Misangano Yebasa yaNovember
Vhiki Inotanga na1 November
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.
15 min: “Kuparidza Kunotisiyanisa.” Itai kuti mashoko ekusuma asapfuura miniti imwe, mobva makurukura nemibvunzo nemhinduro. Muchishandisa bhuku rinonzi Zivo, peji 173, ndima 8, rondedzerai nokupfupikisa zvatingataura kuti tikurudzire mudzidzi weBhaibheri kuti avavarire kuitawo ushumiri.
20 min: “Ndiani Angabvuma Kudzidza Bhaibheri?” Hurukuro nemienzaniso. Maererano nendima 4, taurai nzira dzakasiyana-siyana dzokuita kuti vanhu vafarire kudzidza zviri mumabhuku edu. Ivai nemienzaniso mipfupi miviri inoratidza maitirwe azvingaitwa. Kumbirai vateereri kuti vataure kubudirira kwavakaita mukutanga fundo.
Rwiyo 198 nemunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na8 November
5 min: Zviziviso zveungano. Sumai chikamu chinotevera chepurogiramu icho chichakurukura pamusoro petsamba yakanyorerwa Kuungano Dzose ya15 October 1999.
30 min: Mutariri anotungamirira anotaura pfupiso yendima yekutanga yetsamba ya15 October 1999, yakanyorerwa Kuungano Dzose. Zvadaro munyori weungano anobvunza mutariri anotungamirira mumwe nemumwe wemibvunzo yacho. Mutariri anotungamirira anofanira kurava mhinduro yega yega zvakananga patsamba yacho. Munyori weungano anogumisa nepfupiso yemaminiti maviri yechikamu chine musoro unoti, “Munhu ega ega Anofanira Kuona sei Gadziriro Itsva?” Sumai hurukuro inotevera, iyo icharatidza kuti mabhuku achagoverwa sei mumunda.
10 min: Mutariri webasa achakurukura hurukuro iyi. Anofanira kunge anyatsorava nekunyatsodzidza tsamba ya15 October 1999 yakanyorerwa Kuungano Dzose. Vaparidzi kana kuti mapiyona vane ruzivo vachaita mienzaniso yakanyatsogadzirirwa nekunyatsodzokororwa.
(2 min.) Mutariri webasa anofanira kusimbisa kuti kugadzirira kwekuwedzera kuchadiwa munguva yemberi kuti vese vasvike pakujairana nenzira ichashandiswa pakugovera mabhuku nemagazini, pamwe nematauriro ane unyanzvi angaitwa nemunhu kune anofarira kana angada kupa mupiro kubasa renyika yose reZvapupu zvaJehovha. Kurudzirai ungano kunyatsoteerera mienzaniso mitatu inotevera ndokunyora zvinonyorwa.
(2 min.) Muparidzi kana kuti piyona anogovera bhuku rinonzi Zivo kuna saimba aratidza kufarira kwechokwadi kukurukurirana kweBhaibheri. Muparidzi wacho angati: “Zvapupu zvaJehovha vashandi vanozvipira vanofunga kuti zvinokosha kuti vanhu vanotya Mwari vawane mashoko aya akanaka. Mipiro yekuzvidira inoitwa neZvapupu zvaJehovha nevamwe vanhu vanoona kukosha kwedzidzo yeBhaibheri nhasi inobetsera kutsigira basa iri uye inoita kuti tikwanise kugovera bhuku iri pasina mutengo unodiwa kune vanhu vanofarira zvechokwadi kudzidza izvo Mwari akachengetera vanhu.” Saimba wacho anobvunza kuti: “Munoreva kuti ndinokwanisa kuwana bhuku iri here?” Muparidzi wacho anopindura kuti: “Hungu munokwanisa, kana muchifarira zvechokwadi mashoko eBhaibheri arinawo. Uye ndichafara kudzoka zvakare ndokukurukura nemi mamwe emashoko aya. Kana muchida kupa mupiro muduku kukufambisirwa mberi kwebasa iri redzidzo yeBhaibheri, mungadaro. Mupiro wenyu uchaongwa uye uchashandiswa wese kufambisira mberi mashoko akanaka eUmambo.” Saimba wacho anopa mupiro uye muparidzi kana kuti piyona wacho anoita kuti auise zvakananga muhamvuropu yakagadzirirwa basa renyika yose.
(2 min.) Shandisai muenzaniso mumwe iwoyo, muchienzanisira kuti muparidzi angagovera sei bhuku rinonzi Zivo, anoritambidza saimba wacho, uye zvadaro obvunza kana angada kupa mupiro kubasa renyika yose. Panguva ino saimba wacho anoti, “Handifungi kuti ndicharava bhuku racho.” Muparidzi anodzorerwa bhuku racho nasaimba ndokuti: “Ndichapa bhuku racho kune mumwe munhu achafara kurishandisa. Panguva ino ndinofunga kuti, zvimwe muchafadzwa neturakiti iri.”
(2 min.) Muparidzi kana kuti piyona anoenzanisira nzira yekugovera nayo magazini ichangobuda. “Mangwanani. Zita rangu ndinonzi ______. Ndauya kuzokupai mamwe mashoko anokosha pamusoro pe[taura nyaya kana kuti musoro wacho]. Ndakafarira pfungwa iyi. [Ratidza pfungwa chaiyo kana kuti tsanangura mufananidzo.] Yakandibetsera [tsanangura mabetsererwo awakaitwa], uye ndinofunga kuti nemiwo muchaifarira. Kana muchizorava magazini yacho, ndaizofara kukusiyirai.” Saimba wacho anobvunza kuti, “Magazini yacho inoita marii?” Muparidzi kana kuti piyona wacho anopindura kuti, “Hapana mutengo unodiwa nokuda kwemabhuku edu, asi kana mungada kupa mupiro muduku kubasa redu redzidzo yeBhaibheri renyika yose, tinofara kuugamuchira.” Saimba wacho anopa mupiro uye muparidzi kana kuti piyona wacho anoita kuti auise zvakananga muhamvuropu yakagadzirirwa basa renyika yose.
(2 min.) Mutariri webasa anoyeuchidza vaparidzi kushandisa mabhuku nekuchenjera ndokutsanangura gadziriro yemupiro nekuchenjera kune vanhu vanoratidza kufarira kwechokwadi uye vanotora mabhuku. Kuti anyatsobetsera zvechokwadi, mabhuku edu anofanira kupiwa vanhu vanotsvaka chokwadi, ndiko kuti, vaya vanofarira zvechokwadi mashoko nebasa redu. Izvi zvinowanzooneka pakushanya kwekutanga. Vaparidzi havafaniri kurega kugovera mabhuku. (Mat. 10:11) Kune rimwe divi, tinofanira kudzivisa kungomwaya mabhuku tisingasarudzi kune vaya vasina kuratidza kunyatsoonga mashoko eBhaibheri. Taurai kuti vamwe vaparidzi vaduku vangafanira kunyatsoshanda nevabereki vavo muushumiri hwepaimba neimba kusvikira vanyatsojairana nekukurukura navanasaimba. Vaparidzi vatsva nevasati vaakunyatsoziva vachada kushanda neavo vanokwanisa kuvadzidzisa mashandisiro avangaita mharidzo yazvino uye zvadaro votsanangura zvinobudirira gadziriro yakapfaviswa yekugovera mabhuku. Nekupfuurira noushumiri nenzira iyi, kusimbiswa kuri kuiswa pabasa rekuparidza chairoiro uye tinokwanisa kunzwisisa zvakanyatsojeka pane kufarira kwechokwadi. Chatinonyanya kunetsekera ndechekuwana nekudyisa makwai aShe uye kuashongedzera nokuda kwekupukunyuka ndokupinda munyika itsva yaJehovha. Pazvikamu zvinotevera zveMusangano Webasa apo magazini nemabhuku zvinogoverwa, mienzaniso yacho inofanira kubatanidza kuti munhu angasarudza sei kana kufarira kwaratidzwa kuchikodzera kuti asiye bhuku. Muparidzi anofanirawo kuratidza kuti tingaudza sei vanhu kuti mipiro inogamuchirwa kuti tibetsere basa redu renyika yose.
Rwiyo 208 nemunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na15 November
5 min: Zviziviso zveungano. Zivisai zvirongwa chaizvo zvebasa romumunda zvokupera kwevhiki.
30 min: “Kushandiswa kweGadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta—Chenjerera Njodzi Dzacho!” Kukurukura nemibvunzo nemhinduro. Ravai ndima 4-7, 12, 16, 17, 23-5, uye 34-6.
10 min: Bhokisi Remibvunzo. Hurukuro. Zivisai zvirongwa zveungano zvokuchengeta Horo yoUmambo yakachena uye yakanaka.
Rwiyo 217 nemunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na22 November
8 min: Zviziviso zveungano nezvakaitika mubasa romumunda. Mushumo weakaunzi.
10 min: Chii Chiri Pfungwa Dzako Pamusoro Pemigove? Hurukuro inopiwa nemukuru. Kune zvinhu zvakawanda zvemabasa anokosha anodiwa kuchengeta ungano ichishanda: kugadzirira migove yepurogiramu; kutora vamwe nokuda kwokuenda navo kumisangano kana kuti kuenda navo mubasa; kubetsera vakwegura; uye kuchenesa, kugadzira zvakafa, uye kutarisira Horo yoUmambo, kusanganisira kutarisira tsangadzi. Unoita sei paunokumbirwa kubetsera? Vamwe vangaramba, vangabvuma nenzira yokuzengurira, kana kuti vangatadza kupfuurira kusvika pakupedza. Kurukurai kuti nei kubvuma nekuita migove zviri chikomborero chinofadza. Kurudzirai vose vari muungano kuratidzira chido chokuzvidira.—Pis. 110:3, NW, mashoko emuzasi; Isa. 6:8.
12 min: Vabereki—Munoitisa Fundo yeMhuri yeNguva Dzose Here? Hurukuro nekukurukurirana nevateereri. Tsanangura nei mhuri dzichifanira kudzidza pamwe chete. (Onai Bhuku Rinotungamirira reChikoro, mapeji 37-8.) Kurukurai zvinodzivisa fundo yemhuri zvinotevera: (1) kufunga kuti vana vacho vachiri vaduku zvikuru zvekusakwanisa kuti vabetserwe, (2) kufunga kuti kupinda misangano yeungano kwakaringana, (3) kuneta nemhaka yepurogiramu yakabatika, uye (4) kudzongonyedzwa nekuona terevhizheni. (Onai Nharireyomurindi yaMay 15, 1994, mapeji 11-12.) Kumbirai misoro yemhuri kuti itaure kukurira kwainoita mhinganidzo kuti irambe ine muitiro wakanaka wefundo yemhuri. Simbisai kuti izvi zvinoda kuti tiite zvese zvatingagona, kutsunga, uye kushandira pamwe.
15 min: Kurudzirai Vatsva Kupinda Misangano. Kukurukurirana kunoitwa nemukuru mumwe nemushumiri anoshumira mumwe kana kuti vaviri, kwakavakirwa mubhurocha rinonzi Zvinoita Kuda kwaMwari, mapeji 14-15. Kurukurai kuti nei zvichikosha kuti vatsva vapinde misangano. Ikoko vachawana mimwe yemirayiridzo yavo inokosha, kukurudzirwa, uye kubetserwa. Kurukurai misangano mishanu yevhiki nevhiki, muchitsanangura kubetsera kunoita mumwe nemumwe. Kurukurai kuti misangano inotsigira sei mufambiro unodiwa naMwari, kutivaka mumudzimu, kutiswededza pedyo nesangano, kutibetsera kutanga ushamwari hwapedyo nevamwe, uye kutibetsera kunzwisisa chinangwa choushumiri hwedu. Kurudzirai vateereri kushandisa bhurocha iri kuita kuti vatsva vauye kumisangano.
Rwiyo 223 nemunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na29 November
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidzai vaparidzi kusiya mishumo yebasa romumunda yaNovember.
20 min: “Uchati Kudii kumuMuslim?” Mibvunzo nemhinduro. Simbisai kudiwa kwekunzwisisa pamunokurukura nevanhu vedzimwe tsika. Enzanisirai mharidzo yakanyatsogadzirirwa. Nokuda kwemashoko akawanda echiIslam, onai bhuku rinonzi Kurangarira, peji 23-4; uye Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu, chitsauko 12.
15 min: Chisarudzo Chedu—Shanduro Yenyika Itsva. Hurukuro nemienzaniso. Pakati pemasangano ezvitendero, chedu chakasiyana nezvimwe mukuti tinobudisa, tinoshandisa, uye tinoparadzira shanduro yeBhaibheri yakabudiswa nevanamati vakazodzwa vaJehovha. Hakusi kuti tinoda kutsigira kutengeserana kana kuti kuparadzira zvitendero zvemapoka maduku ezvitendero. Panzvimbo pezvo, tinodaro nokuda kwechido chokukudza zita raMwari uye kubetsera vamwe kumuziva zviri nani. Dzimwe shanduro dzinowanzoshandura Shoko raMwari mumashoko asinganzwisisiki, saka kurukurai zvinhu zvakasiyana-siyana zvinobetsera zveShanduro Yenyika Itsva. (Onai bhuku rinonzi “Rugwaro Rwose,” mapeji 327-31. Cherechedzai tsinhiro dziri mundima 3, dudzai mienzaniso yokushandura kwakavandudzwa iri mundima 6, uye simbisai zvinhu zvinobetserawo zviri mundima 22-3.) Ivai nemienzaniso mipfupi miviri inoratidza mapindurire atingaita vamwe pavanoti, “Mune Bhaibheri renyu pachenyu.”—Onai bhuku rinonzi Kurangarira, mapeji 278-279.
Rwiyo 205 nemunyengetero wokugumisa.