rwose rwaIsraeri, kusanganisira vagari vokumwe avo vainamata Jehovha, vaifanira (kurega basa rose; kubhadhara zvegumi; kupa zvibayiro zvokutanga zvezvitsva) ndokuzvinyima zvokudya. (Revh. 16:29-31) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w96-CA 7/1 peji 10 ndima 12.]

27. Imwe yevavariro yeDare Reshanduro yeBhaibheri yeNyika Itsva yaiva yokuita shanduro yaiva (chaiyoiyo sezvinobvira; kutaura nemamwe mashoko mitauro yapakuvamba; maererano nokunzwisiswa kwedzidziso yakati) kuitira kuti kupe muravi zvairehwa chaizvo nemitauro yapakuvamba nepfungwa dzaibatanidzwa. [w97-CA 10/15 peji 11 ndima 5]

28. Maererano naVaHebheru 13:19, minyengetero inopfuurira yevatinonamata navo inogona kuratidza musiyano pakuti (Mwari anobvumirei; Mwari anoita chiito rini; Mwari achafambisa sei zvinhu). [w97-CA 4/15 peji 6 ndima 1]

29. “Rwonzi rwebhuruu pamusoro pomupendero wenguvo” yevaIsraeri rwaidiwa se(chishongo chitsvene; chiratidzo chokuva nemwero; chiyeuchidzo chaionekwa chokuva vakasiyana nenyika sevanhu vaJehovha). (Num. 15:38, 39) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w84-CA 4/15 peji 20 ndima 16.]

30. Nguva yose yakataurwa nezvayo nebhuku raDheuteronomio (mwedzi miviri; gore rimwe; makore maviri), uye kunyorwa kwaro kwakapera pakutanga kwa(1513; 1473; 1467) B.C.E. [si-CA peji 36 ndima 6]

Wiriranisa Magwaro anotevera nemitsetse yakarongwa pasi apa:

Num. 16:41, 49; Mat. 19:9; Ruka 2:36-38; Jak. 3:18; VaK. 3:14

31. Kudzidza kunoitwa zvakanakisisa mumamiriro ezvinhu ane rugare. [w97-CA 8/1 peji 28 ndima 1]

32. Ufeve ndihwo chikonzero bedzi chapaMagwaro chokurambana nebviro yokuroora kana kuroorwazve. [fy-CA mapeji 158-9 ndima 15]

33. Kuva anoshingaira zvikuru mumabasa oUbati Ushe hwaMwari, kunyange mumakore okukwegura, kunogona kubetsera munhu kukurira kurasikirwa nemumwe wako wawanga wakaroorana naye. [fy-CA mapeji 170-1 ndima 21]

34. Kuwanira mhaka nzira yaJehovha yokururamisira kuburikidza nevashumiri vake vakagadzwa kunogona kuguma nenjodzi. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w96-CA 6/15 peji 21 ndima 13.]

35. Rudo rwusina udyire rwunobatanidza vakaroorana uye rwunovaita kuti vade kuitirana zvakanakisisa uye nokuda kwevana vavo. [fy-CA peji 187 ndima 11]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe