RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/99 p. 1
  • Ndiani Angabvuma Kudzidza Bhaibheri?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndiani Angabvuma Kudzidza Bhaibheri?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Shandisa Mabhuku Edu Nokuchenjera
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Dziri Kudikanwa—Fundo dzeBhaibheri Dzakawanda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Tinofanira Kuva Vadzidzisi, Kwete Vaparidzi Bedzi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Wana Ushingi Hwokuita Shanyo Dzedzokerero
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 11/99 p. 1

Ndiani Angabvuma Kudzidza Bhaibheri?

1 Muprofita Amosi akazivisa kuti kwaizova nenzara munyika yaIsraeri, “isati iri nzara yezvokudya, kana nyota yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehovha.” (Amo. 8:11) Nokuda kwekubetserwa kweavo vane nzara nenyota zvomudzimu, sangano raJehovha riri kuparadzira mabhuku eBhaibheri akawanda munyika yose.

2 Kusvika panguva ino, tadhinda mabhuku anonzi Zivo mamiriyoni 70 uye mabhurocha anonzi Anodei mamiriyoni 91. Mukudzidzisa chokwadi, tinoonga kuva nyore uye kubudirira kwemabhuku aya. Zvisinei, vanhu vazhinji chaizvo vakagamuchira mabhuku edu havasati vadzidza Bhaibheri nesu. Tingaita sei neizvi?

3 Kugovera Kwoga Kwoga Kunoreva Munhu Angada Kudzidza! Funga nezvechakaitika chemumwe muparidzi akaudza mumwe mukadzi nezvekudzidza naye nguva yokutanga yaakataura naye pasuo. Akabvuma pakarepo. Gare gare akamuudza kuti, “Ndiwe munhu wekutanga kundiudza nezvekudzidza Bhaibheri.” Mundima yako, vanhu vangani vanotova nemabhuku edu vangataura zvakafanana? Kugovera kwoga kwoga kunopa mukana wokushanyazve uye wokudzidzisa munhu Bhaibheri pamusha.

4 Sezvo tichiwanzosangana nevanhu vanotova nemabhuku edu, tingavaita sei kuti vafarire kudzidza zviri mumabhuku edu? Chimwe Chapupu chakanyatsobvunza mumwe saimba kana aiva nemibvunzo ipi neipi yeBhaibheri, asi akangoti, “Aiwa.” Hanzvadzi yacho yakaomerera kuti, “Chokwadi munayo.” Mukadzi wacho aiva nayo, uye kudzidza kwakatanga. Kuregererei kubvunza saimba kana achida kudzidza zvinotaura Bhaibheri pamubvunzo kana kuti nhau inomunetsa? Iva akagadzirira kumutsa mubvunzo unofadza kana iye asingagoni kufunga nezvechimwe chinhu. Kukurukurirana kwakadaro kungavhura nzira yekudzidza chokwadi chinokosha cheBhaibheri nguva dzose.

5 Basa rokudzidzisa Bhaibheri ndiro chinhu chinokosha zvikuru muushumiri hwedu. Sezvo tisingazivi kuti ndiani angabvuma kudzidza, usazengurira kuudza munhu wose waunosangana naye. Udza Jehovha nhau yacho mumunyengetero, uye shanda maererano neminyengetero yako. Nokukurumidza ungaona kuti mumwe munhu waungaudza nezvekudzidza achabvuma!—1 Joh. 5:14, 15.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe