RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/99 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 12/99 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna December: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi pamwe neShanduro Yenyika Itsva. January: Bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakabudiswa 1986 asati asvika iro ungano ingava naro. Ungano dzisina mugove wemabhuku akadaro dzingagovera bhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. February: Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Tichaedza kupfuura zvatinosimboita kutanga fundo dzeBhaibheri dzepamusha.

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu waakasarudza anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi wa1 December kana kuti nokukurumidza pashure pacho. Izvi pazvinenge zvaitwa, zivisai ungano kana mushumo weakaunzi unotevera waraviwa.

◼ Chirangaridzo chegore ra2001 chichava pamusi weSvondo, 8 April, pashure pokuvira kwezuva. Ichi chiziviso chapiwa pachine nguva kuitira kuti hama dziite gadziriro dzinodiwa kana kuti zvibvumirano nokuda kwehoro dzinowanikwa pakunenge kune ungano dzinoverengeka dzinoshandisa Horo yoUmambo uye zvimwe zvivako zvichafanira kuwanikwa. Vakuru vanofanira kuva nechibvumirano nevatarisiri chinovimbisa kuti hapazovi nezvimwe zvinenge zvichiitwa muchivako chacho zvinodzongonyedza kuitira kuti kuchengetwa kweChirangaridzo kuitwe norugare uye zvakarongeka. Nemhaka yokukosha kwenguva yacho, pakuronga mukurukuri weChirangaridzo, dare revakuru rinofanira kusarudza mumwe wevakuru vanokwanisa zvikuru panzvimbo pokungoita madzoro kana kuti kushandisa hama imwe chete gore negore. Zvakasiyana zvichaitwa kana pane mukuru anokwanisa wevakazodzwa anogona kupa hurukuro yacho.

◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha Yearbook of Jehovah’s Witnesses ya2000. MaYearbook achawanikwa muchiNgezi nechiZulu. Kusvikira ava kuwanikwa, acharatidzwa se“Akamirirwa” pamainivhoisi eungano. Mapiyona enguva dzose nemapiyona chaiwo HAAFANIRI kuaodha zvakananga kuSosaiti asi anofanira kuawana nokuungano.

◼ Ungano dzinofanira kuodha Kokero dzeChirangaridzo iye zvino nokuda kweChirangaridzo cha2000. Kunonoka kuodha kungapedzisira kwaita kuti ungano yenyu isadzigamuchira munguva kuti idzishandise kukokera vanhu kuchiitiko ichi chinokosha. Kudzivisa kuora mwoyo, tapota ibvai matumira odha iye zvino.

◼ Mbatya Dzakapiwa Sezvipo: Mbatya dzakapiwa sezvipo dzamave muri kutumira kuhofisi yedu dzinoongwa zvikuru. Sosaiti inokukurudzirai kuramba muchidaro sezvo ticharamba tichida mbatya dzakadaro kuti tibetsere vanoshaiwa uye vaya vari mubasa renguva yakazara.

◼ Kururamisa: Bhuku rinonzi Zivo muchiShona: Muchitsauko 4 ndima 8, chinjai “Jeremia 2:1-8” kuva “Nehemia 2:1-8.” Muchitsauko 18 ndima 8, chinjai “Johane 4:6-16” kuva “Johane 4:4-15.”

◼ Mwedzi yaJune kusvika kuna September gore rinouya ichatsaurwazve nokuda kwebasa rendima dzisina kugoverwa. Gore rino takava nokudavidza kwakanakisisa kupfuura imwe nguva. Noruzivo rwebasa urwo vatariri vebasa vakawana gore rino, tinotarisira kuti ungano dzakawanda dzicharonga kuva nezvadzinoitawo gore rinouya. Tangai kuronga zvino nokuda kwebasa iri rinokosha! Kana muchida mashoko endima isina kugoverwa, tapota kurukurai neDhipatimendi redu reBasa.

◼ Mabhuku Matsva Aripo:

Shanduro Yenyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki—chiShona

Fungisisa Uprofita hwaDhanieri—chiNgezi, chiShona, chiZulu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe