Chikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari Cha2000
1 Chikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari charatidza kuva chikomborero chikuru kuvanhu vaJehovha. Mumakore 50 apfuura, chabetsera mamiriyoni kukudza mano awo savakurukuri vapachena nevadzidzisi vechokwadi cheBhaibheri. (Pis. 145:10-12; Mat. 28:19, 20) Ungaona kuti chikoro chakubetsera sei here? Chinogona kupfuurira kudaro muna 2000 kana ukabatanidzwa machiri zvakazara ndokushandisa zano rinopiwa.
2 Mirayiridzo yemigove nemabhuku achashandiswa zvakarongwa papeji yokutanga yepurogiramu yechikoro ya2000. Nguva yakagoverwa pahurukuro yoga yoga, kunobva mashoko, mapirwe achaitwa mashoko acho, uye mamwe mashoko zvakataurwa nezvazvo. Tapota wana nguva yokunyatsorava mirayiridzo ndokuishandisa.
3 Kurava Bhaibheri Kwevhiki Nevhiki: Kune purogiramu mbiri dzakasiyana dzokurava Bhaibheri vhiki nevhiki dzakarongwa papurogiramu yechikoro. Imwe ipurogiramu yokurava yenguva dzose inopedza anenge mapeji mashanu eBhaibheri. Pfungwa huru dzinobva mukurava Bhaibheri dzinobva pakurava uku. Imwe purogiramu yacho yokurava ndeyokuwedzera uye inopedza mashoko akawanda zvakapetwa kaviri kupfuura imwe yacho. Nokutevedzera purogiramu iyi, uchakwanisa kurava Bhaibheri rose mumakore matatu. Zvinonzwisiswa kuti vamwe vangada kurava zvinopfuura zvakarongwa mupurogiramu yokuwedzera, uye vamwe vangasakwanisa kuramba vachiitevedzera. Pane kuzvienzanisa nevamwe, fara mune zvaunogona kupedza. (VaG. 6:4) Chinhu chinokosha kurava Shoko raMwari zuva nezuva.—Pis. 1:1-3.
4 Kuti unyorese muChikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari, unofanira kutaura nomutariri wechikoro. Tapota fungisisa migove yako, uye usairega zvisina kufanira. Koshesa chikoro segadziriro inobva kuna Jehovha. Nyatsogadzirira, iva akanyatsorovedzana nemashoko awakapiwa, uye ataure zvinobva pamwoyo, nokudaro uchibetserwa nechikoro ichi chakasiyana nezvimwe.