RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/99 p. 1
  • Kuparidza Kunotisiyanisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuparidza Kunotisiyanisa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Zvapupu zvaJehovha
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Chitendero
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Shingaira Pakuparidza Sezvaiita Jesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • ‘Unoshingairira Mabasa Akanaka’ Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 11/99 p. 1

Kuparidza Kunotisiyanisa

1 Vanhu vakawanda vanobvunza kuti, “Chii chinoita kuti Zvapupu zvaJehovha zvisiyane nezvimwe zvitendero?” Ungapindura sei? Ungatsanangura zvimwe zvezvatinodavira zvakavakirwa paBhaibheri. Asi wakambofungawo here nezvekuratidza kuti ushumiri hwedu hwapachena hunotisiyanisa zvakadini nezvimwe zvitendero?—Mat. 24:14; 28:19, 20.

2 Nhasi, vanhu vashomanana vechitendero vanonzwa vachida kugovana nevamwe zvavanodavira. Vangafunga kuti zvakakwana kuteerera mitemo yaKesari, kurarama upenyu hune tsika dzakanaka, kana kuti kuitira vamwe mabasa emutsa. Zvisinei, havanzwi vane musengwa wokubetsera vamwe kudzidza zvinotaura Bhaibheri pamusoro pokuponeswa. Takasiyana sei?

3 Ushumiri hwedu hwokushingaira hwakanyatsosiyana nezvinoitwa nezvimwe zvitendero. Kwemakore anopfuura 100, Zvapupu zvamazuva ano zvaparidza nokushingairira mashoko akanaka kusvika kumigumo yepasi, mukutevedzera vaKristu vapakutanga. Vavariro yedu yekuita izvi ndeyokubetsera vanhu vakawanda sevanobvira kuti vawiriranise upenyu hwavo nokuda kwaMwari.—1 Tim. 2:4; 2 Pet. 3:9.

4 Une Mukurumbira Wakadii? Unozivikanwa semuparidzi anoshingaira weShoko raMwari here? (Mabasa 17:2, 3; 18:25) Nemhaka yebasa rako rokuparidza, vavakidzani vako vanoona zviri nyore musiyano uri pakati pechitendero chavo nechako here? Unozivikanwa semunhu anoda zvikuru kugovana tariro yake nevamwe here? Une muitiro wenguva dzose wokuitawo ushumiri here? Yeuka kuti tinozvisiyanisa kwete bedzi nezita redu asiwo nekuita kwedu zvinotsanangurwa nezita iroro—kupupura nezvaJehovha.—Isa. 43:10.

5 Kuda Mwari nemuvakidzani kunotiita kuti tiitewo basa rokuparidza. (Mat. 22:37-39) Ndokusaka isu, saJesu nevaapostora, tichida kushandisa mukana uri wose wokugovana mashoko eUmambo nevamwe. Ngatirambe tichiparidza mashoko akanaka nokushingaira kuna avo vanoda kuteerera. Kuita kudaro kuchabetsera vane mwoyo yakatendeseka ku“ona kusiyana . . . kwounoshumira Mwari nousingamushumiri.”—Mar. 3:18.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe